1 Petro 1:3-8
1 Petro 1:3-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, ngaarumbidzwe! Nengoni dzake huru, akatibereka patsva akatipinza mutariro mhenyu nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa, akatiisa munhaka isingagoni kuparara, isingaori kana kusvava, yamakachengeterwa kudenga, imi munodzivirirwa nesimba raMwari nokutenda kusvikira ruponeso rwauya rwakagadzirirwa kuti ruratidzwe munguva dzokupedzisira. Mune izvi munofara zvikuru kunyange zvino, kana zvichifanira, muchitambudzika kwechinguva chiduku nenzira dzose dzemiedzo. Izvi zvakauya kuitira kuti kutenda kwenyu, kunokosha kupfuura goridhe, rinoparara kunyange zvaro rakanatswa nomoto, kuwanikwe kwakakwana uye kuve kunorumbidzwa, kunobwinya uye kunokudzwa pakuratidzwa kwaJesu Kristu. Kunyange musina kumuona, munomuda; kunyange zvazvo musingamuoni zvino, munotenda kwaari uye muzere nomufaro usingagoni kurondedzerwa
1 Petro 1:3-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwari, Baba vaIshe wedu, Jesu Kristu, ngaatendwe, akatiberekazve nengoni dzake huru, kuti tive netariro mhenyu, inouya nokumuka kwaJesu Kristu kuvakafa, kuti tive nenhaka isingaori, isina mhosva, isingasvavi, yamakachengetererwa kudenga, imi munorindwa nesimba raMwari nokutenda, kuti mupiwe ruponeso, rwakagara rwagadzirwa, kuti ruratidzwe nenguva yokupedzisira. Iyo yamunofarira zvikuru, kunyange zvino, kana zvichifanira, muchichemedzwa nguva duku nemiedzo mizhinji; kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunokosha zvikuru kupfuura ndarama inopera hayo, kunyange inoedzwa nomoto, kuwanikwe kuchibereka kurumbidzwa, nokubwinya, nokukudzwa pakuonekwa kwaJesu Kristu; iye wamunoda, kunyange musina kumuona; iye wamunotenda kwaari, kunyange musingamuoni zvino, muchifara zvikuru nomufaro usingagoni kutaurwa, uzere nokubwinya
1 Petro 1:3-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ngaarumbidzwe Mwari naBaba waTenzi wedu Jesu Kristu! Nokuda kwengoni dzake dzakawanda takaberekwa patsva kuchitarisiro chezvirokwazvo pamusana pokumuka kwakaita Jesu Kristu kuvakafa. Uye kuti tive nenhaka isingaperi isina kuipiswa, isingabhuruvari yamakachengeterwa kudenga, imi makachengetedzwa nesimba raMwari uye nokuda kwechitendero kusvikira ruponeso rwakagadzirirwa kuburitswa pachena panguva yokupedzesera. Munofanira kufara kwazvo munezvizvi, kunyange zvazvo iye zvino, kwekanguva kaduku, munogona kupindana nezviedzo zvakasiyana–siyana. Izvi kuti chitendero chenyu chechokwadi, chinokosha kupfuura ndarama inoedzwa nomoto, kunyange iri chinhu chinopera, kurumbidzwe zvikuru uye kuve nembiri norukudzo pachazooneswa Jesu Kristu. Kunyange musina kumuona munomuda. Kunyange musingamuoni iye zvino, munotenda maari muchifara norufaro rusingatauriki rukuru kwazvo.
1 Petro 1:3-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋari, Ƃaɓa ʋaShe weɗu, Jesu Kristu, ŋgaatendwe, wakatiɓereka ɀe neŋgoni dzake huru, kuti tiʋe netariro mhenyu, inoʋuya nokumuka kwaJesu Kristu kuʋakafa, kuti tiʋe nenhaka isiŋgaʋori, isinemhoȿa, isiŋgaȿaʋi, yamakaceŋgetererwa kuɗeŋga, imi munorindwa nesimba raMŋari nokutenda, kuti mupiwe ruponeso, rwakagara rwakagadzirwa, kuti ruratidzwe neŋguʋa yokupedzisira. Iyo yamunofarira ɀikuru, kunyaŋge ɀino, kana ɀicifanira, mucicemedzwa ŋguʋa ɗuku nemiidzo mizhinji; kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunokosha ɀikuru kupfuʋura ndarama inopera hayo, kunyaŋge inoidzwa nomŋoto, kuwanikwe kuciɓereka kurumbidzwa, nokubginya, nokukudzwa pakuʋonekwa kwaJesu Kristu; iye wamunoɗa, kunyaŋge musina‐kumuʋona; iye wamunotenda kwaari, kunyaŋge musiŋgamuʋoni ɀino, mucifara ɀikuru nomufaro usiŋgagoni kutaurwa, uzere nokubginya
1 Petro 1:3-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)