1 Samueri 28:5-6
1 Samueri 28:5-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Sauro akati aona varwi vavaFiristia, akatya; kutya kwakazadza mwoyo wake. Akabvunza kuna Jehovha, asi Jehovha haana kumupindura nezviroto kana neUrimi kana navaprofita.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Samueri 281 Samueri 28:5-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Sauro wakati achiona hondo dzavaFirisitia, akatya, mwoyo wake ukadedera kwazvo. Sauro akabvunza Jehovha, asi Jehovha haana kumupindura, kunyange pakurota, kana neUrimi, kana navaporofita.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Samueri 281 Samueri 28:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sauro paakaona hondo yavaFirisitia akadedera kwazvo nokutya. Akada kunzwa kuti Tenzi anoti kudii nazvo, asi Tenzi haana kumupindura kana muzviroto kana neurimu kunyange nokuvaporofita.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Samueri 281 Samueri 28:5-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Sauro wakati aciʋona hondo dzaʋaFiristia, akatya, mŋoyo wake ukaɗeɗera kwaɀo. Sauro akabvunza Jehova, asi Jehova haana‐kumupindura, kunyaŋge pakurota, kana neUrimi, kana naʋaprofita.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Samueri 28