1 VaTesaronika 1:2-6 - Enzanisa Shanduro Dzose
1 VaTesaronika 1:2-6 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tinogara tichivonga Mwari nokuda kwenyu mose, tichikutaurai muminyengetero yedu. Tinoramba tichirangarira pamberi paMwari wedu naBaba vedu, basa renyu rinobva pakutenda, nokushanda kwenyu kunobva parudo, uye nokutsungirira kwenyu kunobva patariro iri muna Ishe Jesu Kristu. Nokuti tinoziva, hama dzinodikanwa naMwari, kuti akakusarudzai, nokuti vhangeri redu harina kuuya kwamuri namashoko bedzi, asi nesimbawo, noMweya Mutsvene uye nokuziva kwakadzama. Munoziva kuti takagara sei pakati penyu nokuda kwenyu. Makava vateveri vedu uye nevaIshe; pakati pokutambudzika kukuru, makagamuchira shoko nomufaro unopiwa naMweya Mutsvene.
1 VaTesaronika 1:2-6 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tinovonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu mose, tichikurangarirai pakunyengetera kwedu; tichiramba tichirangarira basa renyu rinobva pakutenda, nokutamburira vamwe kunobva parudo, nokutsungirira kunobva patariro muna Ishe wedu, Jesu Kristu, pamberi paMwari, Baba vedu; tinoziva, hama dzinodikanwa naMwari, kusanangurwa kwenyu. Nokuti Vhangeri yedu haina kuuya kwamuri neshoko bedzi, asi nesimbawo, nomuMweya Mutsvene, nokuziva kwazvo; sezvamunoziva kuti takanga takadini pakati penyu nokuda kwenyu. Nemi makava vateveri vedu navaIshe, zvamakagamuchira Shoko mumadambudziko mazhinji, nomufaro woMweya Mutsvene
1 VaTesaronika 1:2-6 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Tinoʋoŋga Mŋari ŋguʋa dzose nokuɗa kwenyu mose, ticikuraŋgarirai pakunyeŋgetera kweɗu; ticiramba ticiraŋgarira ɓasa renyu rinobva pakutenda, nokutamburira ʋamŋe kunobva paruɗo, nokutsuŋgirira kunobva patariro munaShe weɗu, Jesu Kristu, pamberi paMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu; tinoziʋa, hama dzinoɗikanwa naMŋari, kusanaŋgurwa kwenyu. Nokuti Evaŋgeri yeɗu haina‐kuʋuya kwamuri neshoko ɓedzi, asi nesimba ʋo, nomumŋeya Mutȿene, nokuziʋa kwaɀo; seɀamunoziʋa kuti takaŋga takaɗini pakati penyu nokuɗa kwenyu. Nemi makaʋa ʋateʋeri ʋeɗu naʋaShe, ɀamakagamucira Shoko mumaɗambudziko mazhinji, nomufaro woMŋeya Mutȿene
1 VaTesaronika 1:2-6 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tinotenda Mwari nguva dzose pamusana penyu mose. Tinogara takakudomai muminamato yedu tichiyeuka pana Mwari naBaba vedu basa renyu rechitenderano, nebasa renyu rorudo uye kutirira kwenyu muchitarisiro chamuinacho muna Tenzi wedu Jesu Kristu. Tinoziva, hama dzangu, imi vadiwa vaMwari kuti Mwari akakusarudzai nokuti Shoko redu Rakanaka rakauya kwamuri, kwete zvepamuromo chete asi nesimba naMweya Mutsvene uye nechivimbo chizere. Imi munoziva kuti takaratidza kuti tiri vanhuyi zvataiva pakati penyu tichizviitira imimi. Imi makatitevedzera mukatevedzerawo Tenzi nokuti makagamuchira shoko irori muri munhamo huru asi makarigamuchira norufaro muchifemerwa naMweya Mutsvene
1 VaTesaronika 1:2-6 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)