1 Petro 2:11-12
1 Petro 2:11-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vadikani, ndinokukurudzirai, savatorwa navaeni munyika, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama, kunorwa nomweya wenyu. Mugare upenyu hwakanaka pakati pavahedheni kuti, kunyange vachikupomerai mhosva, vaone mabasa enyu akanaka vagokudza Mwari pazuva raanotishanyira.
1 Petro 2:11-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vadikanwi, ndinokumbira zvikuru kwamuri, zvamuri vatorwa navaeni, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama kunorwa nomweya; mufambiro wenyu uve wakanaka pakati pavahedheni; kuti pavanokupomerai vachiti munoita zvakaipa, varumbidze Mwari nezuva rokushanyira kana vachiona mabasa enyu akanaka.
1 Petro 2:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vadikanwi ndinokukurudzirai savauyi navatorwa kuti musiyane nehavi dzomuviri dzinorwisana nemweya wenyu. Ivai nomugariro wakanaka mukati mevechirudzi kuti kana vakakurevai savanhu vanoita zvakaipa vazoona mabasa enyu akanaka vagorumbidza Mwari paanokushanyirai.
1 Petro 2:11-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋaɗikanwa, ndinokumbira ɀikuru kwamuri, ɀamuri ʋatorwa naʋaeni, kuti muɀidzore pakuciʋa kwenyama kunorwa nomŋeya; mufambire wenyu uʋe wakanaka pakati paʋahedeni; kuti paʋanokupomerai ʋaciti munoita ɀakaipa, ʋarumbidze Mŋari nezuʋa rokushanyira, kana ʋaciʋona maɓasa enyu akanaka.
1 Petro 2:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)