1 Petro 2:19-20 - Compare All Versions
1 Petro 2:19-20 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti zvinorumbidzwa kana munhu achitsungirira ari pasi pokurwadziwa nokutambudzika kusakafanira nokuti anoziva kuti Mwari ariko. Asi mungarumbidzwa sei kana muchirohwa nokuda kwokuita zvakaipa uye muchitsunga mazviri? Asi kana muchitambudzika nokuda kwokuti munoita zvakanaka uye muchitsunga mazviri, izvozvo zvinorumbidzwa pamberi paMwari.
1 Petro 2:19-20 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndidzo nyasha kana munhu achitsungirira mukutambudzika nokuda kwehana kuna Mwari, achitamubudzika asina mhosva. Nokuti kune rumbidzo yeiko, kana muchitsungirira matadza, mukarohwa? Asi kana mukatsungirira kana muchiita zvakanaka mukatambudzika, izvozvo inyasha kuna Mwari.
1 Petro 2:19-20 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
nokuti chikomborero kuti munhu anotirira zvake nhamo, iye achitambudzika zvisina ruenzaniso, pari pamusana pokuti anoziva kuti kuna Mwari. Unowana mubayiro wei kana ukatirira iwe waroverwa kuita zvakaipa? Asi kana ukaita zvakanaka iwe ugotambudzika nokuda kwazvo iwe ukatirira zvako, chikomborero ichocho pana Mwari.
1 Petro 2:19-20 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Nokuti ndidzo nyasha kana munhu acitsuŋgirira pakutambudzika nokuɗa kwehana kunaMŋari, acitambudzika asinemhoȿa. Nokuti kunerumbidzo yeiko, kana mucitsuŋgirira matadza, mukarobga? Asi kana mukatsuŋgirira kana muciita ɀakanaka mukatambudzika, iɀoɀo inyasha kunaMŋari.
1 Petro 2:19-20 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)