1 Samueri 28:7-8
1 Samueri 28:7-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Sauro akati kuvaranda vake, “Nditsvakirei mukadzi anosvikirwa, kuti ndiende kundobvunza kwaari.” Ivo vakati, “Kuno mumwe ari paEndori.” Saka Sauro akazvivanza akafuka dzimwe nguo, akaenda iye navamwe varume vaviri kumukadzi uyu usiku. Akati kwaari, “Ndibvunzire mweya, ugondimutsirawo uyo wandichakuudza.”
1 Samueri 28:7-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Sauro akati kuvaranda vake, “Nditsvakirei mukadzi unosvikirwa, ndiende kwaari ndindomubvunza iye.” Varanda vake vakati kwaari, “Tarirai, kuno mukadzi unosvikirwa paEndori.” Sauro akazvishandura, akafuka dzimwe nguo, akaenda, iye navamwe varume vaviri, vakasvika kumukadzi usiku; akati, “Ndiukirewo nomweya unokusvikira, undikwidzire wandichakuudza.”
1 Samueri 28:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sauro akati kuvaranda vake, “Nditsvakirei mukadzi anosvikirwa ndiende kundobvunzira kwaari.” Ivo vakati, “Kuno mumwe anosvikirwa ari kuEndori.” Naizvozvo akapfeka dzimwe hanzu kuti asaziikanwe ndokuenda nousiku kumukadzi iyeyo aine vamwe varume vaviri. Akati, “Ndibvunzireiwo vari kumhepo mundidaidzirewo wandinenge ndadoma nezita.”
1 Samueri 28:7-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Sauro akati kuʋaranda ʋake: Nditȿakirei mukadzi unoȿikirwa, ndiende kwaari ndindomubvunza iye. Ʋaranda ʋake ʋakati kwaari: Tarirai, kunomukadzi unoȿikirwa paEndori. Sauro akaɀishandura, akafuka dzimŋe ŋguʋo, akaenda, iye naʋamŋe ʋarume ʋaʋiri, ʋakaȿika kumukadzi ʋusiku; akati: Ndiʋukire ʋo nomŋeya unokuȿikira, undikwidzire wandicakuʋudza.
1 Samueri 28:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)