1 Samueri 1:1-3
1 Samueri 1:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino kwakanga kuno mumwe murume weRamataimu, muZufi, wenyika yamakomo yaEfuremu, ainzi Erikana, mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waErihu, mwanakomana waTohu, mwanakomana waZufi muEfuremu. Aiva navakadzi vaviri; mumwe ainzi Hana mumwe achinzi Penina. Penina akanga ana vana asi Hana akanga asina. Gore negore murume uyu aibuda achibva muguta rake kuti andonamata nokubayira zvibayiro kuna Jehovha Wamasimba Ose paShiro, Hofini naFinehasi, vanakomana vaEri, vari vaprista vaJehovha.
1 Samueri 1:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kwakanga kuno mumwe murume weRamataimisofimi, wenyika yamakomo yaEfuremu, wainzi Erikana, mwanakomana weJehoramu, mwanakomana waErihu, mwanakomana waTohu, mwanakomana waZufi muEfurata. Iye wakanga ana vakadzi vaviri, zita romumwe rainzi Hana, uye zita romumwe rainzi Penina; Penina wakanga ana vana, asi Hana wakanga asina vana. Zvino murume uyu waisikwira gore rimwe nerimwe achibva kuguta rake kundonamata nokubayira Jehovha wehondo paShiro. Vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakanga varipo vari vapristi vaJehovha
1 Samueri 1:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Muguta reRamataimuzofimu, munyika yamakomo yokwaEfuremu maiva nomumwe murume ainzi Erikana mwana waJeroharamu. Jeroharamu akaberekwa naErihu, Erihu akaberekwawo naTohu mwanakomana waZufu wedzinza rokwaEfuremu. Erikana aiva navakadzi vaviri, wokutanga ainzi Hana wechipiri achinzi Penina. Penina aiva navana asi Hana akanga asina vana. Murume iyeyu aipota achienda kuShiro kundonamata nokundopira zvibayiro kuna Tenzi Samasimbaose gore negore achibva kuguta rokwake. Vanakomana vaEri vana Hofuni naFinehasi ndovaiva vapristi vaTenzi ikoko.
1 Samueri 1:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kwakaŋga kunomumŋe murume weRamataimi‐zofimi, wenyika yamakomo yaEfraimi, wainzi Erikana, mŋanakomana waJehorami, mŋanakomana waErihu, mŋanakomana waTohu, mŋanakomana waZufi, muEfrata. Iye wakaŋga anaʋakadzi ʋaʋiri, zita romumŋe rainzi Hana, ʋuye zita romumŋe rainzi Penina; Penina wakaŋga anaʋana, asi Hana wakaŋga asinaʋana. Ɀino murume uyu waisikwira gore rimŋe nerimŋe acibva kuguta rake kundonamata nokuɓayira Jehova wehondo paShiro. Ʋanakomana ʋaʋiri ʋaEri, Hofni naPinehasi, ʋakaŋga ʋari’po ʋari ʋaprista ʋaJehova.
1 Samueri 1:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)