1 Samueri 19:9-10
1 Samueri 19:9-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi mweya wakaipa wakabva kuna Jehovha wakauya pamusoro paSauro paakanga agere mumba make ane pfumo rake muruoko rwake. Dhavhidhi paakanga achiridza mbira, Sauro akaedza kumubayira kumadziro nepfumo rake, asi Dhavhidhi akamunzvenga Sauro akabayira pfumo mukati mamadziro. Usiku ihwohwo Dhavhidhi akatiza, akapunyuka.
1 Samueri 19:9-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mweya wakaipa, wakanga watumwa naJehovha, ukauya pamusoro paSauro, agere mumba make ane pfumo rake muruoko rwake; Dhavhidhi akaridza noruoko rwake. Sauro akaidza kubayira Dhavhidhi pamadziro nepfumo; Dhavhidhi akatiza, akapukunyuka usiku uhwo.
1 Samueri 19:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mweya wakaipa wakabva kuna Tenzi wakauya pana Sauro agere mumba make pfumo rake riri mumaoko, Dhavhidhi achiridza zvake dimbwa. Sauro akati regai ndibayirire Dhavhidhi kumadziro nepfumo. Asi Dhavhidhi akanzvenga Sauro akandobayirira pfumo rake kumadziro, Dhavhidhi akatiza akapunyuka.
1 Samueri 19:9-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋeya wakaipa, wakaŋga watumŋa naJehova, ukaʋuya pamsoro paSauro, agere mumba make anepfumo rake muruʋoko rwake; Davidi akaridza noruʋoko rwake. Sauro akaidza kuɓayira Davidi pamadziro nepfumo; Davidi akatiza, akapukunyuka ʋusiku ubgo.
1 Samueri 19:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)