1 Petro 3:8-9
1 Petro 3:8-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pakupedzisira, imi mose, mugare norugare mumwe nomumwe wenyu; munzwirane ngoni, mudanane sehama, munzwirane tsitsi uye muzvininipise. Regai kudzorera chakaipa nechakaipa kana kutuka nokutuka, asi namaropafadzo, nokuti ndizvo zvamakadanirwa izvozvo kuitira kuti mugare nhaka yokuropafadzwa.
1 Petro 3:8-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pakupedzisira, muve nomwoyo mumwe mose, munzwirane ngoni, mude hama, muve nomwoyo munyoro, muzvininipise; musingatsivi zvakaipa nezvakaipa, kana kutuka nokutuka; asi muropafadze, nokuti ndizvo zvamakadanirwa, kuti mugare nhaka yokuropafadzwa.
1 Petro 3:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pokupedzisira, mose zvenyu ivai nomwoyo mumwechete muchinzwirana urombo muchidanana sehama nehama nokuva nomwoyo munyoro nomwoyo wokuzvirereka. Musadzorere chakaipa nechakaipa kana kurengerera nokurengerera asi chenyu imi itotii ngavakomborerwe nokuti ndizvo zvamakadaidzirwa kuti muwane chikomborero.
1 Petro 3:8-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pakupedzisira, muʋe nomŋoyo mumŋe mose, munzwirane ŋgoni, muɗe hama, muʋe nomŋoyo munyoro, muɀininipise; musiŋgatsiʋi ɀakaipa neɀakaipa, kana kutuka nokutuka; asi muropafadze, nokuti ndiɀo ɀamakaɗanirwa, kuti mugare nhaka yokuropafadzwa.
1 Petro 3:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)