1 Samueri 8:19-20
1 Samueri 8:19-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi vanhu vakaramba kuteerera Samueri. Vakati, “Kwete! Tinoda mambo kuti atitonge. Ipapo tichava sedzimwe nyika dzose, tiina mambo anotitungamirira nokutiendera pamberi achitirwira hondo dzedu.”
1 Samueri 8:19-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi vanhu vakaramba kuteerera izwi raSamueri, vakati, “Kwete, tinoda hedu mambo ungatibata, kuti isuo tifanane nedzimwe ndudzi; mambo wedu atitonge, atitungamirire, nokurwa pahondo dzedu.”
1 Samueri 8:19-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi vanhu vakaramba kunzwa zvavakaudzwa naSamueri. Vakati, “Kwete! Tiri kuda kutongwa namambo kuti tiitewo samamwe marudzi ose aya, titongwewo namambo wedu iyeyo apote achititungamirira nokuzotirwirawo muhondo.”
1 Samueri 8:19-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ʋanhu ʋakaramba kuterera inzwi raSamueri, ʋakati: Kwete, tinoɗa heɗu mambo uŋgatiɓata, kuti isu ʋo tifanane nedzimŋe ndudzi; mambo weɗu atitoŋge, atituŋgamirire, nokurwa pahondo dzeɗu.
1 Samueri 8:19-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)