1 Samueri 14:36
1 Samueri 14:36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Sauro akati, “Ngatiburukei zasi titevere vaFiristia usiku tindovaparadza kusvikira mambakwedza, uye tirege kusiya kana mumwe wavo ari mupenyu.” Ivo vakapindura vakati, “Itai zvamunoona kuti zvakanakisisa kwamuri.” Asi muprista akati, “Ngatibvunzei Mwari pano.”
1 Samueri 14:36 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Sauro akati, “Ngatiburuke, titevere vaFirisitia usiku, tivapambare kusvikira kwoedza, tirege kusiya munhu mumwe kwavari.” Ivo vakati, “Itai henyu sezvamunoda.” Ipapo mupristi akati “Ngatiswedere kuna Mwari pano.”
1 Samueri 14:36 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sauro akazoti, “Ngatirondei vaFirisitia nousiku huno, tivapambe, tirege kusiya kana nomumwe wavo ari mupenyu.” Ivo vakati, “Itai zvenyu zvamunenge mada.” Asi mupristi akati, “Ngatimbonzwai kuna Mwari.”
1 Samueri 14:36 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Sauro akati: Ŋgatiɓuruke, titeʋere ʋaFiristia ʋusiku, tiʋapambare kuȿikira kwoedza, tirege kusiya munhu mumŋe kwaʋari. Iʋo ʋakati: Itai henyu seɀamunoɗa. Ipapo muprista akati: Ŋgatisweɗere kunaMŋari pano.