1 Samueri 26:7-11
1 Samueri 26:7-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka Dhavhidhi naAbhishai vakaenda kuvarwi usiku, uye vakawana Sauro avete mukati momusasa, pfumo rake rakabayirwa pasi pedyo nomusoro wake. Abhineri navarwi vakanga vavete vakamupoteredza. Abhishai akati kuna Dhavhidhi, “Nhasi Mwari aisa muvengi wenyu mumaoko enyu. Zvino regai ndimubayire pasi kamwe chete nepfumo rangu; handimbomubayi kaviri.” Asi Dhavhidhi akati kuna Abhishai, “Usamuparadza! Ndianiko angagona kutambanudza ruoko rwake pamuzodziwa waJehovha akashaya mhosva? Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, Jehovha pachake ndiye achamuuraya; zvimwe nguva yake ichasvika uye achafa, kana kuti achaenda kuhondo agofa. Asi Jehovha ngaandidzivise kuti ndirege kutambanudzira ruoko rwangu kumuzodziwa waJehovha. Zvino chitora pfumo nechirongo chemvura zviri pedyo nomusoro wake tiende.”
1 Samueri 26:7-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo Dhavhidhi naAbhishai vakasvika kuvanhu usiku, vakawana Sauro avete pakati pengoro dzakanga dzarongedzwa, pfumo rake rakabayirwa pasi kumusoro kwake; Abhineri navamwe vanhu vakanga vavete vakamupoteredza. Zvino Abhishai akati kuna Dhavhidhi, “Nhasi Mwari wakaisa muvengi wako pamaoko ako; naizvozvo nditendere ndimubayire pasi nepfumo kamwe chete, handingamubayi rwechipiri.” Dhavhidhi akati kuna Abhishai, “Usamuuraya, nokuti ndianiko ungagona kutambanudzira ruoko rwake kumuzodzwa waJehovha, akasava nemhosva?” Dhavhidhi akati, “NaJehovha mupenyu, Jehovha ndiye uchamuuraya, zvimwe zuva rake rokufa richasvika, zvimwe uchaburukira kundorwa akaparadzwapo. Jehovha ngaandidzivise, ndirege kutambanudzira ruoko rwangu kumuzodzwa waJehovha; asi zvino tora hako pfumo riri kumusoro kwake, nechirongo chemvura, tiende.”
1 Samueri 26:7-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saizvozvo Dhavhidhi naAbhishai vakaenda kwaiva navanhu vaya nousiku wanei Sauro ari kusi kwehope arere pakati pematendhe, pfumo rake rakabayirirwa pasi kumusoro kwake. Abhuneri nehondo yose vakanga varere vakamutenderera. Abhishai akati kuna Dhavhidhi, “Mwari aisa muvengi wenyu mumaoko enyu nhasi. Saka chiregai zvenyu ndimubayirire pasi nepfumo kamwechete chete. Handimbosweroita ruviri!” Asi Dhavhidhi akati kuna Abhishai, “Usamuuraya, ndiani chaizvo angasimudzire ruoko rwake muzodzwa waTenzi akasara asina nemhosva yose?” Dhavhidhi akapika achiti, “NaTenzi mupenyu iye Tenzi ndiye achamuuraya, kana kuti zuva rake rokufa ratosvikawo zvaro, kana kuti achangoendawo muhondo ondopararirawo ikoko. Norubatsiro rwaTenzi, chinhu chakadai hachifanire zvacho kana kumbondipinda mumwoyo chokuti ndisimudzire ruoko rwangu muzodzwa waTenzi. Ingotora chete pfumo riri kumusoro kwake nechigubhu chemvura tiende.”
1 Samueri 26:7-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo Davidi naAbishai ʋakaȿika kuʋanhu ʋusiku, ʋakawana Sauro aʋete pakati peŋgoro dzakaŋga dzaroŋgedzwa, pfumo rake rakaɓayirwa pasi pamusoro wake; Abineri naʋamŋe ʋanhu ʋakaŋga ʋaʋete ʋakamupoteredza. Ɀino Abishai akati kunaDavidi: Nhasi Mŋari wakaisa muʋeŋgi wako pamaʋoko ako; naiɀoɀo nditendere ndimuɓayire pasi nepfumo kamŋe cete, handiŋgamuɓayi rwecipiri. Davidi akati kunaAbishai: Usamuʋuraya, nokuti ndianiko uŋgagona kutambanudzira ruʋoko rwake kumuzodzwa waJehova, akasaʋa nemhoȿa? Davidi akati: NaJehova mupenyu, Jehova ndiye ucamuʋuraya; ɀimŋe zuʋa rake rokufa ricaȿika, ɀimŋe ucaɓurukira kundorwa akaparadzwa’po. Jehova ŋgaandidziʋise, ndirege kutambanudzira ruʋoko rwaŋgu kumuzodzwa waJehova; asi ɀino tora hako pfumo riri pamusoro wake, neciroŋgo cemvura, tiende.
1 Samueri 26:7-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)