1 Samueri 16:11-12 - Compare All Versions
1 Samueri 16:11-12 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka akabvunza Jese akati, “Ava ndivo vose vanakomana vaunavo here?” Jese akapindura akati, “Kuchino mumwe muduku kuna vose, asi ari kufudza makwai.” Samueri akati, “Tuma munhu kwaari; hatingagari pasi kusvikira asvika pano.” Saka akatuma munhu kuti andouya naye. Akanga ari mutsvuku, ane chiso chakaisvonaka nechimiro chakanaka. Ipapo Jehovha akati, “Simuka umuzodze, nokuti ndiyeyu.”
1 Samueri 16:11-12 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Samueri akati kuna Jese, “Vana vako varipano vose here?” Akati, “Muduku kuna vose ndiye wasara; tarirai unorisa makwai.” Samueri akati kuna Jese, “Tuma munhu amutore, nokuti hatingagari pakudya kusvika iye auya pano.” Akatuma munhu, akapinda naye. Zvino wakanga ari mutsvuku, akanaka kumeso, ano muviri wakanaka. Jehovha akati, “Simuka, umuzodze, nokuti ndiye.”
1 Samueri 16:11-12 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino Samueri akati kunaJese: Ʋana ʋako ʋari pano ʋose here? Akati: Muɗuku kunaʋose ndiye wasara; tarirai unorisa makwai. Samueri akati kunaJese: Tuma munhu amutore, nokuti hatiŋgagari pakudya kuȿika iye aʋuya pano. Akatuma munhu, akapinda naye. Ɀino wakaŋga ari mutȿuku, akanaka kumeso, anomuʋiri wakanaka. Jehova akati: Simuka, umuzodze, nokuti ndiye.
1 Samueri 16:11-12 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Samueri akazoti kuna Jese, “Vari pano ava ndivo vanakomana vako vose here?” Jese akapindurawo achiti, “Kune mumwe gotwe racho, asi zvino ari kufudza hwai.” Samueri akati kuna Jese, “Tumai munhu andomutora nokuti hatimbogara pakudya asati asvika.” Nokudaro akatumira munhu akauya naye. Wakanga akati tsvukurukei aine maziso anoyevedza ane chimiro chakanaka kwazvo. Tenzi ndokuti, “Simuka uzodze iyeyu ndiyeyu wacho.”
1 Samueri 16:11-12 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)