Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 26:1-25

1 Samueri 26:1-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

VaZifi vakaenda kuna Sauro paGibhea vakati, “Ko, Dhavhidhi haana kuvanda pachikomo cheHakira, chakatarisana neJeshimoni here?” Saka Sauro akaburuka akaenda kuRenje reZifi, ana varume zviuru zvitatu vakanga vasarudzwa pakati pavaIsraeri, kuti vandotsvaka Dhavhidhi ikoko. Sauro akaita musasa wake parutivi pomugwagwa uri pachikomo cheHakira chakatarisana neJeshimoni, asi Dhavhidhi akanga achigara murenje. Akati achiona kuti Sauro akanga amutevera imomo, akatuma vasori akanzwa kuti Sauro akanga asvika, zvirokwazvo. Ipapo Dhavhidhi akasimuka akaenda kunzvimbo kwakanga kwadzikwa musasa naSauro. Akaona pakanga pakavata Sauro naAbhineri mwanakomana waNeri mukuru wehondo. Sauro akanga akavata mukati momusasa, uye varwi vakavaka misasa yavo vakamupoteredza. Ipapo Dhavhidhi akabvunza Ahimereki muHeti naAbhishai mwanakomana waZeruya, mununʼuna waJoabhu akati, “Ndianiko achapinda neni mumusasa kuna Sauro?” Abhishai akati, “Ndichaenda nemi.” Saka Dhavhidhi naAbhishai vakaenda kuvarwi usiku, uye vakawana Sauro avete mukati momusasa, pfumo rake rakabayirwa pasi pedyo nomusoro wake. Abhineri navarwi vakanga vavete vakamupoteredza. Abhishai akati kuna Dhavhidhi, “Nhasi Mwari aisa muvengi wenyu mumaoko enyu. Zvino regai ndimubayire pasi kamwe chete nepfumo rangu; handimbomubayi kaviri.” Asi Dhavhidhi akati kuna Abhishai, “Usamuparadza! Ndianiko angagona kutambanudza ruoko rwake pamuzodziwa waJehovha akashaya mhosva? Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, Jehovha pachake ndiye achamuuraya; zvimwe nguva yake ichasvika uye achafa, kana kuti achaenda kuhondo agofa. Asi Jehovha ngaandidzivise kuti ndirege kutambanudzira ruoko rwangu kumuzodziwa waJehovha. Zvino chitora pfumo nechirongo chemvura zviri pedyo nomusoro wake tiende.” Saka Dhavhidhi akatora pfumo nechirongo chemvura pedyo nomusoro waSauro, ivo ndokubvapo. Hakuna akaona kana kuziva nezvazvo, uye hakuna kana akamuka. Vose vakanga vavete, nokuti Jehovha akanga avapa hope huru. Ipapo Dhavhidhi akayambuka akaenda kuno rumwe rutivi akandomira pamusoro pechikomo, chinhambwe chiri kure; pakanga pane nzvimbo yakafara pakati pavo. Akadanidzira kuvarwi nokuna Abhineri mwanakomana waNeri akati, “Abhineri haundidaviri here?” Abhineri akapindura akati, “Ndiwe aniko unodanidzira kuna mambo?” Dhavhidhi akati, “Uri murume, handizvo here? Uye ndianiko akaita sewe muIsraeri? Ko, wakaregererei kurinda ishe wako iye mambo? Mumwe akasvika kuzoparadza ishe wako iye mambo. Zvawaita hazvina kunaka. Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, iwe navanhu vako munofanira kufa, nokuti hamuna kurinda tenzi wenyu, iye muzodziwa waJehovha. Chitarira pauri. Ko, pfumo ramambo nechirongo chavo zvakanga zviri pedyo nomusoro wavo zviripi?” Sauro akaziva inzwi raDhavhidhi akati, “Ko, inzwi rako here Dhavhidhi mwanakomana wangu?” Dhavhidhi akapindura akati, “Hongu ndiro, ishe wangu mambo.” Akatizve, “Seiko ishe wangu achidzinganisa muranda wake? Ndakaiteiko, uye mhosva yandakapara ndeipiko? Zvino ishe wangu mambo ngaateerere mashoko omuranda wake. Kana Jehovha akakukurudzirai kuti muzorwa neni, zvino ngaagamuchire chipiriso. Kana, zvakadaro hazvo, vari vanhu vakazviita, ngavatukwe pamberi paJehovha! Vakandidzinga zvino pamugove wangu panhaka yaJehovha vakati, ‘Enda undoshumira vamwe vamwari.’ Zvino ropa rangu ngarirege kuteukira pasi kure naJehovha. Mambo waIsraeri akabuda kuti azotsvaka nhata, somunhu anovhima chikwari mumakomo.” Ipapo Sauro akati, “Ndakatadza. Dzoka, Dhavhidhi mwanakomana wangu. Nokuti waona kukosha kwoupenyu hwangu nhasi, handichaedzi kukuuraya zvakare. Zvirokwazvo ndakaita sebenzi uye ndakatadza zvikuru.” Dhavhidhi akati, “Heri pfumo ramambo. Regai mumwe wamajaya enyu auye kuno azoritora. Jehovha anoripira munhu mumwe nomumwe nokuda kwokururama kwake uye nokutendeka kwake. Jehovha akuisai mumaoko angu nhasi, asi handina kuda kutambanudzira ruoko rwangu pamuzodziwa waJehovha. Zvirokwazvo sezvandakoshesa upenyu hwenyu nhasi, saizvozvo Jehovha ngaakoshese upenyu hwangu agondiponesa pamatambudziko ose.” Ipapo Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Iwe uropafadzwe, mwanakomana wangu Dhavhidhi; iwe uchaita zvinhu zvikuru uye zvirokwazvo uchakunda.” Saka Dhavhidhi akaenda hake, uye Sauro akadzokera kumusha.

1 Samueri 26:1-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino vaZifi vakauya kuna Sauro paGibhea, vakati, “Ko Dhavhidhi haazikunovanda pachikomo cheHakira, chiri pamberi perenje here?” Ipapo Sauro akasimuka, akaburukira kurenje reZifi, ana varume vane zviuru zvitatu, vakanga vakatsaurwa kuvaIsiraeri, kuti atsvake Dhavhidhi murenje reZifi. Sauro akavaka misasa yake pachikomo cheHakira, chiri pamberi parenje, kurutivi rwenzira. Asi Dhavhidhi wakanga agere murenje, akaona Sauro achimutevera murenje. Zvino Dhavhidhi akatuma vashori, akanzwa kuti Sauro wasvika zvirokwazvo. Dhavhidhi akasimuka, akasvika pakanga pakavaka Sauro misasa yake, Dhavhidhi akaona pakanga pavete Sauro, ana Abhineri mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yake; Sauro wakanga avete pakati pengoro dzakanga dzakarongedzwa, asi vanhu vakanga vavaka misasa yavo vakamupoteredza. Zvino Dhavhidhi akapindura, akati kuna Ahimereki muHiti, nokuna Abhishai mwanakomana waZeruya, munun’una waJoabhu, akati, “Ndianiko uchaburuka neni kuna Sauro kumisasa?” Abhishai akati, “Ini ndichaburuka nemi.” Naizvozvo Dhavhidhi naAbhishai vakasvika kuvanhu usiku, vakawana Sauro avete pakati pengoro dzakanga dzarongedzwa, pfumo rake rakabayirwa pasi kumusoro kwake; Abhineri navamwe vanhu vakanga vavete vakamupoteredza. Zvino Abhishai akati kuna Dhavhidhi, “Nhasi Mwari wakaisa muvengi wako pamaoko ako; naizvozvo nditendere ndimubayire pasi nepfumo kamwe chete, handingamubayi rwechipiri.” Dhavhidhi akati kuna Abhishai, “Usamuuraya, nokuti ndianiko ungagona kutambanudzira ruoko rwake kumuzodzwa waJehovha, akasava nemhosva?” Dhavhidhi akati, “NaJehovha mupenyu, Jehovha ndiye uchamuuraya, zvimwe zuva rake rokufa richasvika, zvimwe uchaburukira kundorwa akaparadzwapo. Jehovha ngaandidzivise, ndirege kutambanudzira ruoko rwangu kumuzodzwa waJehovha; asi zvino tora hako pfumo riri kumusoro kwake, nechirongo chemvura, tiende.” Naizvozvo Dhavhidhi akatora pfumo nechirongo chemvura, zvakanga zviri pamusoro waSauro, vakaenda; hakuna munhu wakazviona, kana kuzviziva, hakuna wakapepuka, nokuti vakanga vavete vose, nokuti vakanga vakabatwa nehope kwazvo, dzakanga dzatumwa naMwari. Zvino Dhavhidhi akayambukira mhiri, akamira pamusoro pegomo ari kure; asi pakati pavo pakanga pane nhambo huru. Dhavhidhi akashevedzera kuvanhu nokuna Abhineri mwanakomana waNeri, akati, “Nhai Abhineri, haudaviri here?” Ipapo Abhineri akadavira, akati, “Ndiwe aniko unoshevedzera kuna mambo.” Dhavhidhi akati kuna Abhineri, “Ko iwe hauzi murume wemhare here? Ndianiko wakafanana newe kuvaIsiraeri? Wakaregereiko kurinda ishe wako mambo? Nokuti mumwe munhu wakanga apinda kuzoparadza mambo, ishe wako. “Ichi chinhu chawaita hachina kunaka. NaJehovha mupenyu, maifanira kufa, nokuti hamuna kurinda ishe wenyu, muzodzwa waJehovha. Zvino chitarira, pfumo ramambo nechirongo chemvura chakanga chiri kumusoro kwake zviripiko?” Sauro akaziva izwi raDhavhidhi, akati, “Ndiro izwi rako here, mwanangu Dhavhidhi?” Dhavhidhi akati, “Izwi rangu, ishe wangu, mambo.” Akati, “Ko Ishe wangu unoteverereiko muranda wake? Nokuti ndakaiteiko? Zvakaipa zviri mandiri ndezveiko? Naizvozvo zvino ishe wangu mambo chidonzwai mashoko omuranda wenyu. Kana ari Jehovha wakakukurudzirai kurwa neni, ngaapiwe chipiriso; asi kana vari vana vavanhu, ngavave vakatukwa pamberi paJehovha, nokuti vakandidzinga nhasi, kuti ndirege kugara panhaka yaJehovha, vachiti, ‘Enda, undoshumira vamwe vamwari.’ Naizvozvo zvino ropa rangu ngarirege kuwira pasi kure naJehovha, nokuti mambo waIsiraeri wabuda kuzotsvaka rutata rumwe, somunhu unovhima hware mumakomo.” Ipapo Sauro akati, “Ndatadza, dzoka hako, mwanangu Dhavhidhi, nokuti handichazokuitiri zvakaipa, nokuti upenyu hwangu hwakanga huchikosha pameso pako nhasi; tarira, ndaita sebenzi, ndatadza kwazvo.” Ipapo Dhavhidhi akapindura akati, “Tarirai pfumo ramambo! Mumwe wamajaya ngaayambukire kuno aritore. Jehovha unoripira munhu mumwe nomumwe kururama kwake nokutendeka kwake; nokuti Jehovha wakakuisai nhasi kwandiri, asi ndakaramba kutambanudzira ruoko rwangu kumuzodzwa waJehovha. Zvino tarirai, upenyu hwenyu sezvandakahukudza nhasi, saizvozvowo hupenyu hwangu ngahukudzwe naJehovha, iye andirwire pakutambudzika kwangu kwose.” Ipapo Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Wakaropafadzwa iwe mwanangu Dhavhidhi; uchava nesimba, uye uchakunda kwazvo.” Naizvozvo Dhavhidhi akaenda hake, naSauro akadzokera kumusha kwake.

1 Samueri 26:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Vamwe vanhu vechiZifu vakaenda kuna Sauro kuGibhea vakati, “Ko inga iye Dhavhidhi akahwanda wani kuchikomo cheHakira kumabvazuva kweJeshimoni?” Sauro akabvawo asimuka oenda kurenje reZifu aine zviuru zvitatu zvavarwi vano vakanyatsosarudzwa kundotsvaka Dhavhidhi murenje reZifu. Sauro akasvikodzika matendhe pachikomo cheHakira chiri munyasi momugwagwa kumabvazuva kweJeshimoni. Dhavhidhi akarambawo ari murenje paakanga aona kuti Sauro ari kumutsvaka murenje reZifu, Dhavhidhi akatuma vasori akabva anyatsoziva kuti zvechokwadi Sauro akauyako. Dhavhidhi akasimuka ndokuenda kuya kwakanga kune matendhe aSauro, akaona pakanga parere Sauro uyewo Abhuneru mukuru mukuru wehondo yake, mwanakomana waNeri. Izvozvo Sauro akanga arere pakati pematendhe akakomberedzwa nehondo yake. Dhavhidhi aikurukura naAhimereki muHiti naAbhishai munun'una waJoabhu mwanakomana waZeruia ndokuti, “Ndiani angade kuenda neni kumatendhe aSauro?” Abhishai akati, “Ini zvangu, ndini ndichaenda nemi.” Saizvozvo Dhavhidhi naAbhishai vakaenda kwaiva navanhu vaya nousiku wanei Sauro ari kusi kwehope arere pakati pematendhe, pfumo rake rakabayirirwa pasi kumusoro kwake. Abhuneri nehondo yose vakanga varere vakamutenderera. Abhishai akati kuna Dhavhidhi, “Mwari aisa muvengi wenyu mumaoko enyu nhasi. Saka chiregai zvenyu ndimubayirire pasi nepfumo kamwechete chete. Handimbosweroita ruviri!” Asi Dhavhidhi akati kuna Abhishai, “Usamuuraya, ndiani chaizvo angasimudzire ruoko rwake muzodzwa waTenzi akasara asina nemhosva yose?” Dhavhidhi akapika achiti, “NaTenzi mupenyu iye Tenzi ndiye achamuuraya, kana kuti zuva rake rokufa ratosvikawo zvaro, kana kuti achangoendawo muhondo ondopararirawo ikoko. Norubatsiro rwaTenzi, chinhu chakadai hachifanire zvacho kana kumbondipinda mumwoyo chokuti ndisimudzire ruoko rwangu muzodzwa waTenzi. Ingotora chete pfumo riri kumusoro kwake nechigubhu chemvura tiende.” Dhavhidhi akatora pfumo riya nechigubhu chemvura zvaiva kumusoro kwaSauro ndokuenda. Hapana akazviona kana akazviziva kana kuwana akapepuka nokuti vose vakanga vakakotsira. Uyewo nokuti vakanga vakabatwa nehope dzamandiriri dzakanga dzaita zvokubva kuna Tenzi. Dhavhidhi akayambukira kune imwe mhiri ndokundomira pamusoro pechimwe chikomo chakanga chiri chinhambwe. Chinhambwe chacho chakanga chakati kureiwo kwazvo. Dhavhidhi akadaidzira kuhondo iya kuna Abhuneri mwana waNeri achiti, “Haudaire here iwe Abhuneri?” Abhuneri akadaira achiti, “Ndiwe ani unodaidza mambo iwe?” Dhavhidhi ndokuti kuna Abhuneri, “Hausi mukono here iwe? Ndiani angamboenzaniswa newe muIsiraeri? Zvino warega seiko kuchengeta mambo, tenzi wako? Zvakuine mumwe munhu wani asvikako achida kuparadza mambo, tenzi wako. Izvi zvawaita izvi hazvina kunaka. NaTenzi chaiye mupenyu munofanira kufa nokuti hamuna kuchengeta mambo tenzi wenyu, muzodzwa waTenzi. Chimbotarisa uone pfumo ramambo nechigubhu chake chemvura zvanga zviri kumusoro kuti zviri kupi?” Sauro akabva aziva izwi raDhavhidhi akati, “Ndiwe here mwanangu Dhavhidhi uri kutaura nomuromo wako?” Dhavhidhi akati, “Ee ndini ndiri kutaura nomuromo wangu chaiwo mambo changamire.” Akatizve, “Changamire, chii chamarambira makati tsvome tsvome neni kundironda kudai ini muranda wenyu? Chii chandakaita? Ndeipi mhosva yandakapara? Naizvozvo Mambo, chimbonzwaiwo zvandava kutaura ini muranda wenyu kwamuri changamire. Kana ari Tenzi ari kukupai mweya wokundimukira uyu, dai angogamuchira zvake mupiro, asi kana vari vanhu Tenzi ngaavaone nokuti ndokutondidzinga kwavakaita ikoku zvandiri nhasi vachinditadzisa kuti ndiwanewo chandingawana panhaka yatakapiwa naTenzi vachiti ndibve ndiende kundonamata vamwe vamwari vasirivo. Zvino dai ropa rangu rarega zvaro kudeurirwa kure nenzvimbo yaTenzi inoera. Ndinodaro nokuti mambo weIsiraeri abudira ini zvangu nhata zvayo, sehombarume iri kuvhima hwerekwere mumakomo.” Sauro akati, “Ndakanganisa chidzoka zvako mwanangu Dhavhidhi. Handina chimwe chakaipa chandichaita kwauri nokuti waona upenyu hwangu huri chinhu chakakosha kwauri nhasi. Hezvika ndaita zvoupenzi chaizvo, ndatadza kwazvo!” Dhavhidhi akapindura achiti, “Pfumo ramambo iri. Rimwe jaya ngariuye kuno kuzoritora. Tenzi anopa mubayiro munhu akarurama akatendeka. Nhasi uno Tenzi akuisai mumaoko angu asi ini ndarega zvangu kusimudzira ruoko rwangu muzodzwa waTenzi. Nhasi uno ndaona upenyu hwenyu sechinhu chakakosha. Dai Tenzi akaonawo upenyu hwangu sechinhu chakakosha akandinunura munhamo dzangu dzose.” Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Mwari ngaakukomborere zvako mwanangu Dhavhidhi. Uchanyatsoita zvinhu chaizvo, uchibudirira kwazvo.” Dhavhidhi akaenda zvake Sauro akadzokera kwake.

1 Samueri 26:1-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ʋaZifi ʋakaʋuya kunaSauro paGibea, ʋakati: Ko Davidi haazinoʋanda pacikomo ceHakira, ciri pamberi perenje here? Ipapo Sauro akasimuka, akaɓurukira kurenje reZifi, anaʋarume ʋaneɀuru ɀitatu, ʋakaŋga ʋakatsaurwa kuʋaIsraeri, kuti atȿake Davidi mureŋje reZifi. Sauro akaʋaka misasa yake pacikomo ceHakira, ciri pamberi perenje, kurutiʋi rwenzira. Asi Davidi wakaŋga agere murenje, akaʋona Sauro acimuteʋera murenje. Ɀino Davidi akatuma ʋashori, akanzwa kuti Sauro waȿika ɀirokwaɀo. Davidi akasimuka, akaȿika pakaŋga pakaʋaka Sauro misasa yake, Davidi akaʋona pakaŋga paʋete Sauro, anaAbineri mŋanakomana waNeri, mukuru wehondo yake; Sauro wakaŋga aʋete pakati peŋgoro dzakaŋga dzakaroŋgedzwa, asi ʋanhu ʋakaŋga ʋaʋaka misasa yaʋo ʋakamupoteredza. Ɀino Davidi akapindura, akati kunaAhimereki muHeti, nokunaAbishai mŋanakomana waZeruya, munuŋuna waJoabi, akati: Ndianiko ucaɓuruka neni kunaSauro kumisasa? Abishai akati: Ini ndicaɓuruka nemi. Naiɀoɀo Davidi naAbishai ʋakaȿika kuʋanhu ʋusiku, ʋakawana Sauro aʋete pakati peŋgoro dzakaŋga dzaroŋgedzwa, pfumo rake rakaɓayirwa pasi pamusoro wake; Abineri naʋamŋe ʋanhu ʋakaŋga ʋaʋete ʋakamupoteredza. Ɀino Abishai akati kunaDavidi: Nhasi Mŋari wakaisa muʋeŋgi wako pamaʋoko ako; naiɀoɀo nditendere ndimuɓayire pasi nepfumo kamŋe cete, handiŋgamuɓayi rwecipiri. Davidi akati kunaAbishai: Usamuʋuraya, nokuti ndianiko uŋgagona kutambanudzira ruʋoko rwake kumuzodzwa waJehova, akasaʋa nemhoȿa? Davidi akati: NaJehova mupenyu, Jehova ndiye ucamuʋuraya; ɀimŋe zuʋa rake rokufa ricaȿika, ɀimŋe ucaɓurukira kundorwa akaparadzwa’po. Jehova ŋgaandidziʋise, ndirege kutambanudzira ruʋoko rwaŋgu kumuzodzwa waJehova; asi ɀino tora hako pfumo riri pamusoro wake, neciroŋgo cemvura, tiende. Naiɀoɀo Davidi akatora pfumo neciroŋgo cemvura, ɀakaŋga ɀiri pamusoro waSauro, ʋakaenda; hakunomunhu wakaɀiʋona, kana kuɀiziʋa, hakuna‐wakapepuka, nokuti ʋakaŋga ʋaʋete ʋose, nokuti ʋakaŋga ʋakaɓatwa nehope kwaɀo, dzakaŋga dzatumŋa naMŋari. Ɀino Davidi akayambukira mhiri, akamira pamsoro pegomo ari kure; asi pakati paʋo pakaŋga panenhambo huru; Davidi akashoʋedzera kuʋanhu nokunaAbineri mŋanakomana waNeri, akati: Nhandi Abineri, hauɗaʋiri here? Ipapo Abineri akaɗaʋira, akati: Ndiwe aniko unoshoʋedzera kunamambo. Davidi akati kunaAbineri: Ko iwe hauzi murume wemhare here? Ndianiko wakafanana newe kuʋaIsraeri? Wakaregereiko kurinda ishe wako mambo? Nokuti mumŋe munhu wakaŋga apinda kuzoparadza mambo, ishe wako. Ici cinhu cawaita hacina‐kunaka. NaJehova mupenyu, maifanira kufa, nokuti hamuna‐kurinda ishe wenyu, muzodzwa waJehova. Ɀino citarira, pfumo ramambo neciroŋgo cemvura cakaŋga ciri pamusoro wake ɀiripiko? Sauro akaziʋa inzwi raDavidi, akati: Ndiro inzwi rako here, mŋana waŋgu Davidi? Davidi akati: Inzwi raŋgu, ishe waŋgu, mambo. Akati: Ko Ishe waŋgu unoteʋerereiko muranda wake? Nokuti ndakaiteiko? Ɀakaipa ɀiri mandiri ndeɀeiko? Naiɀoɀo ɀino ishe waŋgu mambo ciɗonzwai mashoko omuranda wenyu. Kana ari Jehova wakakukurudzirai kurwa neni, ŋgaapiwe cipiriso; asi kana ʋari ʋana ʋaʋanhu, ŋgaʋaʋe ʋakatukwa pamberi paJehova, nokuti ʋakandidziŋga nhasi, kuti ndirege kugara panhaka yaJehova, ʋaciti: Enda, undoshumira ʋamŋe ʋamŋari. Naiɀoɀo ɀino ropa raŋgu ŋgarirege kuwira pasi kure naJehova, nokuti mambo waIsraeri waɓuɗa kuzotȿaka rutata rumŋe, somunhu unovima hwari mumakomo. Ipapo Sauro akati: Ndatadza, dzoka hako, mŋana waŋgu Davidi, nokuti handicazokuitiri ɀakaipa, nokuti ʋupenyu bgaŋgu bgakaŋga bgucikosha pameso ako nhasi; tarira, ndaita seɓenzi, ndatadza kwaɀo. Ipapo Davidi akapindura, akati: Tarirai pfumo ramambo! mumŋe wamajaya ŋgaayambukire ʋuno aritore. Jehova unoripira munhu mumŋe nomumŋe kururama kwake nokutendeka kwake; nokuti Jehova wakakuisai nhasi kwandiri, asi ndakaramba kutambanudzira ruʋoko rwaŋgu kumuzodzwa waJehova. Ɀino tarirai, ʋupenyu bgenyu seɀandakabgukudza nhasi, saiɀoɀo ʋo ʋupenyu bgaŋgu ŋgabgukudzwe naJehova, iye andirwire pakutambudzika kwaŋgu kwose. Ipapo Sauro akati kunaDavidi: Wakaropafadzwa iwe mŋana waŋgu Davidi; ucaʋa nesimba, ʋuye ucakunda kwaɀo. Naiɀoɀo Davidi akaenda hake, naSauro akadzokera kumusha kwake.

1 Samueri 26:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)