1 Petro 1:3-6
1 Petro 1:3-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, ngaarumbidzwe! Nengoni dzake huru, akatibereka patsva akatipinza mutariro mhenyu nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa, akatiisa munhaka isingagoni kuparara, isingaori kana kusvava, yamakachengeterwa kudenga, imi munodzivirirwa nesimba raMwari nokutenda kusvikira ruponeso rwauya rwakagadzirirwa kuti ruratidzwe munguva dzokupedzisira. Mune izvi munofara zvikuru kunyange zvino, kana zvichifanira, muchitambudzika kwechinguva chiduku nenzira dzose dzemiedzo.
1 Petro 1:3-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwari, Baba vaIshe wedu, Jesu Kristu, ngaatendwe, akatiberekazve nengoni dzake huru, kuti tive netariro mhenyu, inouya nokumuka kwaJesu Kristu kuvakafa, kuti tive nenhaka isingaori, isina mhosva, isingasvavi, yamakachengetererwa kudenga, imi munorindwa nesimba raMwari nokutenda, kuti mupiwe ruponeso, rwakagara rwagadzirwa, kuti ruratidzwe nenguva yokupedzisira. Iyo yamunofarira zvikuru, kunyange zvino, kana zvichifanira, muchichemedzwa nguva duku nemiedzo mizhinji
1 Petro 1:3-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ngaarumbidzwe Mwari naBaba waTenzi wedu Jesu Kristu! Nokuda kwengoni dzake dzakawanda takaberekwa patsva kuchitarisiro chezvirokwazvo pamusana pokumuka kwakaita Jesu Kristu kuvakafa. Uye kuti tive nenhaka isingaperi isina kuipiswa, isingabhuruvari yamakachengeterwa kudenga, imi makachengetedzwa nesimba raMwari uye nokuda kwechitendero kusvikira ruponeso rwakagadzirirwa kuburitswa pachena panguva yokupedzesera. Munofanira kufara kwazvo munezvizvi, kunyange zvazvo iye zvino, kwekanguva kaduku, munogona kupindana nezviedzo zvakasiyana–siyana.
1 Petro 1:3-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋari, Ƃaɓa ʋaShe weɗu, Jesu Kristu, ŋgaatendwe, wakatiɓereka ɀe neŋgoni dzake huru, kuti tiʋe netariro mhenyu, inoʋuya nokumuka kwaJesu Kristu kuʋakafa, kuti tiʋe nenhaka isiŋgaʋori, isinemhoȿa, isiŋgaȿaʋi, yamakaceŋgetererwa kuɗeŋga, imi munorindwa nesimba raMŋari nokutenda, kuti mupiwe ruponeso, rwakagara rwakagadzirwa, kuti ruratidzwe neŋguʋa yokupedzisira. Iyo yamunofarira ɀikuru, kunyaŋge ɀino, kana ɀicifanira, mucicemedzwa ŋguʋa ɗuku nemiidzo mizhinji
1 Petro 1:3-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)