1 VaTesaronika 1:6-8
1 VaTesaronika 1:6-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Makava vateveri vedu uye nevaIshe; pakati pokutambudzika kukuru, makagamuchira shoko nomufaro unopiwa naMweya Mutsvene. Nokudaro makava muenzaniso kuvatendi vose vari muMasedhonia neAkaya. Shoko raShe rakanzwika kubva kwamuri kwete muMasedhonia neAkaya bedzi, kutenda kwenyu muna Mwari kwakazivikanwa kwose kwose. Naizvozvo hatifaniri kutaura chinhu pamusoro pazvo
1 VaTesaronika 1:6-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nemi makava vateveri vedu navaIshe, zvamakagamuchira Shoko mumadambudziko mazhinji, nomufaro woMweya Mutsvene; naizvozvo makatungamirira vose vanotenda muMakedhonia neAkaya. Nokuti shoko raIshe, rakabva kwamuri, rakanzwika, kusati kuri kuMakedhonia neAkaya bedzi, asi kutenda kwenyu kuna Mwari kwakasvika kwose; naizvozvo hatifaniri kutaura chinhu.
1 VaTesaronika 1:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Imi makatitevedzera mukatevedzerawo Tenzi nokuti makagamuchira shoko irori muri munhamo huru asi makarigamuchira norufaro muchifemerwa naMweya Mutsvene, zvokuti makava muenzaniso kuvatendi vose vokuMasedhonia nokuAkaya. Shoko raTenzi richibva kwamuri harina kungonzwika kuMasedhonia nokuAkaya koga asi chitendero chenyu muna Mwari chakasvika kose kose zvokuti hapana chatingataure.
1 VaTesaronika 1:6-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nemi makaʋa ʋateʋeri ʋeɗu naʋaShe, ɀamakagamucira Shoko mumaɗambudziko mazhinji, nomufaro woMŋeya Mutȿene; naiɀoɀo makatuŋgamirira ʋose ʋanotenda muMakedonia neAkaya. Nokuti shoko raShe, rakabva kwamuri, rakanzwika, kusati kuri kuMakedonia neAkaya ɓedzi, asi kutenda kwenyu kunaMŋari kwakaȿika kwose; naiɀoɀo hatifaniri kutaura cinhu.
1 VaTesaronika 1:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)