1 Samueri 7:2-4
1 Samueri 7:2-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Areka yakaramba iri paKiriati Jearimi kwenguva yakareba kwazvo, makore makumi maviri pamwe chete, uye vanhu vose veIsraeri vakachema uye vakatsvaka Jehovha. Ipapo Samueri akati kuimba yeIsraeri, “Kana muchidzokera kuna Jehovha nemwoyo yenyu yose, zvino chibvisai pakati penyu vamwari vavatorwa navaAshitoreti mugozvikumikidza kuna Jehovha uye mumushumire iye bedzi, uye achakudzikinurai kubva muruoko rwavaFiristia.” Saka vaIsraeri vakarasa vose vaBhaari vavo navaAshitoreti, vakashumira Jehovha chete.
1 Samueri 7:2-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kubva pamusi wokusvika kweareka paKiriatijearimi, yakagarapo nguva refu, nokuti akanga ari makore makumi maviri; imba yose yaIsiraeri ikachema kuna Jehovha. Samueri akataura neimba yose yaIsiraeri, akati, “Kana muchida kudzokera kuna Jehovha nomwoyo wenyu wose, bvisai vamwari vatorwa neAshitaroti pakati penyu, mugadzirire Jehovha mwoyo yenyu, mumushumire iye oga; ipapo iye uchakusunungurai pamaoko avaFirisitia.” Vana vaIsiraeri vakabvisa vaBhaari neAshitaroti, vakashumira Jehovha oga.
1 Samueri 7:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Bhokisi raTenzi rechitenderano rakagara muKiriatijearimu kwenguva ndefu kubvira musi waraiswa ikoko. Rakasvitsa makore makumi maviri, vaIsiraeri vose vakachema kuna Tenzi. Samueri akataurira vaIsiraeri vose achiti, “Kana mada zvokudzokera kuna Tenzi nomwoyo wose motorasa vamwari vasirivo pamwechete nezvifananidzo zvavamwari vanaAshitaroti zvamunazvo, muise mwoyo yenyu kuna Tenzi munamate iye oga. Iye achakununurai mumaoko avaFirisitia.” Naizvozvo vaIsiraeri vakarasa vamwari ivavo vanaBhaari navanaAshitaroti vakanamata Tenzi chete.
1 Samueri 7:2-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kubva pamusi wokuȿika kweareka paKiriati‐jearimi, yakagara’po ŋguʋa refu, nokuti akaŋga ari makore makumi maʋiri; imba yose yaIsraeri ikacema kunaJehova. Samueri akataura neimba yose yaIsraeri, akati: Kana muciɗa kudzokera kunaJehova nomŋoyo wenyu wose, bvisai ʋamŋari ʋatorwa neAshtaroti pakati penyu, mugadzirire Jehova mŋoyo yenyu, mumushumire iye oga; ipapo iye ucakusunuŋgurai pamaʋoko aʋaFiristia. Ʋana ʋaIsraeri ʋakabvisa ʋaBaari neAshtaroti, ʋakashumira Jehova oga.
1 Samueri 7:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)