1 Samueri 17:36 - Compare All Versions
1 Samueri 17:36 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muranda wenyu akauraya zvose shumba nebere; muFiristia uyu asina kudzingiswa achafanana nechimwe chazvo, nokuti ashora hondo dzaMwari mupenyu.
1 Samueri 17:36 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muranda wenyu akazviuraya zvose, kunyangwe shumba kunyangwe bere; muFirisitia uyu usinokudzingiswa uchafanana nechimwe chazvo, nokuti wakashora hondo dzaMwari mupenyu.
1 Samueri 17:36 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Ini muranda wenyu ndaiuraya zvose shumba kana bere, kana naiyeyuwo muFirisitia uyu asina kudzingiswa achavawo sezvikara izvozvo zvaari kutovirimira zvake hondo yaMwari mupenyu.”
1 Samueri 17:36 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Muranda wenyu akaɀiʋuraya ɀose, kunyaŋge shumba kunyaŋge ɓere; muFiristia uyu usino‐kudziŋgiswa ucafanana necimŋe caɀo, nokuti wakashoʋora hondo dzaMŋari mupenyu.
1 Samueri 17:36 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ini muranda wenyu ndaiuraya zvose shumba kana bere, kana naiyeyuwo muFirisitia uyu asina kudzingiswa achavawo sezvikara izvozvo zvaari kutovirimira zvake hondo yaMwari mupenyu.”