1 Samueri 25:1-44
1 Samueri 25:1-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Samueri akafa, uye Israeri yose yakaungana ikamuchema; uye vakamuviga pamusha pake muRama. Ipapo Dhavhidhi akaburuka akaenda kuRenje reMaoni. Mumwe murume weMaoni, uyo akanga ane pfuma ikoko paKarimeri, akanga akapfuma kwazvo. Akanga ane mbudzi chiuru uye makwai zviuru zvitatu, aakanga achiveura paKarimeri. Zita rake rainzi Nabhari uye zita romukadzi wake rainzi Abhigairi. Mukadzi akanga akangwara uye akanaka kwazvo, asi murume wake muKarebhu, akanga ane mwoyo mukukutu akaipa pamagariro ake. Dhavhidhi achiri mugwenga, akanzwa kuti Nabhari akanga achiveura makwai ake. Saka akatuma majaya gumi akati kwavari, “Endai kuna Nabhari paKarimeri mundomukwazisa muzita rangu. Muti kwaari, ‘Rugare kwauri! Utano hwakanaka kwauri neimba yako! Uye utano hwakanaka pazvinhu zvako zvose! “ ‘Zvino ndinonzwa kuti ino inguva yokuveura makwai. Vafudzi vako pavakanga vanesu, isu hatina kuvabata zvakaipa, uye nguva yose yavakanga vari paKarimeri hakuna chimwe chezvinhu zvavo chakarasika. Ubvunze varanda vako, ivo vachakuudza. Naizvozvo chinzwira majaya angu tsitsi, sezvo tasvika panguva yomutambo. Ndapota ipai varanda venyu nomwanakomana wenyu Dhavhidhi zvose zvamungamuwanira.’ ” Vanhu vaDhavhidhi vakati vasvika, vakaudza Nabhari mashoko aya muzita raDhavhidhi. Ipapo vakamirira. Nabhari akapindura varanda vaDhavhidhi akati, “Dhavhidhi uyu ndiani? Ndianiko uyu mwanakomana waJese? Varanda vazhinji vanotiza vatenzi vavo mazuva ano aya. Ko, ndingatorerei chingwa changu nemvura yangu uye nenyama yandakaurayira vaveuri vangu, ndichipa vanhu vandisingazivi kwavanobva?” Vanhu vaDhavhidhi vakatendeuka vakadzokera havo. Vakati vasvika, vakamutaurira mashoko ose. Dhavhidhi akati kuvanhu vake, “Pakatai minondo!” Saka vakapakata minondo yavo, naDhavhidhi akapakatawo wake. Varume vanenge mazana mana vakaenda naDhavhidhi, vanokwana mazana maviri vakasara vane nhumbi. Mumwe wavaranda akataura kuna Abhigairi mukadzi waNabhari akati, “Dhavhidhi akatuma nhume kubva kurenje kuzokwazisa vatenzi vedu, asi ivo vakavatuka. Asi varume ava vakanga vakanaka kwazvo kwatiri. Havana kutibata zvakaipa, uye panguva yose iyi yatakanga tinavo musango hatina kurasikirwa nechinhu. Vakanga vari rusvingo kwatiri usiku namasikati nguva yose yatakanga tichifudza makwai edu pedyo navo. Zvino fungisisai izvi muone zvamungaita, nokuti njodzi yadongorera pamusoro patenzi wedu neimba yake yose. Iye munhu akaipa zvokuti hakuna angataura naye.” Abhigairi haana kupedza nguva. Akatora mazana maviri ezvingwa, matende amatehwe ewaini maviri, makwai akavhiyiwa mashanu, zviyero zvishanu zvezviyo zvakakangwa, mazana mashanu amakeke amazambiringa akaoma uye mazana maviri amakeke amaonde akasvinwa, akazvitakudza mbongoro. Ipapo akataura kuvaranda vake akati, “Chitungamirai; ini ndichakuteverai.” Asi haana kuudza murume wake Nabhari. Akati achiuya akatasva mbongoro yake pamupata wegomo, vanaDhavhidhi navanhu vake vakaburuka vakananga kwaari, iye akasangana navo. Dhavhidhi akanga achangobva kuti, “Zvirokwazvo ndakatamburirei kuchengetedza zvinhu zvose zvomunhu uyu murenje zvokuti hapana chinhu chake chakarasika. Andiripira nezvakaipa pachinzvimbo chezvakanaka. Mwari ngaarove Dhavhidhi, amurove kwazvo, kana mangwana mangwanani ndikasiya murume mumwe chete pavanhu vose vaanavo!” Abhigairi akati achiona Dhavhidhi, akakurumidza kuburuka pambongoro yake akakotama nechiso chake pamberi paDhavhidhi. Akawira pamakumbo ake akati, “Ishe wangu, mhosva iyi ngaive kwandiri ndoga. Ndapota hangu regai murandakadzi wenyu ataure kwamuri; inzwai zvinoreva murandakadzi wenyu. Ishe wangu ngaarege kurangarira munhu uya akaipa, iye Nabhari. Akangoita sezita rake, zita rake rinoreva kuti Benzi, uye upenzi hunogara naye. Asi kana ndirini, murandakadzi wenyu, handina kuona vanhu vakanga vatumwa natenzi wangu. “Zvino sezvo Jehovha akudzivisai, tenzi wangu, pakuteura ropa uye napakuzvitsivira namaoko enyu, zvirokwazvo naJehovha mupenyu, uye noupenyu hwenyu, vavengi venyu navose vanoda kuitira tenzi wangu zvakaipa ngavafanane naNabhari. Uye chipo ichi chauyiswa kuna tenzi nomurandakadzi wenyu ngachipiwe kuvanhu vanokuteverai. Ndapota hangu regererai murandakadzi wenyu pakukanganisa kwake, nokuti Jehovha achaitira tenzi wangu imba youmambo yakasimba, nokuti iye anorwa hondo dzaJehovha. Kuita kwakaipa ngakurege kuwanikwa mamuri muupenyu hwenyu hwose. Kunyange hazvo mumwe munhu akakudzinganisai kuti akuurayei, upenyu hwatenzi wangu hucharamba hwakasungirirwa pachisote chavapenyu naJehovha Mwari wenyu. Asi upenyu hwavavengi venyu achahupotsera kure sohunobva muhomwe yechimviriri. Mushure mokunge Jehovha aitira tenzi wangu zvinhu zvose zvakanaka zvaakavimbisa pamusoro pake uye amugadza kuti ave mutungamiri weIsraeri, tenzi wangu haangazovi nomutoro unorema pahana yake wokuteura ropa risina mhosva kana wokuzvitsivira pachake. Uye kana Jehovha akakundisa tenzi wangu, murangarire henyu murandakadzi wenyu.” Dhavhidhi akati kuna Abhigairi, “Jehovha ngaarumbidzwe, Mwari waIsraeri, akutuma nhasi kuti uzosangana neni. Uropafadzwe iwe nokuda kwokungwara kwako kwakanaka uye nokundiita kuti ndisateura ropa nhasi uye kuti ndisazvitsivira namaoko angu. Zvirokwazvo naJehovha Mwari waIsraeri mupenyu, iye andidzivisa kuti ndirege kukuuraya, zvimwe dai usina kukurumidza kusangana neni, hakuna murume pakati pavanhu vaNabhari anga achasiyiwa ari mupenyu mangwana chaiwo kuchiedza.” Ipapo Dhavhidhi akagamuchira kubva muruoko rwake zvaakanga amuvigira akati, “Enda kumba norugare. Ndanzwa mashoko ako uye nechikumbiro chako.” Abhigairi akati adzokera kuna Nabhari, akanga ari mumba achiita mutambo wakafanana nowamambo. Mwoyo wake wakanga wakafara kwazvo uye akadhakwa. Saka haana chaakamuudza kusvikira mangwana. Ipapo mangwanani, Nabhari paakanga asina kudhakwa, mukadzi wake akamuudza zvinhu zvose izvi, mwoyo wake ukaneta uye ukaita sedombo. Shure kwamazuva anenge gumi, Jehovha akarova Nabhari akafa. Dhavhidhi akati anzwa kuti Nabhari akanga afa, akati, “Jehovha ngaakudzwe, iye akanditsivira mhosva yangu pamusoro paNabhari uyo akandizvidza. Akadzivisa muranda wake kuti arege kuita zvakaipa uye auyisa kuipa kwaNabhari pamusoro pake.” Ipapo Dhavhidhi akatuma shoko kuna Abhigairi, achimukumbira kuti ave mukadzi wake. Varanda vake vakaenda kuKarimeri vakati kuna Abhigairi, “Dhavhidhi atituma kwamuri kuti tikutorei kuti muve mukadzi wake.” Akakotamisa chiso chake pasi akati, “Houno murandakadzi wenyu, akazvigadzirira kukushumirai nokushambidza tsoka dzavaranda vatenzi wangu.” Abhigairi akakurumidza kutasva mbongoro akaenda navarandakadzi vake vashanu, vakaenda nenhume dzaDhavhidhi, akava mukadzi waDhavhidhi. Dhavhidhi akanga awanazve Ahinoami muJezireeri, uye vose vakava vakadzi vake. Asi Sauro akanga apa mwanasikana wake Mikari, mukadzi waDhavhidhi, kuna Paritieri mwanakomana waRaishi, akanga achibva kuGarimi.
1 Samueri 25:1-44 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Samueri wakafa; vaIsiraeri vose vakaungana, vakamuchema, vakamuviga mumba make paRama. Dhavhidhi akasimuka, akaburukira kurenje reParani. Zvino paMaoni pakanga pano munhu, waiva nepfuma yake paKarimeri; munhu uyu wakanga ari mukuru kwazvo, wakanga ana makwai ane zviuru zvitatu, nembudzi dzine chiuru chimwe; iye wakanga achiveura makwai ake paKarimeri. Zita romunhu uyu raiva Nabhari, uye zita romukadzi wake Abhigairi; mukadzi wakanga akangwara, uye wakanga akanaka kumeso; asi murume wakanga ano mwoyo mukukutu, akaipa pamugarire wake; waive weimba yaKarebhi. Zvino Dhavhidhi wakanzwa kurenje kuti Nabhari wakanga achiveura makwai ake. Dhavhidhi akatuma majaya ane gumi, Dhavhidhi akati kumajaya, “Kwirai Karimeri, muende kuna Nabhari, mundomukwazisa nezita rangu. Mugoti kuna iye agere pakati pepfuma yake, ‘Rugare ngaruve nemi, rugare ngaruve neimba yenyu, uye rugare ngaruve pazvinhu zvose zvamunazvo. Zvino ndakanzwa kuti muna vaveuri; vafudzi venyu vaiva nesu zvino, asi hatina kuvatambudza, uye havana kurashikirwa nechinhu nguva yose yavakagara paKarimeri. Bvunzai majaya enyu, vakuudzei; zvino majaya ngaanzwirwe tsitsi nemi, nokuti tinouya nezuva rakanaka; ipai henyu varanda venyu nomwanakomana wenyu Dhavhidhi chinhu chipi nechipi chamunacho.’ ” Zvino majaya aDhavhidhi akati asvika, akaudza Nabhari mashoko iwayo ose nezita raDhavhidhi, vakanyarara havo. Ipapo Nabhari akapindura varanda vaDhavhidhi akati, “Dhavhidhi ndianiko? Mazuva ano varanda vazhinji vanotiza vatenzi vavo. Ndingatora zvingwa zvangu, nemvura yangu, nenyama yangu yandakaurayira vaveuri vangu, ndizvipe varume vandisingazivi kuti vanobvekupiko here?” Naizvozvo majaya aDhavhidhi akapinduka hawo, akadzoka, akandomuudza mashoko iwayo ose. Dhavhidhi akati kuvanhu vake, “Mumwe nomumwe wenyu ngaasunge munondo wake;” mumwe nomumwe akasunga munondo wake; naiye Dhavhidhiwo akasunga munondo wake; varume vanenge mazana mana vakatevera Dhavhidhi, vana mazana maviri vakasara panhumbi. Asi mumwe wamajaya wakandoudza Abhigairi, mukadzi waNabhari, akati, “Tarirai, Dhavhidhi wakanga atuma nhume, ari kurenje, kundokwazisa tenzi wedu; ivo vakavatuka kwazvo. Asi varume avo vaitiitira zvakanaka, hatina kutambudzwa navo; hatina kurashikirwa nechinhu mazuva ose atakafambidzana navo kusango. Vakanga vakaita sorusvingo kwatiri usiku namasikati mazuva ose ataigara navo tichifudza makwai. “Naizvozvo zvino chizivai mufunge zvamungaita, nokuti tenzi wedu navose veimba yake vagara vafungirwa zvakaipa; nokuti munhu wakaisvoipa wakadaro, kuti hakuna munhu ungagona kutaura naye.” Ipapo Abhigairi akakurumidza kutora zvingwa zvina mazana maviri, namatende maviri ewaini, namakwai mashanu akanga agadzirwa, nezviyero zvishanu zvezviyo zvakakangwa, namasumbu amadzambiringa akawoma ane zana, namapundu amawonde ana mazana maviri, akazviisa pamusoro pembongoro. Akati kumajaya ake, “Nditungamirirei, tarirai, ndinokuteverai.” Asi haana kuudza murume wake Nabhari. Zvino wakati achifamba akatasva mbongoro yake, akaburukira pamupata pegomo, Dhavhidhi navarume vake vakaburukirawo kwaari; iye akasangana navo. Zvino Dhavhidhi wakanga ati, “Zvirokwazvo, ndaichengeta hangu zvinhu zvose zvomunhu uyu nhandu murenje, hakuna chinhu chimwe chake chakarashika; akanditsiva nezvakaipa pane zvakanaka. Mwari ngaarove vavengi vaDhavhidhi, arambe achidaro, kana ndikarega kunyange mwanakomana mumwechete kuna vose vaanavo ari mupenyu kusvikira mangwana.” Zvino Abhigairi wakati achiona Dhavhidhi, akakurumidza kuburuka pambongoro yake, akawira pasi nechiso chake pamberi paDhavhidhi, akakotamira pasi. Akawira patsoka dzake, akati, “Mhosva ngaive kwandiri, ishe wangu, ndinokumbira kuti murandakadzi wenyu ataure nemi, munzwe mashoko omurandakadzi wenyu. Ndinokumbira kuti ishe wangu arege hake kurangarira munhu uyu wakaisvoipa, iye Nabhari; nokuti sezita rake ndizvo zvaakaitawo iye, zita rake ndiNabhari, naiye ibenzi; asi ini murandakadzi wenyu, handina kuona majaya ashe wangu amakatuma. Naizvozvo zvino, ishe wangu, naJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, zvaari Jehovha wakakudzivisai kuteura ropa nokuzvitsiva noruoko rwenyu, naizvozvo zvino vavengi venyu navanotsvaka kuitira ishe wangu zvakaipa, ngavave saNabhari. Zvino, ishe wangu, chipo ichi chamakavigirwa nomurandakadzi wenyu, ngachipiwe hacho majaya anotevera ishe wangu. Kanganwirai henyu kudarika kwomurandakadzi wenyu, nokuti zvirokwazvo Jehovha uchaitira ishe wangu imba yakasimba, nokuti ishe wangu unorwa hondo dzaJehovha; zvakaipa hazvingawanikwi kwamuri mazuva enyu ose. Kunyange munhu akasimuka kukudzingirirai, nokutsvaka kukuurayai, mweya washe wangu ucharamba wakasungirwa pachisote chavapenyu vari kuna Jehovha Mwari wenyu; asi mweya yavavengi venyu uchaiposhera kure, ichiita seinobva muchikanda chechifuramabwe. Zvino kana Jehovha azoitira ishe wangu zvose zvakanaka zvaakanga ataura pamusoro penyu, akakugadzai mukava mambo waIsiraeri, murege kuzvidemba pamusoro pechinhu ichi, uye ishe wangu arege kuzvidya mwoyo, nokuti makateura ropa risine mhosva, kana nokuti ishe wangu wakazvitsiva; zvino kana Jehovha achinge aitira ishe wangu zvakanaka, murangarirewo murandakadzi wenyu.” Dhavhidhi akati kuna Abhigairi, “Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, iye wakakutuma nhasi kuzosangana neni; nokungwara kwako ngakukudzwe, newewo ukudzwe, nokuti wakandidzivirira nhasi kuti ndirege kuteura ropa, nokuzvitsiva noruoko rwangu. Zvirokwazvo, naJehovha Mwari waIsiraeri mupenyu, iye wakandidzivirira kuti ndirege kukuitira zvakaipa, dai usina kukurumidza kuuya kuzosangana neni, Nabhari zvirokwazvo haazaisarirwa mangwana kana kwoedza nomwana mumwe womukomana.” Naizvozvo Dhavhidhi akagamuchira paruoko rwake zvaakanga amuvigira, akati kwaari, “Kwira hako norugare kumba kwako; tarira ndateerera izwi rako, ndakunzwira tsitsi.” Abhigairi akasvika kuna Nabhari, akamuwana ari kumutambo mumba make, wakanga wakafanana nomutambo wamambo; mwoyo waNabhari wakanga wakafara mukati make, nokuti wakanga abatwa kwazvo; naizvozvo haana kumuudza chinhu, kunyange chiduku kana chikuru, kusvikira mangwana kwoedza. Zvino fume mangwana, waini yakati yabva kuna Nabhari, mukadzi wake akamurondedzera mashoko iwayo, mwoyo wake ukafa mukati make, akaita sebwe. Mazuva anenge gumi akati apera, Jehovha akarova Nabhari, akafa. Zvino Dhavhidhi wakati anzwa kuti Nabhari wafa, akati, “Jehovha ngaakudzwe wakanditsiva pakuzvidzwa kwangu naNabhari, akadzivirira muranda wake kuti arege kuita zvakaipa; zvakaipa zvaNabhari Jehovha wakazvidzosera pamusoro wake.” Ipapo Dhavhidhi akatuma nhume kuna Abhigairi kukumbira kuti ave mukadzi wake. Zvino varanda vaDhavhidhi vakati vachisvika kuna Abhigairi paKarimeri, vakataura naye vakati, “Dhavhidhi wakatitumira kwauri kuzokutora uve mukadzi wake.” Ipapo akasimuka, akakotamira pasi nechiso chake, akati, “Tarirai murandakadzi wenyu, ndiri murandakadzi unoshambidza tsoka dzashe wangu.” Abhigairi akakurumidza, akasimuka, akatasva mbongoro, akaenda navanasikana vake vashanu; akatevera nhume dzaDhavhidhi, akava mukadzi wake. Dhavhidhi akawanawo Ahinoamu muJezereeri, ivo vose vaviri vakava vakadzi vake. Zvino Sauro wakanga akapa Pariti, mwanakomana waRaishi, waiva weGarimi, mukunda wake Mikari, mukadzi waDhavhidhi.
1 Samueri 25:1-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Samueri akazofa, vaIsiraeri vose vakaungana kuzomuchema vakamuviga pamusha pake kuRama. Dhavhidhi akasimuka odzika kuenda kurenje reParani. Kwaiva nomumwewo murume wokuMaoni aiva nebasa rake kuKarimeri, akanga akapfuma kwazvo. Akanga aine zviuru zvitatu zvehwai nechiuru chembudzi. Akanga achiveura hwai dzake kuKarimeri ikoko. Murume iyeye ainzi Nabhari, mudzimai wake achinzi Abhigairi. Aiva mukadzi anonzwisisa ane chimiro chakanaka. Asi murume iyeyo akanga aine mwoyo mukukutu. Aiva wokwaKarebhu. Pakanga Dhavhidhi ari kurenje akanzwa zvichinzi Nabhari ari kuveura hwai dzake kuKarimeri. Akatuma majaya gumi achiti, “Endai kuKarimeri mundondikwazisirawo Nabhari. Muti kwaari zvanzi, ‘Rugare ngaruve nemi. Zvanzi kufara kwamuri imi mose nemhuri yenyu. Makadiiko nezvose zvamunazvo?’ Ndiri kunzwa kuti muri mukuveura zvipfuwo zvenyu. Zvino vafudzi venyu vakanga vanesu kuno, asi hapana chakaipa chatakaita kwavari. Hapana chavakarasikirwa nacho nguva yose iyi yavanga vari kuKarimeri. Kana mukabvunza zvenyu varanda venyu, vanokuudzaiwo izvozvi. Naizvozvo dai mukaitira zvenyu majaya angu ayo tsiye nyoro zvatauyawo kuno zuva guru rakadai. Dai mukawanawo zvimwe zvamunazvo zvamungape varanda venyu neni mwana wenyu Dhavhidhi.” Kuzoti majaya aDhavhidhi asvikako akapira kuna Nabhari zvose izvi achiti tatumwa naDhavhidhi, ndokumira zvavo. Nabhari akapindura varanda vaDhavhidhi achiti, “Dhavhidhi iyeyo ndiani? Chii mwana waJese iyeyo? Kune varanda vazhinji kwazvo mazuva ano vari kutiza vatenzi vavo. Nditore chingwa changu, nemvura yangu, nenyama yandabayira vaveuri vangu, ndichipa zvangu kuvanhu vandisingamboziva kana nokwavanobva here?” Majaya aDhavhidhi akadzokera zvawo akasvikotaurira Dhavhidhi zvose izvozvi. Dhavhidhi akati kuvanhu vake, “Varume, munhu wose ngaapakate bakatwa rake!” Munhu wose akapakata bakatwa rake, Dhavhidhi akapakatawo rake. Mazana mana avanhu akaenda naDhavhidhi, kukasara mazana maviri vakachengeta zvinhu. Asi mumwe muranda akaruma nzeve mudzimai waNabhari, Abhigairi kuti, “Dhavhidhi akatuma nhumwa dzakasvika kuna tenzi wedu dzichibva kurenje kuzovakwazisa, asi ivo vakadzijinyura. Asi mufunge zvenyuka, vanhu ivava vakatiitira zvakanaka kwazvo. Havana chakaipa chavakaita kwatiri. Hapana chatakarasikirwa nacho kumafuro nguva yose iyi yatakanga tiinavo. Vakanga vari rusvingo chairwo kutichengetedza, siku nesikati nguva yose iyi zvayo yatanga tichifudza hwai. Zvino dai mukambopafungawo zvenyu apa muone zvokuita, nokuti tenzi wedu atova munyatwa chaiyo izvozvi pamwechete navanhu vose vemhuri yake. Asi tenzi wedu uyu munhu ane mwoyo wakaipa kwazvo haatiuriki.” Abhigairi akabva aita chimbichimbi kutora mazana maviri ezvingwa nezvigubhu zviviri zvewaini nehwai shanu dzakavhiyiwa, namabhagidhi maviri embesanwa dzakakangwa, nezana rezvisumbu zvamagirepisi akaomeswa namazana maviri ezvambwa zvamakuyu, akazvitakudza pamadhongi. Akati kuvaranda vake, “Chitungamirai, ini ndiri kutevera!” Asi mudzimai waNabhari haana kutaurira murume wake. Paaifamba kudaro ari padhongi rake, akati pindei mumupata wegomo, onei Dhavhidhi navanhu vake vari kuuya vakananga kwaari, ndokusangana navo. Dhavhidhi akanga achitoti, “Chaizvoizvo ini ndakatamburira nhando nhai kuchengeta zvinhu zvose zvomunhu uyu murenje, pasina chimwechete chake chaakarasikirwa nacho. Ini ndakamuitira zvakanaka kudaro, ndopaava kunditsiva nezvakaipa kudai. Kana ramangwanani rikabuda kuchine wechirume wemhuri yake wandinenge ndasiya ari mupenyu, iyeni Dhavhidhi, Tenzi ngaandione.” Abhigairi paakaona Dhavhidhi akabva akurumidza kuburuka padhongi rake akapfugamira Dhavhidhi akatsikitsira uso akamukotamira. Akasvikoti bvucha mumakumbo aDhavhidhi ndokuti, “Changamire, mhosva iyi ngaive zvayo yangu. Ndibvumireiwo zvangu ini muranda wenyu kumbotaurawo nemi mumbonzwawo zvandichakurondedzerai ini muranda wenyu. Ndapota changamire, regai zvenyu kuita hanya nezvomuipi uyo Nabhari, vakamugona wani vakamutumidza zita rokuti Nabhari, rinoreva kuti benzi, nokuti iyewo ibenzi romunhu. Chete, ini muranda wenyu pachezvangu, handina kunge ndamboona varume ivavo vamakatuma changamire. “Changamire, zvino chionaiwo zvenyu kuti Tenzi ndiye aita kuti murege kupara mhosva yokudeura ropa kana kuti imi pachenyu noruoko rwenyu mutsividze zvamakaitirwa. Ndinopika naTenzi mupenyu, imi muchitozvionawo ndichiti, vavengi venyu navose zvavo vanoda kukuitirai zvakaipa ngavaitirwe sezvichaitirwa Nabhari. Changamire, ipai zvenyu majaya aya anokuteverai chipo ichi chandauyawo nacho ini muranda wenyu. Ndateterera zvangu ndiregerereiwo kukutadzirai kwandakaita ini muranda wenyu, changamire, nokuti Tenzi achanyatsoita kuti umambo hudzike midzi mumba menyu, nokuti muri kurwa hondo dzaTenzi. Hapana chakaipa chichawanikwa muupenyu hwenyu. Kana munhu akada kukurondai achida kukuurayai, upenyu hwenyu huchasungirirwa pachisote chavapenyu pahunochengetwa naTenzi Mwari wenyu. Asi upenyu hwavavengi venyu achahupotsera sedombo rechimviriri. Kana Tenzi achingewo azoita zvakanaka zvose zvaakatsidza nezvenyu imi changamire akakuitai mutongi weIsiraeri, imi hamuzovi nechinokunetsai mumwoyo kana kuzodemba nechikonzero chokuti imimi changamire munenge madeura ropa risina mhosva kana kuti mazvitsivira moga. Kana Tenzi achinge akuponesai aitawo kuti zvikufambirei zvakanaka muzondirangarirawo imi changamire, ini muranda wenyu.” Dhavhidhi akati kuna Abhigairi, “Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari wavaIsiraeri akutuma kuti usangane neni nhasi. Mwari ngaakukomborere nepfungwa yako yokugona kunzwisisa kudai. Mwari ngaakukomberere nokundidzora kwawandiita nhasi ndikarega kupara mhosva yokudeura ropa kana kuzvitsivira ndoga. Ndinopika naTenzi, Mwari waIsiraeri mupenyu aita kuti ndirege kukukuvadza, ndichiti dai wanga usina kukurumidza kuchingurana neni, chokwadi mangwana kwaNabhari kwaifuma kusisina kana munhu wechirume mumwechete zvake!” Dhavhidhi akagamuchira zvakanga zvauya nomukadzi uyu kwaari, akamuti, “Chidzokera zvako kumusha kwako zvawataura ndazvinzwa uye ndichaita zvawareva.” Abhigairi akasvika kuna Nabhari wanei Nabhari ari pakati pamabiko mumba make, aitenge mabiko amambo chaiwo. Izvozvo Nabhari akanga ofara kwazvo apera zvake kudhakwa. Saka haana kana kumutaurira chinhu kusvikira kwaedza. Mangwanani acho waini yapera muna Nabhari, mudzimai wake akamutaurira izvozvi izvi akarohwa nehana akaoma kuti papata nokutya. Kuzoti kwangoti perei mazuva anenge gumi, Tenzi akazovinga Nabhari nedenda, akabva afa. Dhavhidhi paakanzwa kuti Nabhari afa akati, “Ngaarumbidzwe Tenzi anditsivira Nabhari kutsvinya kwaakandiitira, akaitawo kuti ini muranda wake ndirege kuita chakaipa. Tenzi akaita kuti Nabhari apfukirwe nouipi hwake.” Dhavhidhi akabva atumira vanhu kundotaurirana naAbhigairi kuti ave mukadzi wake. Vanhu vaDhavhidhi pavakasvika kuna Abhigairi kuKarimeri vakati kwaari, “Dhavhidhi atitumira kwamuri kuti tizokutorai muve zvenyu mukadzi wake.” Akasimuka akakotama ndokutyora uso akati, “Aiwa, regai zvenyu ndichiva wokushambidza tsoka dzavaranda vatenzi wangu.” Abhigairi akakurumidza kusimuka ndokuti padhongi rake karakata ndokuenda oteverana nenhumwa dzaDhavhidhi dziya aina vasikana vashanu vokumuperekedza. Dhavhidhi akanga aroorawo Ahinoami wechiJezireeri akavaparika vose vari vaviri. Sauro akatenge apawo Mikari mukunda wake mukadzi waDhavhidhi kuna Pariti mwana wavaRaishi vokuGarimu.
1 Samueri 25:1-44 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Samueri wakafa; ʋaIsraeri ʋose ʋakaʋuŋgana, ʋakamucema, ʋakamuʋiga mumba make paRama. Davidi akasimuka, akaɓurukira kurenje reParani. Ɀino paMaoni pakaŋga panomunhu, waiʋa nefuma yake paKarmeri; munhu uyu wakaŋga ari mukuru kwaɀo, wakaŋga anamakwai aneɀuru ɀitatu, nembudzi dzinecuru cimŋe; iye wakaŋga aciʋeʋura makwai ake paKarmeri. Zita romunhu uyu raiʋa Nabari, ʋuye zita romukadzi wake Abigairi; mukadzi wakaŋga akaŋgwara, ʋuye wakaŋga akanaka kumeso; asi murume wakaŋga anomŋoyo mukukutu, akaipa pamugarire wake; waiʋa weimba yaKarebi. Ɀino Davidi wakanzwa kurenje kuti Nabari wakaŋga aciʋeʋura makwai ake. Davidi akatuma majaya anegumi, Davidi akati kumajaya: Kwirai Karmeri, muende kunaNabari, mundomukwazisa nezita raŋgu. Mugoti kunaiye ugere pakati pefuma yake: Rugare ŋgaruʋe nemi, rugare ŋgaruʋe neimba yenyu, ʋuye rugare ŋgaruʋe paɀinhu ɀose ɀamunaɀo. Ɀino ndakanzwa kuti munaʋaʋeʋuri; ʋafudzi ʋenyu ʋaiʋa nesu ɀino, asi hatina‐kuʋatambudza, ʋuye haʋana‐kurashikirwa necinhu ŋguʋa yose yaʋakagara paKarmeri. Bvunzai majaya enyu, ʋakuʋudzei; ɀino majaya ŋgaanzwirwe tsitsi nemi, nokuti tinoʋuya nezuʋa rakanaka; ipai henyu ʋaranda ʋenyu nomŋanakomana wenyu Davidi cinhu cipi necipi camunaco. Ɀino majaya aDavidi akati aȿika, akaʋudza Nabari mashoko iwayo ose nezita raDavidi, ʋakanyarara haʋo. Ipapo Nabari akapindura ʋaranda ʋaDavidi, akati: Davidi ndianiko? Mŋanakomana waJese ndianiko? Mazuʋa ano ʋaranda ʋazhinji ʋanotiza ʋatenzi ʋaʋo. Ndiŋgatora ɀiŋgwa ɀaŋgu, nemvura yaŋgu, nenyama yaŋgu yandakaʋurayira ʋaʋeʋuri ʋaŋgu, ndiɀipe ʋarume ʋandisiŋgaziʋi kuti ʋanobvepiko here? Naiɀoɀo majaya aDavidi akapinduka hawo, akadzoka, akandomuʋudza mashoko iwayo ose. Davidi akati kuʋanhu ʋake: Mumŋe nomumŋe wenyu ŋgaasuŋge munondo wake; mumŋe nomumŋe akasuŋga munondo wake; naiye Davidi ʋo akasuŋga munondo wake; ʋarume ʋaneŋge mazana manna ʋakateʋera Davidi, ʋanamazana maʋiri ʋakasara panhumbi. Asi mumŋe wamajaya wakandoʋudza Abigairi, mukadzi waNabari, akati: Tarirai, Davidi wakaŋga atuma nhume, ari kurenje, kundokwazisa tenzi weɗu; iʋo ʋakaʋatuka kwaɀo. Asi ʋarume aʋo ʋaitiitira ɀakanaka, hatina‐kutambudzwa naʋo; hatina‐kurashikirwa necinhu mazuʋa ose atakafambidzana naʋo kusaŋgo. Ʋakaŋga ʋakaita soruȿiŋgo kwatiri ʋusiku namasikati mazuʋa ose ataigara naʋo ticifudza makwai. Naiɀoɀo ɀino ciziʋai mufuŋge ɀamuŋgaita, nokuti tenzi weɗu naʋose ʋeimba yake ʋagara ʋafuŋgirwa ɀakaipa; nokuti munhu wakaiȿo‐ipa wakaɗaro, kuti hakunomunhu uŋgagona kutaura naye. Ipapo Abigairi akakurumidza kutora ɀiŋgwa ɀinamazana maʋiri, namatende maʋiri ewaini, namakwai mashanu akaŋga agadzirwa, neɀiyero ɀishanu ɀeɀiyo ɀakakaŋgwa, namasumbu amazambiriŋga akawoma anezana, namapundu amaʋonde anamazana maʋiri, akaɀiisa pamsoro pemboŋgoro. Akati kumajaya ake: Ndituŋgamirirei, tarirai, ndinokuteʋerai. Asi haana‐kuʋudza murume wake Nabari. Ɀino wakati acifamba akataȿa mboŋgoro yake, akaɓurukira pamupata pagomo, Davidi naʋarume ʋake ʋakaɓurukira ʋo kwaari; iye akasoŋgana naʋo. Ɀino Davidi wakaŋga ati: Ɀirokwaɀo, ndaiceŋgeta haŋgu ɀinhu ɀose ɀomunhu uyu nhandu murenje, hakunecinhu cimŋe cake cakarashika; akanditsiʋa neɀakaipa paneɀakanaka. Mŋari ŋgaaroʋe ʋaʋeŋgi ʋaDavidi, arambe aciɗaro, kana ndikarega kunyaŋge mŋanakomana mumŋe cete kunaʋose ʋaanaʋo ari mupenyu kuȿikira maŋgwana. Ɀino Abigairi wakati aciʋona Davidi, akakurumidza kuɓuruka pamboŋgoro yake, akawira pasi neciso cake pamberi paDavidi, akakotamira pasi. Akawira patsoka dzake, akati: Mhoȿa ŋgaiʋe kwandiri, ishe waŋgu, ndinokumbira kuti murandakadzi wenyu ataure nemi, munzwe mashoko omurandakadzi wenyu. Ndinokumbira kuti ishe waŋgu arege hake kuraŋgarira munhu uyu wakaiȿo‐ipa, iye Nabari; nokuti sezita rake ndiɀo ɀaakaita ʋo iye; zita rake ndiNabari, naiye iɓenzi; asi ini murandakadzi wenyu, handina‐kuʋona majaya ashe waŋgu amakatuma. Naiɀoɀo ɀino, ishe waŋgu, naJehova mupenyu, ʋuye nomŋeya wenyu mupenyu, ɀaari Jehova wakakudziʋisai kuteʋura ropa nokuɀitsiʋa noruʋoko rwenyu, naiɀoɀo ɀino ʋaʋeŋgi ʋenyu naʋanotȿaka kuitira ishe waŋgu ɀakaipa, ŋgaʋaʋe saNabari. Ɀino, ishe waŋgu, cipo ici camakaʋigirwa nomurandakadzi wenyu, ŋgacipiwe haco majaya anoteʋera ishe waŋgu. Kaŋganwirai henyu kuɗarika kwomurandakadzi wenyu, nokuti ɀirokwaɀo Jehova ucaitira ishe waŋgu imba yakasimba, nokuti ishe waŋgu unorwa hondo dzaJehova; ɀakaipa haɀiŋgawanikwi kwamuri mazuʋa enyu ose. Kunyaŋge munhu akasimuka kukudziŋgirirai, nokutȿaka kukuʋurayai, mŋeya washe waŋgu ucaramba wakasuŋgirwa pacisote caʋapenyu ʋari kunaJehova Mŋari wenyu; asi mŋeya yaʋaʋeŋgi ʋenyu ucaiposhera kure, iciita seinobva mucikanda cecifuramabge. Ɀino kana Jehova azoitira ishe waŋgu ɀose ɀakanaka ɀaakaŋga ataura pamsoro penyu, akakugadzai mukaʋa mambo waIsraeri, murege kuɀiɗemba pamsoro pecinhu ici, ʋuye ishe waŋgu arege kuɀidya mŋoyo, nokuti makateʋura ropa risinemhoȿa, kana nokuti ishe waŋgu wakaɀitsiʋa; ɀino kana Jehova aciŋge aitira ishe waŋgu ɀakanaka, muraŋgarire ʋo murandakadzi wenyu. Davidi akati kunaAbigairi: Jehova Mŋari waIsraeri ŋgaakudzwe, iye wakakutuma nhasi kuzosoŋgana neni; nokuŋgwara kwako ŋgakukudzwe, newe ʋo ukudzwe, nokuti wakandidziʋirira nhasi kuti ndirege kuteʋura ropa, nokuɀitsiʋa noruʋoko rwaŋgu. Ɀirokwaɀo, naJehova Mŋari waIsraeri mupenyu, iye wakandidziʋirira kuti ndirege kukuitira ɀakaipa, ɗai usina‐kukurumidza kuʋuya kuzosoŋgana neni, Nabari ɀirokwaɀo haazaisarirwa maŋgwana kana kwoedza nomŋana mumŋe womukomana. Naiɀoɀo Davidi akagamucira paruʋoko rwake ɀaakaŋga amuʋigira, akati kwaari: Kwira hako norugare kumba kwako; tarira, ndaterera inzwi rako, ndakunzwira tsitsi. Abigairi akaȿika kunaNabari, akamuwana ari kumutambo mumba make, wakaŋga wakafanana nomutambo wamambo; mŋoyo waNabari wakaŋga wakafara mukati make, nokuti wakaŋga aɓatwa kwaɀo; naiɀoɀo haana‐kumuʋudza cinhu, kunyaŋge ciɗuku kana cikuru, kuȿikira maŋgwana kwoedza. Ɀino fume maŋgwana, waini yakati yabva kunaNabari, mukadzi wake akamurondedzera mashoko iwayo, mŋoyo wake ukafa mukati make, akaita sebge. Mazuʋa aneŋge gumi akati apera, Jehova akaroʋa Nabari, akafa. Ɀino Davidi wakati anzwa kuti Nabari wafa, akati: Jehova ŋgaakudzwe wakanditsiʋa pakuɀidzwa kwaŋgu naNabari, akadziʋirira muranda wake kuti arege kuita ɀakaipa; ɀakaipa ɀaNabari Jehova wakaɀidzosera pamusoro wake. Ipapo Davidi akatuma nhume kunaAbigairi kukumbira kuti aʋe mukadzi wake. Ɀino ʋaranda ʋaDavidi ʋakati ʋaciȿika kunaAbigairi paKarmeri, ʋakataura naye, ʋakati: Davidi wakatitumira kwauri kuzokutora uʋe mukadzi wake. Ipapo akasimuka, akakotamira pasi neciso cake, akati: Tarirai murandakadzi wenyu, ndiri murandakadzi unoshambidza tsoka dzashe waŋgu. Abigairi akakurumidza, akasimuka, akataȿa mboŋgoro, akaenda anaʋasikana ʋake ʋashanu; akateʋera nhume dzaDavidi, akaʋa mukadzi wake. Davidi akawana ʋo Ahinoami muJezreeri, iʋo ʋose ʋaʋiri ʋakaʋa ʋakadzi ʋake. Ɀino Sauro wakaŋga akapa Parti, mŋanakomana waRaishi, waiʋa weGarimi, mukunda wake Mikari, mukadzi waDavidi.
1 Samueri 25:1-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)