1 Samueri 1:1-10
1 Samueri 1:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino kwakanga kuno mumwe murume weRamataimu, muZufi, wenyika yamakomo yaEfuremu, ainzi Erikana, mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waErihu, mwanakomana waTohu, mwanakomana waZufi muEfuremu. Aiva navakadzi vaviri; mumwe ainzi Hana mumwe achinzi Penina. Penina akanga ana vana asi Hana akanga asina. Gore negore murume uyu aibuda achibva muguta rake kuti andonamata nokubayira zvibayiro kuna Jehovha Wamasimba Ose paShiro, Hofini naFinehasi, vanakomana vaEri, vari vaprista vaJehovha. Nguva dzose zuva rokuti Erikana abayire chibayiro raiti kana rasvika, aipa migove yenyama kumukadzi wake Penina nokuvanakomana vake navanasikana vake vose. Asi aipa Hana mugove wakapetwa kaviri nokuti aimuda, uye Jehovha akanga azarira chibereko chake. Zvino nokuti Jehovha akanga azarira chibereko chake, muvengi wake Penina akaramba achingomudenha kuti amutsamwise. Izvi zvakaitika gore negore. Nguva dzose Hana paaienda kuimba yaJehovha, muvengi wake aimudenha kusvikira achema obva atadza kudya. Murume wake Erikana aibva ati kwaari, “Hana, uri kuchemei? Sei usingadyi? Wakasuwa neiko? Handikoshi here kwauri kudarika vanakomana gumi?” Vakati vachangopedza kudya nokunwa muShiro, Hana akasimuka. Zvino Eri muprista akanga akagara pachigaro pamukova wetemberi yaJehovha. Nokurwadziwa kwomwoyo, Hana akachema zvikuru akanamata kuna Jehovha.
1 Samueri 1:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kwakanga kuno mumwe murume weRamataimisofimi, wenyika yamakomo yaEfuremu, wainzi Erikana, mwanakomana weJehoramu, mwanakomana waErihu, mwanakomana waTohu, mwanakomana waZufi muEfurata. Iye wakanga ana vakadzi vaviri, zita romumwe rainzi Hana, uye zita romumwe rainzi Penina; Penina wakanga ana vana, asi Hana wakanga asina vana. Zvino murume uyu waisikwira gore rimwe nerimwe achibva kuguta rake kundonamata nokubayira Jehovha wehondo paShiro. Vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakanga varipo vari vapristi vaJehovha Zvino zuva rokubayira kwake rakati rasvika, Erikana akapa mukadzi wake Penina, navanakomana vake vose navanasikana vake migove yavo; asi Hana wakamupa migove miviri; nokuti wakanga achida Hana, asi Jehovha wakanga azarira chizvaro chake. Zvino muvengi wake Penina akamunetsa kwazvo, kuti azvidye mwoyo, nokuti Jehovha wakazarira chizvaro chake. Akaita saizvozvo gore rimwe nerimwe, kana achikwira kuimba yaJehovha; akamunetsa saizvozvo, saka wakachema, akaramba kudya. Zvino murume wake Erikana akati kwaari, “Hana, unochemeiko? Unorambireiko kudya? Mwoyo wako une shungu nei? Ko ini handikupfuuriri vanakomana vane gumi here?” Saka Hana wakasimuka, vapedza kudya paShiro, uye vapedza kunwa. Zvino Eri mupristi wakanga agere pachigaro chake pamukova wetemberi yaJehovha. Zvino Hana wakanga ane shungu kwazvo, akanyengetera kuna Jehovha, akachema kwazvo.
1 Samueri 1:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Muguta reRamataimuzofimu, munyika yamakomo yokwaEfuremu maiva nomumwe murume ainzi Erikana mwana waJeroharamu. Jeroharamu akaberekwa naErihu, Erihu akaberekwawo naTohu mwanakomana waZufu wedzinza rokwaEfuremu. Erikana aiva navakadzi vaviri, wokutanga ainzi Hana wechipiri achinzi Penina. Penina aiva navana asi Hana akanga asina vana. Murume iyeyu aipota achienda kuShiro kundonamata nokundopira zvibayiro kuna Tenzi Samasimbaose gore negore achibva kuguta rokwake. Vanakomana vaEri vana Hofuni naFinehasi ndovaiva vapristi vaTenzi ikoko. Zuva raipira Erikana chibayiro aipa migove kune mukadzi wake Penina navana vake vose vakomana navasikana. Kunyange zvazvo Erikana aida Hana aizongomupawo mugove mumwechete bedzi nokuti Tenzi akanga asina kumupa mbereko. Uyewo mukadzin'ina wake aimudadira kwazvo kumusvotesa nokuti Tenzi akanga asina kumupa mbereko. Zvaingoramba zvichingodaro nguva nenguva gore negore paingoenda chete Hana kumba yaTenzi aingodadirwa naPenina. Naizvozvo Hana akazochema akaramwa zvokudya. Murume wake Erikana akamuti, “Nhai Hana, unochemeiko? Uri kurambirei chokudya? Washaiswa neiko rufaro mumwoyo? Kwauri handiti ndinotokunda gumi ravana vakomana?” Kuzoti apedza kudya nokunwa ari kuShiro ikoko, Hana akasimuka zvake, izvozvo mupristi Eri akanga agere pachigaro pedyo nebango rapamusuo weTemberi yaTenzi. Hana akanga achitoshungurudzwa kwazvo mumwoyo achinamata kuna Tenzi achichema zvinosiririsa.
1 Samueri 1:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kwakaŋga kunomumŋe murume weRamataimi‐zofimi, wenyika yamakomo yaEfraimi, wainzi Erikana, mŋanakomana waJehorami, mŋanakomana waErihu, mŋanakomana waTohu, mŋanakomana waZufi, muEfrata. Iye wakaŋga anaʋakadzi ʋaʋiri, zita romumŋe rainzi Hana, ʋuye zita romumŋe rainzi Penina; Penina wakaŋga anaʋana, asi Hana wakaŋga asinaʋana. Ɀino murume uyu waisikwira gore rimŋe nerimŋe acibva kuguta rake kundonamata nokuɓayira Jehova wehondo paShiro. Ʋanakomana ʋaʋiri ʋaEri, Hofni naPinehasi, ʋakaŋga ʋari’po ʋari ʋaprista ʋaJehova. Ɀino zuʋa rokuɓayira kwake rakati riciȿika, Erikana akapa mukadzi wake Penina, naʋanakomana ʋake ʋose naʋanasikana ʋake migoʋe yaʋo; asi Hana wakamupa migoʋe miʋiri; nokuti wakaŋga aciɗa Hana, asi Jehova wakaŋga azarira ciɀaro cake. Ɀino muʋeŋgi wake akamunetsa kwaɀo, kuti aɀidye mŋoyo, nokuti Jehova wakazarira ciɀaro cake. Akaita saiɀoɀo gore rimŋe nerimŋe, kana acikwira kuimba yaJehova; akamunetsa saiɀoɀo, saka wakacema, akaramba kudya. Ɀino murume wake Erikana akati kwaari: Hana, unocemeiko? Unorambireiko kudya? Mŋoyo wako uneshuŋgu nei? Ko ini handikupfuʋuriri ʋanakomana ʋanegumi here? Saka Hana wakasimuka, ʋapedza kudya paShiro, ʋuye ʋapedza kunwa. Ɀino Eri muprista wakaŋga agere pacigaro cake pamukoʋa wetembere yaJehova. Ɀino Hana wakaŋga aneshuŋgu kwaɀo, akanyeŋgetera kunaJehova, akacema kwaɀo.
1 Samueri 1:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)