Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 7:1-17

1 Samueri 7:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Saka varume veKiriati Jearimi vakauya vakatora areka yaJehovha. Vakaiendesa kuimba yaAbhinadhabhi pachikomo uye vakatsaura Ereazari mwanakomana wake kuti achengete areka yaJehovha. Areka yakaramba iri paKiriati Jearimi kwenguva yakareba kwazvo, makore makumi maviri pamwe chete, uye vanhu vose veIsraeri vakachema uye vakatsvaka Jehovha. Ipapo Samueri akati kuimba yeIsraeri, “Kana muchidzokera kuna Jehovha nemwoyo yenyu yose, zvino chibvisai pakati penyu vamwari vavatorwa navaAshitoreti mugozvikumikidza kuna Jehovha uye mumushumire iye bedzi, uye achakudzikinurai kubva muruoko rwavaFiristia.” Saka vaIsraeri vakarasa vose vaBhaari vavo navaAshitoreti, vakashumira Jehovha chete. Ipapo Samueri akati, “Unganidzai Israeri yose paMizipa uye ndichakukumbirirai kuna Jehovha.” Vakati vaungana paMizipa, vakachera mvura vakaidururira pamberi paJehovha. Nomusi iwoyo vakatsanya ipapo vakareurura vachiti, “Takatadzira Jehovha.” Uye Samueri akava mutungamiri weIsraeri yose paMizipa. VaFiristia vakati vanzwa kuti Israeri yakanga yaungana paMizipa, vatungamiri vavaFiristia vakauya kuzovarwisa. Zvino vaIsraeri vakati vazvinzwa, vakatya nokuda kwavaFiristia. Vakati kuna Samueri, “Musarega henyu kuramba muchidanidzira kuna Jehovha Mwari nokuda kwedu, kuti atirwire pamaoko avaFiristia.” Ipapo Samueri akatora gwayana rainwa akaribayira sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha. Akachema kuna Jehovha pamusoro peIsraeri, Jehovha akamupindura. Samueri paakanga achibayira chipiriso chinopiswa, vaFiristia vakaswedera pedyo kuti varwise Israeri. Asi zuva iroro Jehovha akatinhira nokutinhira kukuru pamberi pavaFiristia akavavhundutsa zvokuti vakakundwa pamberi pavaIsraeri. Varume veIsraeri vakachimbidza kubuda muMizipa vakadzingirira vaFiristia, vakavauraya munzira kusvikira kunzvimbo iri zasi kweBhetikari. Ipapo Samueri akatora dombo akarimisa pakati peMizipa neSheni. Akaritumidza kuti Ebhenezeri akati, “Jehovha akatibatsira kusvikira pano.” Saka vaFiristia vakakurirwa uye havana kuzorwisa nyika yavaIsraeri zvakare. Uye ruoko rwaJehovha rwakarwa navaFiristia mazuva ose aSamueri. Maguta anobva kuEkironi kusvikira kuGati akanga apambwa navaFiristia kubva kuIsraeri akadzorerwa kwairi, uye Israeri yakasunungura rimwe dunhu rayo kubva muruoko rwavaFiristia. Uye pakazova norunyararo pakati peIsraeri navaAmori. Samueri akaramba ari mutongi weIsraeri kwoupenyu hwake hwose. Gore negore aitenderera kubva kuBheteri achienda kuGirigari nokuMizipa, achitonga Israeri munzvimbo dzose idzodzo. Asi aipota achidzokera kuRama, kwaiva nomusha wake, uye ikokowo akatonga Israeri. Uye akavakira Jehovha aritari ikoko.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Samueri 7

1 Samueri 7:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ipapo varume veKiriatijearimi vakauya, vakatora areka yaJehovha, vakaiisa kumba kwaAbhinadhabhu pagomo; vakatsaura Ereazari mwanakomana wake, kuti achengete areka yaJehovha. Kubva pamusi wokusvika kweareka paKiriatijearimi, yakagarapo nguva refu, nokuti akanga ari makore makumi maviri; imba yose yaIsiraeri ikachema kuna Jehovha. Samueri akataura neimba yose yaIsiraeri, akati, “Kana muchida kudzokera kuna Jehovha nomwoyo wenyu wose, bvisai vamwari vatorwa neAshitaroti pakati penyu, mugadzirire Jehovha mwoyo yenyu, mumushumire iye oga; ipapo iye uchakusunungurai pamaoko avaFirisitia.” Vana vaIsiraeri vakabvisa vaBhaari neAshitaroti, vakashumira Jehovha oga. Zvino Samueri akati, “Unganidzai vaIsiraeri vose paMizipa, ini ndikunyengetererei kuna Jehovha.” Vakaunganidzana paMizipa, vakachera mvura, vakaidururira pamberi paJehovha, vakazvinyima zvokudya nomusi iwoyo, vakati ipapo, “Takatadzira Jehovha.” Samueri akatonga vana vaIsiraeri paMizipa. Zvino vaFirisitia vakati vachinzwa kuti vana vaIsiraeri vakanga vaungana paMizipa, madzishe avaFirisitia akakwira kundorwa navaIsiraeri. Vana vaIsiraeri vachinzwa vakatya vaFirisitia. Zvino vana vaIsiraeri vakati kuna Samueri, “Musarega henyu kuramba muchichema kuna Jehovha Mwari wedu nokuda kwedu, kuti atirwire pamaoko avaFirisitia.” Samueri akatora gwayana rinomwa, akagadzirira Jehovha naro chipiriso chinopiswa chose. Samueri akachema kuna Jehovha nokuda kwavaIsiraeri; Jehovha akamunzwa. Samueri wakati achapisira Jehovha chipiriso chinopiswa, vaFirisitia vakaswedera kuzorwa navaIsiraeri; asi Jehovha akatinhira nokutinhira kukuru pamusoro pavaFirisitia nomusi iwoyo, akavavhundusa, vakakundwa navaIsiraeri. Varume vaIsiraeri vakabuda Mizipa, vakatevera vaFirisitia, vakavaparadza kusvikira panyasi peBhetikari. Zvino Samueri akatora ibwe, akarimisa pakati peMizipa neSheni, akaritumidza zita raro Ebheniezeri, achiti, “Jehovha wakatibatsira kusvikira pano.” VaFirisitia vakakundwa saizvozvo; havana kuzouyazve munyika yavaIsiraeri; ruoko rwaJehovha rukarwa navaFirisitia mazuva ose aSamueri. Namaguta akanga atorerwa vaIsiraeri navaFirisitia akadzoserwazve kuvaIsiraeri, kubva paEkironi kusvikira paGati, nenyika yavo yakasunungurwa navaIsiraeri pamaoko avaFirisitia; rugare rukavapo pakati pavaIsiraeri navaAmori. Samueri akatonga vaIsiraeri mazuva ose oupenyu hwake. Waipota gore rimwe nerimwe napaBhetieri, neGirigari, neMizipa, akatonga vaIsiraeri panzvimbo idzo dzose. Akasidzokera Rama, nokuti ndipo paakanga agere; akatonga vaIsiraeri ipapo, akavakira Jehovha aritari ipapo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Samueri 7

1 Samueri 7:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Varume vokuKiriatijearimu vakauya vakatora bhokisi raTenzi rechitenderano vakaenda naro kumba kwaAbhinadhabhu pachikomo. Vakagadza mwana wake Ereazari kuti achengete bhokisi raTenzi rechitenderano. Bhokisi raTenzi rechitenderano rakagara muKiriatijearimu kwenguva ndefu kubvira musi waraiswa ikoko. Rakasvitsa makore makumi maviri, vaIsiraeri vose vakachema kuna Tenzi. Samueri akataurira vaIsiraeri vose achiti, “Kana mada zvokudzokera kuna Tenzi nomwoyo wose motorasa vamwari vasirivo pamwechete nezvifananidzo zvavamwari vanaAshitaroti zvamunazvo, muise mwoyo yenyu kuna Tenzi munamate iye oga. Iye achakununurai mumaoko avaFirisitia.” Naizvozvo vaIsiraeri vakarasa vamwari ivavo vanaBhaari navanaAshitaroti vakanamata Tenzi chete. Ipapo Samueri akazoti, “Unganidzai vaIsiraeri vose kuMizipa, ndigokunamatirai kuna Tenzi.” Nokudaro vakaungana kuMizipa vakateka mvura vakaidururira pasi pamberi paTenzi, vakatsanya musi iwoyoyo vakareurura vachiti, “Takatadzira Tenzi.” Samueri akatonga vaIsiraeri ari kuMizipa. Kuzoti vaFirisitia vanzwa kuti vaIsiraeri vakanga vaunganidzana kuMizipa, madzishe echiFirisitia akakwira ikoko kundorwisa vaIsiraeri. Izvozvi pazvakasvikawo munzeve dzavaIsiraeri vakatya vaFirisitia. VaIsiraeri vakati kuna Samueri, “Musamborega zvenyu kuramba muchitinamatira kuna Tenzi Mwari wedu kuti atinunure mumaoko avaFirisitia.” Samueri akatora hwayana ichiri kuyamwa akaipira kuna Tenzi sechibayiro chinopiswa mutumbi wose. Samueri uyu akateterera kunamatira vaIsiraeri kuna Tenzi, Tenzi ndokumupindura. Samueri achingunopira chibayiro ichocho kudaro, nokokowo vaFirisitia ndiye tutururu vhu kusvika kuzorwisa vaIsiraeri. Asi musi iwoyo Tenzi akatinhira nomutinhiro mukuru kwazvo nechepamusoro pavaFirisitia akavakangaidza, vaFirisitia vakadzvamutswa navaIsiraeri. VaIsiraeri vakabudira vaFirisitia muMizipa vakadzingirirana navo vachivaita rumwe rumwe kuuraya nzira yose kusvikira munyasi meBhetikari. Samueri akatora dombo akarimisa pakati peMizipa neSheni akaritumidza zita rokuti, “Dombo rerubatsiro” achiti, “Tenzi atibatsira kusvikira pari nhasi.” Nokudaro vaFirisitia vakakundwa vakarega kuzopindazve munyika yavaIsiraeri. Paupenyu hwose hwaSamueri ruoko rwaMwari rwairwisa vaFirisitia. VaIsiraeri vakatorazve maguta avakanga vatorerwa navaFirisitia kubvira kuEkironi kusvikira kuGati. VaIsiraeri ava vakatorazve nyika yavo mumaoko avaFirisitia. Pakati pavaIsiraeri navaAmori paivawo norugare. Samueri akatonga Isiraeri upenyu hwake hwose. Gore negore aipota achishanyira Bhetieri neGirigari neMizipa achitonga Isiraeri munzvimbo dzose idzodzi. Aizodzokera zvake kuRama nokuti ndokwaiva nomusha wake achitongawo mhosva dzavaIsiraeri ari ikoko. Akavakira Tenzi atari ikoko.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Samueri 7

1 Samueri 7:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ipapo ʋarume ʋeKiriati‐jearimi ʋakaʋuya, ʋakatora areka yaJehova, ʋakaiisa kumba kwaAbinadabi pagomo; ʋakatsaura Ereazari mŋanakomana wake, kuti aceŋgete areka yaJehova. Kubva pamusi wokuȿika kweareka paKiriati‐jearimi, yakagara’po ŋguʋa refu, nokuti akaŋga ari makore makumi maʋiri; imba yose yaIsraeri ikacema kunaJehova. Samueri akataura neimba yose yaIsraeri, akati: Kana muciɗa kudzokera kunaJehova nomŋoyo wenyu wose, bvisai ʋamŋari ʋatorwa neAshtaroti pakati penyu, mugadzirire Jehova mŋoyo yenyu, mumushumire iye oga; ipapo iye ucakusunuŋgurai pamaʋoko aʋaFiristia. Ʋana ʋaIsraeri ʋakabvisa ʋaBaari neAshtaroti, ʋakashumira Jehova oga. Ɀino Samueri akati: Ʋuŋganidzai ʋaIsraeri ʋose paMizpa, ini ndikunyeŋgetererei kunaJehova. Ʋakaʋuŋgana paMizpa, ʋakacera mvura, ʋakaiɗururira pamberi paJehova, ʋakaɀinyima ɀokudya nomusi iwoyo, ʋakati ipapo: Takatadzira Jehova. Samueri akatoŋga ʋana ʋaIsraeri paMizpa. Ɀino ʋaFiristia ʋakati ʋacinzwa kuti ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋaʋuŋgana paMizpa, madzishe aʋaFiristia akakwira kundorwa naʋaIsraeri. Ʋana ʋaIsraeri ʋaciɀinzwa ʋakatya ʋaFiristia. Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakati kunaSamueri: Musarega henyu kuramba mucicema kunaJehova Mŋari weɗu nokuɗa kweɗu, kuti atirwire pamaʋoko aʋaFiristia. Samueri akatora gwaiana rinomŋa, akagadzirira Jehova naro cipiriso cinopiswa cose. Samueri akacema kunaJehova nokuɗa kwaʋaIsraeri; Jehova akamunzwa. Samueri wakati acapisira Jehova cipiriso cinopiswa, ʋaFiristia ʋakasweɗera kuzorwa naʋaIsraeri; asi Jehova akatinhira nokutinhira kukuru pamsoro paʋaFiristia nomusi iwoyo, akaʋavundusa, ʋakakundwa naʋaIsraeri. Ʋarume ʋaIsraeri ʋakaɓuɗa Mizpa, ʋakateʋera ʋaFiristia, ʋakaʋaparadza kuȿikira panyasi peBeti‐kari. Ɀino Samueri akatora ibge, akarimisa pakati peMizpa neSheni, akaritumidza zita raro Ebeni‐ezeri, aciti: Jehova wakatiɓatsira kuȿikira pano. ƲaFiristia ʋakakundwa saiɀoɀo; haʋana‐kuzoʋuya ɀe munyika yaʋaIsraeri; ruʋoko rwaJehova rukarwa naʋaFiristia mazuʋa ose aSamueri. Namaguta akaŋga atorerwa ʋaIsraeri naʋaFiristia akadzoserwa ɀe kuʋaIsraeri, kubva paEkroni kuȿikira paGati, nenyika yaʋo yakasunuŋgurwa naʋaIsraeri pamaʋoko aʋaFiristia; rugare rukaʋa’po pakati paʋaIsraeri naʋaAmori. Samueri akatoŋga ʋaIsraeri mazuʋa ose oʋupenyu bgake. Waipota gore rimŋe nerimŋe napaBeti‐eri, neGirgari, neMizpa, akatoŋga ʋaIsraeri panɀimbo idzo dzose. Akasidzokera Rama, nokuti ndipo paakaŋga agere; akatoŋga ʋaIsraeri ipapo, akaʋakira Jehova artari ipapo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Samueri 7

1 Samueri 7:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)