1 Petro 4:12-13
1 Petro 4:12-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vadikani, musashamiswa nokurwadza kwokutambudzika nemiedzo, sokunge chinhu chisingazivikanwi chaitika kwamuri. Asi farai kuti munogovana naKristu mumatambudziko, kuitira kuti mufare kwazvo pakuonekwa kwokubwinya kwake.
1 Petro 4:12-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vadikanwi, musashamiswa nokunyanyisa kwokuedzwa pakati penyu, kwakauya kukuedzai, muchiti mawirwa nechisingazikanwi; asi farai zvamunogovana naKristu mukutambudzika kwake, kuti pakuonekwa kwokubwinya kwake mufarewo nomufaro mukuru.
1 Petro 4:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vadikanwi musashamisike nenhamo inopfuta moto inokuwirai kuti ikuedzei; zvinoita sokunge chimwe chinhu chinoshamisa chiri kuitika kwamuri. Asi itofarai nokutambudzika kwenyu pamwechete naKristu kuitira kuti muzofarawo nokupembera kufara pacharatidzwa pachena mbiri yake.
1 Petro 4:12-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋaɗikanwa, musashamiswa nokunyanyisa kwokuidzwa pakati penyu, kwakaʋuya kukuidzai, muciti mawirwa necisiŋgazikanwi; asi farai ɀamunogoʋana naKristu pakutambudzika kwake, kuti pakuʋonekwa kwokubginya kwake mufare ʋo nomufaro mukuru.
1 Petro 4:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)