Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Petro 1:6-25

1 Petro 1:6-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mune izvi munofara zvikuru kunyange zvino, kana zvichifanira, muchitambudzika kwechinguva chiduku nenzira dzose dzemiedzo. Izvi zvakauya kuitira kuti kutenda kwenyu, kunokosha kupfuura goridhe, rinoparara kunyange zvaro rakanatswa nomoto, kuwanikwe kwakakwana uye kuve kunorumbidzwa, kunobwinya uye kunokudzwa pakuratidzwa kwaJesu Kristu. Kunyange musina kumuona, munomuda; kunyange zvazvo musingamuoni zvino, munotenda kwaari uye muzere nomufaro usingagoni kurondedzerwa, nokuti muri kugamuchira chinovavarirwa nokutenda kwenyu, irwo ruponeso rwemweya yenyu. Nezvoruponeso urwu, vaprofita vakataura nezvenyasha dzaizouya kwamuri, vakanzvera zvikuru uye vakabvunza zvikuru, vachiedza kunzvera kuti vaone nguva nezvinhu zvairatidzwa noMweya wakanga uri mukati mavo pawakaprofita nezvokutambudzika kwaKristu, uye nezvokubwinya kwaizotevera. Zvakaratidzwa kwavari kuti vakanga vasingazvishumiri ivo, asi imi, pavakataura nezvezvinhu zvakataurwa kwamuri zvino naavo vakaparidza vhangeri kwamuri noMweya Mutsvene wakatumwa uchibva kudenga. Kunyange vatumwa vanoshuva kuona zvinhu izvozvi. Naizvozvo, pfungwa dzenyu ngadzigadzirire kushanda, muzvidzore; muise, zvizere, tariro yenyu panyasha dzamuchapiwa pakuonekwa kwaJesu Kristu. Savana vanoteerera, musaenzaniswa nezvido zvakaipa zvamaiva nazvo pamairarama mukusaziva. Asi saiye akakudanai mutsvene, ivai vatsvene pane zvose zvamunoita; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.” Sezvo muchidana kuna Baba vanotonga basa romunhu mumwe nomumwe vasingatsauri, mugare upenyu hwenyu pano savatorwa muchitya. Nokuti munoziva kuti hamuna kudzikinurwa nezvinhu zvinoora, zvakadai sesirivha kana goridhe, kubva paupenyu hwenyu husina maturo, hwamakagamuchira kubva kumadzitateguru enyu, asi neropa rinokosha raKristu, iro gwayana risina charingapomerwa uye risina kuremara. Akasanangurwa kare nyika isati yavapo, asi akaratidzwa kwamuri mumazuva ano okupedzisira nokuda kwenyu. Kubudikidza naye munotenda kuna Mwari, akamumutsa kubva kuvakafa uye akamukudza, kuti kutenda kwenyu netariro yenyu zvive muna Mwari. Zvino zvamakanatsa mwoyo yenyu nokuteerera chokwadi kuitira kuti mude hama muzvokwadi, munofanira kudanana zvikuru, zvichibva pamwoyo. Nokuti makaberekwa patsva, kwete nembeu inoora, asi isingaori, neshoko raMwari benyu uye rinogara nokusingaperi. Nokuti, “Vanhu vose vakaita souswa, uye kuyevedza kwavo kwakaita samaruva ouswa; uswa hunosvava uye maruva anowira pasi, asi shoko raShe rinogara nokusingaperi.” Uye iri ndiro shoko ramakaparidzirwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Petro 1

1 Petro 1:6-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Iyo yamunofarira zvikuru, kunyange zvino, kana zvichifanira, muchichemedzwa nguva duku nemiedzo mizhinji; kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunokosha zvikuru kupfuura ndarama inopera hayo, kunyange inoedzwa nomoto, kuwanikwe kuchibereka kurumbidzwa, nokubwinya, nokukudzwa pakuonekwa kwaJesu Kristu; iye wamunoda, kunyange musina kumuona; iye wamunotenda kwaari, kunyange musingamuoni zvino, muchifara zvikuru nomufaro usingagoni kutaurwa, uzere nokubwinya, muchipiwa chinovavarirwa nokutenda kwenyu, ndirwo ruponeso rwemweya yenyu. Ruponeso urwu rwakabvunzisiswa nokunzverwa kwazvo navaporofita, vakaporofita zvenyasha dzamaizoitirwa imi, vachinzvera kuti nguva ndeipi, kana yakadini, yakataurwa noMweya waKristu, wakanga uri mukati mavo, nguva yaakapupura kare zvokutambudzika kwaKristu, nokubwinya kunozotevera izvozvo. Avo, vakaratidzwa kuti vakanga vasingazvibatiri ivo, asi imi, pazvinhu izvo zvamakataurirwa zvino naivo vakakuparidzirai Vhangeri noMweya Mutsvene akatumwa achibva kudenga; zvinhu izvo vatumwa vanoda kuzvichirekedza. Saka zvisungei zviuno zvendangariro dzenyu, musvinure, mutarire nomwoyo wose kunyasha dzamuchazopiwa pakuonekwa kwaJesu Kristu; muve savana vanoteerera, musingaenzanisi mufambiro wenyu nokuchiva kwakare pakusaziva kwenyu; asi saiye mutsvene akakudanai, nemiwo mumene muve vatsvene pamufambiro wenyu wose; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.” Zvino kana muchimuti Baba, iye anotonga achitarira zvakaitwa nomumwe asingatariri zvinoonekwa zvomunhu, garai panguva youtorwa hwenyu muchitya; muchiziva kuti hamuna kudzikinurwa nezvinoora, sesirivha kana ndarama, pamufambiro wenyu usina maturo, wamakasiyirwa namadzibaba enyu; asi neropa raKristu, seregwayana risina charingapomerwa, risina ruvara; iye wakazikanwa kare, nyika isati yavambwa, asi akaratidzwa pakuguma kwenguva nokuda kwenyu, imi, munotenda naye kuna Mwari, wakamumutsa kuvakafa, akamupa kubwinya; kuti kutenda kwenyu netariro yenyu zvive kuna Mwari. Zvamakanatsa mweya yenyu muchiteerera chokwadi, kuti mude hama nokusanyengera, munofanira kudana zvikuru nomwoyo wose; nokuti makaberekwa kutsva, zvisingabvi pambeu inoora, asi pane isingaori, neshoko raMwari benyu rinogara nokusingaperi. Nokuti, “Nyama yose yakaita souswa, Nokunaka kwose seruva rouswa. Uswa hunosvava, neruva rinowira pasi; Asi shoko raIshe rinogara nokusingaperi.” Ndirori shoko romufaro ramakaparidzirwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Petro 1

1 Petro 1:6-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Munofanira kufara kwazvo munezvizvi, kunyange zvazvo iye zvino, kwekanguva kaduku, munogona kupindana nezviedzo zvakasiyana–siyana. Izvi kuti chitendero chenyu chechokwadi, chinokosha kupfuura ndarama inoedzwa nomoto, kunyange iri chinhu chinopera, kurumbidzwe zvikuru uye kuve nembiri norukudzo pachazooneswa Jesu Kristu. Kunyange musina kumuona munomuda. Kunyange musingamuoni iye zvino, munotenda maari muchifara norufaro rusingatauriki rukuru kwazvo. Somubayiro wechitendero chenyu, munowana ruponeso rwemweya yenyu. Vaporofita vakaporofita nezvenyasha dzaizova dzenyu, vakatsvagisisa vakafeya–feya nezvoruponeso irworwu. Vakatsvagisisa nozvomunhu iyeyo uye nezvenguva yakaratidzwa naMweya waKristu mavari pavaifanotaura nezvedambudziko raKristu nembiri yaizotevera. Zvakaratidzwa kwavari kuti vakanga vasingazvishandiri asi vaishandira imi muzvinhu zvamakataurirwa navaiparidza kwamuri Shoko Rakanaka nokuna Mweya Mutsvene akatumwa kubva kudenga. Vatumwa vaitosuwira kuona zvinhu izvozvo. Mupfungwa dzenyu, sungai dzisimbe. Zvibatei; isai chivimbo chenyu chizere panyasha dzichauya kwamuri pacharatidzwa Jesu Kristu. Savana vanoteerera musatevedzere mapangiro enyu amaiva nawo pamakanga musina ruzivo. Pamusana pokuti anokudaidzai mutsvene, imiwo ivaiwo vatsvene muzviito zvenyu zvose. Sezvazvakanyorwa zvichinzi, “Ivai vatsvene nokuti ini ndiri mutsvene.” Mukamudana saBaba, iye anotonga munhu wose pasina rusaruro maererano nezviito zvake, ivai nokumuremekedza kukuru pakugara kwenyu panguva yenyu youtorwa. Imi munoziva kuti makadzikinurwa kunzira dzisina maturo dzamakawana kumadzibaba enyu, kwete nezvinhu zvinoparara sesirivha kana ndarama asi neropa rinokosha raKristu serehwayana isina chinoshoreka kana kavara. Akasarudzwa pasi pasati pavapo, akazoratidzwa pokupedzisira kwenguva kuri kuitira imi. Nokuna iye, munechivimbo muna Mwari akamumutsa kuvafi akamupa mbiri kuti chitendero chenyu nechitarisiro zvive muna Mwari. Zvino zvamakachenesa mweya yenyu nokuteerera kwenyu chokwadi kuti muve norudo rwechokwadi kune vehama; idanai zvechokwadi nemwoyo wose. Makazvarwa patsva kwete nembeu dzinofa asi dzisingafi nokuShoko benyu raMwari risingafi rinogara nokusingaperi nokuti, “Vanhu vose uswa mbiri yavo yakaita samaruva omusango uswa hunouna,” ruva rinodonha asi Shoko raTenzi rinogara nokusingaperi. Shoko iroro ndiro Shoko Rakanaka rakaparidzwa kwamuri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Petro 1

1 Petro 1:6-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Iyo yamunofarira ɀikuru, kunyaŋge ɀino, kana ɀicifanira, mucicemedzwa ŋguʋa ɗuku nemiidzo mizhinji; kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunokosha ɀikuru kupfuʋura ndarama inopera hayo, kunyaŋge inoidzwa nomŋoto, kuwanikwe kuciɓereka kurumbidzwa, nokubginya, nokukudzwa pakuʋonekwa kwaJesu Kristu; iye wamunoɗa, kunyaŋge musina‐kumuʋona; iye wamunotenda kwaari, kunyaŋge musiŋgamuʋoni ɀino, mucifara ɀikuru nomufaro usiŋgagoni kutaurwa, uzere nokubginya; mucipiwa cinoʋaʋarirwa nokutenda kwenyu, ndirwo ruponeso rwemŋeya yenyu. Ruponeso urwu rwakabvunzisiswa nokunɀerwa kwaɀo naʋaprofita, ʋakaprofita ɀenyasha dzamaizoitirwa imi, ʋacinɀera kuti ŋguʋa ndeipi, kana yakaɗini, yakataurwa noMŋeya waKristu, wakaŋga uri mukati maʋo, ŋguʋa yaakapupura kare ɀokutambudzika kwaKristu, nokubginya kunozoteʋera iɀoɀo. Aʋo, ʋakaratidzwa kuti ʋakaŋga ʋasiŋgaɀiɓatiri iʋo, asi imi, paɀinhu iɀo ɀamakataurirwa ɀino naiʋo ʋakakuparidzirai Evaŋgeri noMŋeya Mutȿene wakatumŋa acibva kuɗeŋga; ɀinhu iɀo ʋatumŋa ʋanoɗa kuɀicerekedza. Saka ɀisuŋgei ɀiʋuno ɀendaŋgariro dzenyu, muȿinure, mutarire nomŋoyo wose kunyasha dzamucazopiwa pakuʋonekwa kwaJesu Kristu; muʋe saʋana ʋanoterera, musiŋgaenzanisi mufambire wenyu nokuciʋa kwakare pakusaziʋa kwenyu; asi saiye mutȿene wakakuɗanai, nemi ʋo mumene muʋe ʋatȿene pamufambire wenyu wose; nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Iʋai ʋatȿene, nokuti ini ndiri mutȿene. Ɀino kana mucimuidza Ƃaɓa, iye unotoŋga acitarira ɀakaitwa nomumŋe nomumŋe asiŋgatariri ɀinoʋonekwa ɀomunhu, garai paŋguʋa yoʋutorwa bgenyu mucitya; muciziʋa kuti hamuna‐kudzikinurwa neɀinoʋora, nesirveri kana ndarama, pamufambire wenyu usinamaturo, wamakasiyirwa namadziɓaɓa enyu; asi neropa raKristu, seregwaiana risina‐cariŋgapomerwa, risinoruʋara; iye wakazikanwa kare, nyika isati yaʋambga, asi wakaratidzwa pakuguma kweŋguʋa nokuɗa kwenyu, imi, munotenda naye kunaMŋari, wakamumutsa kuʋakafa, akamupa kubginya; kuti kutenda kwenyu netariro yenyu ɀiʋe kunaMŋari. Ɀamakanatsa mŋeya yenyu muciterera ɀokwaɗi, kuti muɗe hama nokusanyeŋgera, munofanira kuɗana ɀikuru nomŋoyo wose; nokuti makaɓerekwa kutȿa, ɀisiŋgabvi pambeu inoʋora, asi paneisiŋgaʋori, neshoko raMŋari ɓenyu rinogara nokusiŋgaperi. Nokuti, Nyama yose yakaita soʋuswa, Nokunaka kwose seruʋa roʋuswa. Ʋuswa bgunoȿaʋa, neruʋa rinowira pasi; Asi shoko raShe rinogara nokusiŋgaperi. Ndireri shoko romufaro ramakaparidzirwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Petro 1

1 Petro 1:6-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)