1 Samueri 17:36-37
1 Samueri 17:36-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Muranda wenyu akauraya zvose shumba nebere; muFiristia uyu asina kudzingiswa achafanana nechimwe chazvo, nokuti ashora hondo dzaMwari mupenyu. Jehovha akandirwira pagumbo reshumba nerebere, ndiye achandirwira muruoko rwomuFiristia uyu.” Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Enda, uye Jehovha ave newe.”
1 Samueri 17:36-37 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Muranda wenyu akazviuraya zvose, kunyangwe shumba kunyangwe bere; muFirisitia uyu usinokudzingiswa uchafanana nechimwe chazvo, nokuti wakashora hondo dzaMwari mupenyu. Dhavhidhi akati, “Jehovha wakandirwira pagumbo reshumba negumbo rebere, iye uchandirwirawo paruoko rwomuFirisitia uyu.” Ipapo Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Enda hako, Jehovha uchava newe.”
1 Samueri 17:36-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ini muranda wenyu ndaiuraya zvose shumba kana bere, kana naiyeyuwo muFirisitia uyu asina kudzingiswa achavawo sezvikara izvozvo zvaari kutovirimira zvake hondo yaMwari mupenyu.” Dhavhidhi akati, “Tenzi nyakumbondinunura mukanwa meshumba nebere achandinunurawo mumaoko omuFirisitia iyeyu.”. Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Enda zvako Tenzi ngaave newe.”
1 Samueri 17:36-37 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Muranda wenyu akaɀiʋuraya ɀose, kunyaŋge shumba kunyaŋge ɓere; muFiristia uyu usino‐kudziŋgiswa ucafanana necimŋe caɀo, nokuti wakashoʋora hondo dzaMŋari mupenyu. Davidi akati: Jehova wakandirwira pagumbo reshumba negumbo reɓere, iye ucandirwira ʋo paruʋoko rwomuFiristia uyu. Ipapo Sauro akati kunaDavidi: Enda hako, Jehova ucaʋa newe.
1 Samueri 17:36-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)