Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 1:1-10

1 Samueri 1:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Muguta reRamataimuzofimu, munyika yamakomo yokwaEfuremu maiva nomumwe murume ainzi Erikana mwana waJeroharamu. Jeroharamu akaberekwa naErihu, Erihu akaberekwawo naTohu mwanakomana waZufu wedzinza rokwaEfuremu. Erikana aiva navakadzi vaviri, wokutanga ainzi Hana wechipiri achinzi Penina. Penina aiva navana asi Hana akanga asina vana. Murume iyeyu aipota achienda kuShiro kundonamata nokundopira zvibayiro kuna Tenzi Samasimbaose gore negore achibva kuguta rokwake. Vanakomana vaEri vana Hofuni naFinehasi ndovaiva vapristi vaTenzi ikoko. Zuva raipira Erikana chibayiro aipa migove kune mukadzi wake Penina navana vake vose vakomana navasikana. Kunyange zvazvo Erikana aida Hana aizongomupawo mugove mumwechete bedzi nokuti Tenzi akanga asina kumupa mbereko. Uyewo mukadzin'ina wake aimudadira kwazvo kumusvotesa nokuti Tenzi akanga asina kumupa mbereko. Zvaingoramba zvichingodaro nguva nenguva gore negore paingoenda chete Hana kumba yaTenzi aingodadirwa naPenina. Naizvozvo Hana akazochema akaramwa zvokudya. Murume wake Erikana akamuti, “Nhai Hana, unochemeiko? Uri kurambirei chokudya? Washaiswa neiko rufaro mumwoyo? Kwauri handiti ndinotokunda gumi ravana vakomana?” Kuzoti apedza kudya nokunwa ari kuShiro ikoko, Hana akasimuka zvake, izvozvo mupristi Eri akanga agere pachigaro pedyo nebango rapamusuo weTemberi yaTenzi. Hana akanga achitoshungurudzwa kwazvo mumwoyo achinamata kuna Tenzi achichema zvinosiririsa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Samueri 1

1 Samueri 1:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino kwakaŋga kunomumŋe murume weRamataimi‐zofimi, wenyika yamakomo yaEfraimi, wainzi Erikana, mŋanakomana waJehorami, mŋanakomana waErihu, mŋanakomana waTohu, mŋanakomana waZufi, muEfrata. Iye wakaŋga anaʋakadzi ʋaʋiri, zita romumŋe rainzi Hana, ʋuye zita romumŋe rainzi Penina; Penina wakaŋga anaʋana, asi Hana wakaŋga asinaʋana. Ɀino murume uyu waisikwira gore rimŋe nerimŋe acibva kuguta rake kundonamata nokuɓayira Jehova wehondo paShiro. Ʋanakomana ʋaʋiri ʋaEri, Hofni naPinehasi, ʋakaŋga ʋari’po ʋari ʋaprista ʋaJehova. Ɀino zuʋa rokuɓayira kwake rakati riciȿika, Erikana akapa mukadzi wake Penina, naʋanakomana ʋake ʋose naʋanasikana ʋake migoʋe yaʋo; asi Hana wakamupa migoʋe miʋiri; nokuti wakaŋga aciɗa Hana, asi Jehova wakaŋga azarira ciɀaro cake. Ɀino muʋeŋgi wake akamunetsa kwaɀo, kuti aɀidye mŋoyo, nokuti Jehova wakazarira ciɀaro cake. Akaita saiɀoɀo gore rimŋe nerimŋe, kana acikwira kuimba yaJehova; akamunetsa saiɀoɀo, saka wakacema, akaramba kudya. Ɀino murume wake Erikana akati kwaari: Hana, unocemeiko? Unorambireiko kudya? Mŋoyo wako uneshuŋgu nei? Ko ini handikupfuʋuriri ʋanakomana ʋanegumi here? Saka Hana wakasimuka, ʋapedza kudya paShiro, ʋuye ʋapedza kunwa. Ɀino Eri muprista wakaŋga agere pacigaro cake pamukoʋa wetembere yaJehova. Ɀino Hana wakaŋga aneshuŋgu kwaɀo, akanyeŋgetera kunaJehova, akacema kwaɀo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Samueri 1

1 Samueri 1:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)