Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 16:1-23

1 Samueri 16:1-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jehovha akati kuna Samueri, “Uchasvika riniko uchichema Sauro, sezvo ini ndakamuramba kuti asava mambo wavaIsraeri? Zadza gonamombe rako namafuta ugopinda munzira yako; ndiri kukutuma kuna Jese wokuBheterehema. Ndasarudza mumwe wavanakomana vake kuti ave mambo.” Asi Samueri akati, “Ndingaenda seiko? Sauro achanzwa nezvazvo akandiuraya.” Jehovha akati, “Tora tsiru uende naro ugondoti, ‘Ndauya kuzobayira kuna Jehovha.’ Ukoke Jese kuti auye kuchibayiro, uye ini ndichakuratidza zvokuita. Unofanira kundizodzera uyo wandichakuratidza.” Samueri akaita zvakataurwa naJehovha. Akati asvika kuBheterehema, vakuru vomusha vakadedera pavakasangana naye. Vakamubvunza vakati, “Mauya norugare here?” Samueri akati, “Hongu, ndauya norugare; ndauya kuzobayira kuna Jehovha. Zvinatsei mugoenda neni kuchibayiro.” Ipapo akanatsa Jese navanakomana vake akavakoka kuti vauye kuchibayiro. Vakati vasvika, Samueri akaona Eriabhi akafunga kuti, “Zvirokwazvo muzodziwa waJehovha ndiye amire pano pamberi paJehovha.” Asi Jehovha akati kuna Samueri, “Rega kutarira chiso chake kana mumhu wake, nokuti ndamuramba. Jehovha haatarisi zvinhu zvinoonekwa navanhu. Munhu anotarisa zviri kunze, asi Jehovha anotarisa pamwoyo.” Ipapo Jese akadana Abhinadhabhi akaita kuti apfuure napamberi paSamueri. Asi Samueri akati, “Jehovha haana kusarudza uyuwo.” Jese akaita kuti Shama apfuure napo, asi Samueri akati, “Nouyu haana kusarudzwa naJehovha.” Jese akaita kuti vanakomana vake vanomwe vapfuure napamberi paSamueri, asi Samueri akati kwaari, “Jehovha haana kusarudza ava.” Saka akabvunza Jese akati, “Ava ndivo vose vanakomana vaunavo here?” Jese akapindura akati, “Kuchino mumwe muduku kuna vose, asi ari kufudza makwai.” Samueri akati, “Tuma munhu kwaari; hatingagari pasi kusvikira asvika pano.” Saka akatuma munhu kuti andouya naye. Akanga ari mutsvuku, ane chiso chakaisvonaka nechimiro chakanaka. Ipapo Jehovha akati, “Simuka umuzodze, nokuti ndiyeyu.” Saka Samueri akatora gonamombe ramafuta akamuzodza pamberi pamadzikoma ake, uye kubva pazuva iroro Mweya waJehovha wakauya pamusoro paDhavhidhi nesimba. Ipapo Samueri akaenda kuRama. Zvino Mweya waJehovha wakanga wabva pana Sauro, uye mweya wakaipa wakabva kuna Jehovha ukamutambudza. Varanda vaSauro vakati kwaari, “Tarirai mweya wakaipa unobva kuna Mwari unokutambudzai. Ishe ngaarayire varanda vake vari pano kuti vatsvake mumwe munhu anogona kuridza mbira. Acharidza kana mweya wakaipa unobva kuna Mwari wauya pamusoro penyu, uye imi muchanzwa zviri nani.” Saka Sauro akati kuvaranda vake, “Tsvakai munhu anogona kuridza zvakanaka muuye naye kwandiri.” Mumwe wavaranda akapindura akati, “Ndaona mwanakomana waJese wokuBheterehema anoziva kuridza mbira. Murume asingatyi uye murwi. Anogona kutaura zvakanaka uye munhu akaisvonaka. Uye Jehovha anaye.” Ipapo Sauro akatuma nhume kuna Jese akati, “Nditumirewo mwanakomana wako Dhavhidhi, uyo ari kumakwai.” Saka Jese akatora mbongoro akaitakudza chingwa, guchu rewaini nembudzana akazvitumira kuna Sauro naDhavhidhi mwanakomana wake. Dhavhidhi akasvika kuna Sauro akapinda kundomushandira. Sauro akamuda kwazvo, uye Dhavhidhi akava mumwe wavatakuri venhumbi dzake dzokurwa. Ipapo Sauro akatuma shoko kuna Jese, achiti, “Tendera Dhavhidhi kuti andishandire, nokuti ndinofadzwa naye.” Mweya waibva kuna Mwari waiti wasvika pamusoro paSauro, Dhavhidhi aibva atora mbira dzake oridza. Ipapo Sauro aibva anzwa kusununguka; onzwa zviri nani uye mweya wakaipa wobva wamusiya.

1 Samueri 16:1-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jehovha wakati kuna Samueri, “Uchachema Sauro kusvikira riniko, zvandakamuramba ini, kuti arege kuva mambo waIsiraeri? Zadza gonamombe rako namafuta, uende, ndikutume kuna Jese muBheterehemu; nokuti ndakazvitsvakira mambo pakati pavana vake.” Samueri akati, “Ndingaenda seiko? Kana Sauro akazvinzwa, uchandiuraya.” Jehovha akati, “Enda netsiru, uti, ‘Ndauya kuzobayira Jehovha.’ Zvino udane Jese auye kuchibayiro, ini ndichakuzivisa zvaunofanira kuita, ugondizodzera wandichakuratidza.” Samueri akaita zvakataurwa naJehovha, akaenda Bheterehemu. Vakuru veguta vakandosangana naye, vachibvunda, vakati, “Mauya norugare here?” Akati, “Hongu, norugare; ndauya kuzobayira Jehovha, muzvinatsei, muende neni kundobayira.” Ipapo akanatsa Jese navanakomana vake, akavadana kuchibayiro. Zvino vakati vasvika, akatarira Eriabhu, akati, “Zvirokwazvo, muzodzwa waJehovha uri pamberi pake.” Asi Jehovha wakati kuna Samueri, “Usatarira chiso chake, kana mumhu wake, nokuti ndamuramba; nokuti Jehovha haawoni somunhu, nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.” Zvino Jese akadana Abhinadhabhu, akamupfuudza pamberi paSamueri. Akati, “Kunyange nouyu Jehovha haana kumutsaura.” Zvino Jese akapfuudza Shama. Akati, “Nouyu Jehovha haana kumutsaura.” Jese akapfuudza vanomwe vavanakomana vake pamberi paSamueri. Samueri akati kuna Jese, “Jehovha haana kutsaura ava.” Zvino Samueri akati kuna Jese, “Vana vako varipano vose here?” Akati, “Muduku kuna vose ndiye wasara; tarirai unorisa makwai.” Samueri akati kuna Jese, “Tuma munhu amutore, nokuti hatingagari pakudya kusvika iye auya pano.” Akatuma munhu, akapinda naye. Zvino wakanga ari mutsvuku, akanaka kumeso, ano muviri wakanaka. Jehovha akati, “Simuka, umuzodze, nokuti ndiye.” Ipapo Samueri akatora gonamombe ramafuta, akamuzodza pakati pehama dzake. Mweya waJehovha akauya pamusoro paDhavhidhi nesimba, kubva pazuva iro zvichienda mberi. Zvino Samueri akasimuka, akaenda Rama. Zvino Mweya waJehovha wakanga wabva kuna Sauro, mweya wakaipa wakanga watumwa naJehovha, ukamuvhundusa. Varanda vaSauro vakati kwaari, “Tarirai zvino, mweya wakaipa, wakatumwa naMwari, unokuvhundusai.” Zvino tenzi wedu ngaatiraire isu varanda venyu vari pamberi penyu, kuti titsvake munhu unoziva kuridza mbira kwazvo; zvino kana mweya wakaipa, unotumwa naMwari, uchiuya pamusoro penyu, iye aridze noruoko rwake, mupore. Sauro akati kuvaranda vake, “Chinditsvakirai munhu unogona kuridza zvakanaka, muuye naye kwandiri.” Zvino mumwe wamajaya akapindura, akati, “Tarirai, ndakaona mwanakomana waJese muBheterehemu unoziva kuridza kwazvo, munhu ane simba noumhare, murwi, wakachenjera pakutaura, munhu wakanaka, uye Jehovha anaye.” Naizvozvo Sauro akatuma nhume kuna Jese, akati, “Nditumire mwanakomana wako Dhavhidhi, ari kumakwai.” Jese akatora mbongoro, akaitakudza chingwa, nedende rewaini, nembudzana, akazvituma kuna Sauro nomwanakomana wake Dhavhidhi. Dhavhidhi akasvika kuna Sauro, akamira pamberi pake, iye akamuda kwazvo, akava mubati wenhumbi dzake dzokurwa. Sauro akatuma shoko kuna Jese, akati, “Tendera hako Dhavhidhi amire pamberi pangu, nokuti ndinomufarira kwazvo.” Zvino nguva dzose kana mweya wakaipa, wakatumwa naMwari, uchiuya pamusoro paSauro, Dhavhidhi ndokutora mbira, nokuridza noruoko rwake; Sauro akanyaradzwa, akapora, mweya wakaipa ndokubva kwaari.

1 Samueri 16:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Tenzi akati kuna Samueri, “Uchasvika riniko uchingochema Sauro iwe uchiona zvako kuti ndamuramba kuti ave mambo weIsiraeri? Zadza nyanga namafuta ndikutume uende kuna Jese muBheterehemu nokuti ndazviwanira mambo mukati mavana vake.” Samueri akati, “Ndingagoenda sei? Sauro akazvinzwa anondiuraya.” Tenzi ndokuti, “Tora tsiru mudanga uende naro unoti iwe, ‘Ndauya kuzopira chibayiro kuna Tenzi.’ Zvino iwe ukoke Jese kuchibayiro, ndichakuratidza zvokuita. Unozofanira kundizodzera wandinenge ndakuudza nezita.” Samueri akaita zvaakanga audzwa naTenzi, akaenda kuBheterehemu. Vakuru vakuru vomuguta iri vakauya kuzochingurana naye vachidedera nokutya. Vakuru ava vakati, “Ko kwakanaka here?” Samueri akati, “Aiwa kwakanaka zvako. Ndauya kuzopira chibayiro kuna Tenzi. Zvichenurei tiende tose kuchibayiro.” Samueri akachenura Jese navanakomana vake akavakoka kuchibayiro. Pakusvika kwavakaita, Samueri akatarisa Ereabhu akazviti nechomumwoyo, “Chokwadi uyu ari pana Tenzi ndiye muzodzwa wake.” Asi Tenzi akati kuna Samueri, “Usatarise chimiro chake kana mhumhu wake nokuti ndamuramba. Chikonzero ndechokuti maonero angu ini Tenzi akasiyana namaonero omunhu, nokuti munhu anotarisa munhu maziso, asi ini Tenzi ndinotarisa mumwoyo.” Jese akadaidza Abhinadhabhu akati apfuure napana Samueri. Samueri akati, “Kana naiyeyuwo Tenzi haana kumusarudza.” Jese akati Shama apfuurewo napo. Samueri akati, “Kunyangewo naiyeyu Tenzi haana kumusarudza.” Jese akati vana vake vakomana vose vari vanomwe vapfuure napaiva naSamueri. Asi Samueri akati kuna Jese, “Tenzi haana kumbosarudza ivava.” Samueri akazoti kuna Jese, “Vari pano ava ndivo vanakomana vako vose here?” Jese akapindurawo achiti, “Kune mumwe gotwe racho, asi zvino ari kufudza hwai.” Samueri akati kuna Jese, “Tumai munhu andomutora nokuti hatimbogara pakudya asati asvika.” Nokudaro akatumira munhu akauya naye. Wakanga akati tsvukurukei aine maziso anoyevedza ane chimiro chakanaka kwazvo. Tenzi ndokuti, “Simuka uzodze iyeyu ndiyeyu wacho.” Samueri akatora nyanga izere mafuta akamuzodza pakati pavakoma vake. Mweya waTenzi wakabvawo wauya zvine simba guru kwazvo pana Dhavhidhi kubvira musi iwoyo zvichienda mberi. Samueri akasimuka ndokudzokera zvake kuRama. Zvino Mweya waTenzi wakabva pana Sauro, ndokubva otambudzwa nomweya wakaipa wakabva kuna Tenzi. Varanda vaSauro vakati kwaari, “Chionaika pava nomweya wakabva kuna Mwari uri kukutambudzai. Changamire. Dai zvenyu mukati isu varanda venyu, iyesu vokukushandirai, tikutsvakirei munhu anonyatsogona kuridza dimbwa wokuti kana mweya wakaipa wakabva kuna Tenzi uchinge wauya pamuri apote achiriridza imi mova zvenyu nani.” Sauro akati kuvaranda vake, “Nditsvakirei zvenyu munhu anonyatsogona kuridza wacho muuye naye kwandiri.” Mumwe muranda akapindura achiti, “Mufunge zvenyu, ndakaona mumwe mwanakomana waJese muBheterehemu shasha chaiyo yokuridza, munhu ane chivindi, mvumba chaiyo yokurwa hondo. Inyanzvi pakutaura, murume ane chimiro chakanaka kwazvo. Tenzi anaye.” Naizvozvo Sauro akatumira nhume kuna vaJese achiti, “Nditumire kuno mwana wako mukomana ari kufudza hwai.” Jese akatora dhongi ndokuritakudza chingwa nechigubhu chewaini nembudzana, akati mwana wake Dhavhidhi aigire Sauro. Dhavhidhi akasvika kuna Sauro akatanga kumushandira. Sauro akamuda kwazvo akabva ava munhu wokumutakurira zvombo zvake zvehondo. Sauro akatumira Jese shoko rokuti, “Regai zvenyu Dhavhidhi arambe achindishandira nokuti ini ndamuda.” Zvino kwaiti kana Sauro agarwa nomweya wakaipa uya waibva kuna Mwari, Dhavhidhi aitora dimbwa mumaoko oriridza, Sauro aibva afefeterwa omboita nani, mweya wakaipa uya wobva paari.

1 Samueri 16:1-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Jehova wakati kunaSamueri: Ucacema Sauro kuȿikira riniko, ɀandakamuramba ini, kuti arege kuʋa mambo waIsraeri? Zadza gonaŋombe rako namafuta, uende, ndikutume kunaJese muBeti‐rehemi; nokuti ndakaɀitȿakira mambo pakati paʋana ʋake. Samueri akati: Ndiŋgaenda seiko? Kana Sauro akaɀinzwa, ucandiʋuraya. Jehova akati: Enda netsiru, uti: Ndaʋuya kuzoɓayira Jehova. Ɀino uɗane Jese aʋuye kuciɓayiro, ini ndicakuziʋisa ɀaunofanira kuita, ugondizodzera wandicakuratidza. Samueri akaita ɀakataurwa naJehova, akaenda Beti‐rehemi. Ʋakuru ʋeguta ʋakandosoŋgana naye, ʋacibvunda, ʋakati: Maʋuya norugare here? Akati: Hoŋo, norugare; ndaʋuya kuzoɓayira Jehova, muɀinatsei, muende neni kundoɓayira. Ipapo akanatsa Jese naʋanakomana ʋake, akaʋaɗana kuciɓayiro. Ɀino ʋakati ʋaȿika, akatarira Eriabi, akati: Ɀirokwaɀo, muzodzwa waJehova uri pamberi pake. Asi Jehova wakati kunaSamueri: Usatarira ciso cake, kana mumhu wake, nokuti ndamuramba; nokuti Jehova haaʋoni somunhu, nokuti munhu unotarira ɀiri kunze, asi Jehova unotarira ɀiri pamŋoyo. Ɀino Jese akaɗana Abinadabi, akamupfuʋudza pamberi paSamueri. Akati: Kunyaŋge noyuyu Jehova haana‐kumutsaura. Ɀino Jese akapfuʋudza Shama. Akati: Noyuyu Jehova haana‐kumutsaura. Jese akapfuʋudza ʋanomŋe ʋaʋanakomana ʋake pamberi paSamueri. Samueri akati kunaJese: Jehova haanakutsaura aʋa. Ɀino Samueri akati kunaJese: Ʋana ʋako ʋari pano ʋose here? Akati: Muɗuku kunaʋose ndiye wasara; tarirai unorisa makwai. Samueri akati kunaJese: Tuma munhu amutore, nokuti hatiŋgagari pakudya kuȿika iye aʋuya pano. Akatuma munhu, akapinda naye. Ɀino wakaŋga ari mutȿuku, akanaka kumeso, anomuʋiri wakanaka. Jehova akati: Simuka, umuzodze, nokuti ndiye. Ipapo Samueri akatora gonaŋombe ramafuta, akamuzodza pakati pehama dzake. Mŋeya waJehova akaʋuya pamsoro paDavidi nesimba, kubva pazuʋa iro ɀicienda mberi. Ɀino Samueri akasimuka, akaenda Rama. Ɀino Mŋeya waJehova wakaŋga abva kunaSauro, mŋeya wakaipa, wakaŋga watumŋa naJehova, ukamuvundusa. Ʋaranda ʋaSauro ʋakati kwaari: Tarirai ɀino, mŋeya wakaipa, wakatumŋa naMŋari, unokuvundusai. Ɀino tenzi weɗu ŋgaatiraire isu ʋaranda ʋenyu ʋari pamberi penyu, kuti titȿake munhu unoziʋa kuridza mbira kwaɀo; ɀino kana mŋeya wakaipa, unotumŋa naMŋari, aciʋuya pamsoro penyu, iye aridze noruʋoko rwake, mupore. Sauro akati kuʋaranda ʋake: Cinditȿakirai munhu unogona kuridza ɀakanaka, muʋuye naye kwandiri. Ɀino mumŋe wamajaya akapindura, akati: Tarirai, ndakaʋona mŋanakomana waJese muBeti‐rehemi unoziʋa kuridza kwaɀo, munhu unesimba noʋumhare, murwi, wakacenjera pakutaura, munhu wakanaka, ʋuye Jehova unaye. Naiɀoɀo Sauro akatuma nhume kunaJese, akati: Nditumire mŋanakomana wako Davidi, uri kumakwai. Jese akatora mboŋgoro, akaitakudza ciŋgwa, neɗende rewaini, nembudzana, akaɀituma kunaSauro nomŋanakomana wake Davidi. Davidi akaȿika kunaSauro, akamira pamberi pake; iye akamuɗa kwaɀo, akaʋa muɓati wenhumbi dzake dzokurwa. Sauro akatuma shoko kunaJese, akati: Tendera hako Davidi amire pamberi paŋgu, nokuti ndinomufarira kwaɀo. Ɀino ŋguʋa dzose kana mŋeya wakaipa, wakatumŋa naMŋari, uciʋuya pamsoro paSauro, Davidi ndokutora mbira, nokuridza noruʋoko rwake; Sauro akanyaradzwa, akapora, mŋeya wakaipa ndokubva kwaari.

1 Samueri 16:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)