1 Petro 3:3-4
1 Petro 3:3-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Runako rwenyu ngarurege kubva pakushonga kwokunze, kwakadai sebvudzi rakarukwa uye nokushonga zvishongo zvegoridhe nenguo dzakaisvonaka. Asi, runofanira kuva rwomunhu womukati, iko kunaka kusingaori kwounyoro nekwomweya wakapfava, kunova ndiko kunokosha pamberi paMwari.
1 Petro 3:3-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwokunze, kwokuruka vhudzi, nokushonga ndarama, kana kupfeka nguo; asi ngakuve munhu akavanzikawo mwoyo, akashonga zvisingaori zvomweya munyoro wakanyarara, unokosha, zvikuru pamberi paMwari.
1 Petro 3:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuzvishongedza kwenyu ngakurege kuva kokunze zvakaita sokugadzira vhudzi nokuzvishongedza nendarama nokupfeka hanzu dzamandiriri. Runako rwenyu ngaruve rwohunhu hwakavandika rwomumwoyo nechishongo chisingaparari chomweya wakapfava worunyararo wakakosha kwazvo pana Mwari.
1 Petro 3:3-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
kushoŋga kwenyu ŋgakurege kuʋa kwokunze, kwokuruka vudzi, nokushoŋga ndarama, kana kupfeka ŋguʋo; asi ŋgakuʋe munhu wakaʋanzika womŋoyo, wakashoŋga ɀisiŋgaʋori ɀomŋeya munyoro wakanyarara, unokosha, ɀikuru pamberi paMŋari.
1 Petro 3:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)