Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 9:6-21 - Compare All Versions

1 Madzimambo 9:6-21 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

“Asi kana mukarega kunditevera, imi kana vana venyu, uye mukarega kuchengeta mirayiro yangu nemitemo yangu yandakaisa pamberi penyu, asi mukaenda kundoshumira vamwe vamwari uye mukavanamata, ipapo ndichaparadza Israeri panyika yandakavapa ndigofuratira temberi iyi yandaita tsvene nokuda kweZita rangu. Ipapo Israeri ichazova chirevo nechiseko pakati pamarudzi ose avanhu. Kunyange zvazvo temberi iyi ichishamisa kwazvo iye zvino, avo vachazopfuura napairi vachazoshamiswa vagoshora vachiti, ‘Jehovha aitirei chinhu chakadai kunyika iyi nokutemberi iyi?’ Vanhu vachapindura vachiti, ‘Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wavo akabudisa madzibaba avo muIjipiti, uye vakanamatira vamwe vamwari, vachivanamata nokuvashandira, ndokusaka Jehovha akauyisa dambudziko guru rakadai pavari.’ ” Makore makumi maviri akati apera, panguva yakavakwa dzimba idzi mbiri naSoromoni, temberi yaJehovha nomuzinda wamambo, Mambo Soromoni akapa Hiramu mambo weTire maguta makumi maviri muGarirea, nokuti Hiramu akanga amupa misidhari, misipuresi negoridhe, zvose zvaaida. Asi Hiramu paakabva kuTire akaenda kundoona maguta aya aakanga apiwa naSoromoni, haana kufadzwa nawo. Akabvunza akati, “Maguta erudzii aya awandipa, hama yangu?” Naizvozvo akaatumidza zita rokuti Nyika yeKabhuru, rinova ndiro zita rawo nanhasi. Zvino Hiramu akanga atumira mambo matarenda zana namakumi maviri egoridhe. Heino nhoroondo yechibharo chakashandiswa naMambo Soromoni pakuvaka temberi yaJehovha, muzinda wake, Miro, rusvingo rweJerusarema neHazori, Megidho neGezeri. Faro mambo weIjipiti akanga arwisa uye akatora Gezeri. Akanga aripisa nomoto. Akauraya vaKenani vaigara mariri akaripa kumwanasikana wake, mukadzi waSoromoni sechipo pakuwanikwa kwake. Uye Soromoni akavaka Gezeri patsva. Akavaka Bheti Horoni yeZasi, Bhaarati, neTadhimori murenje, munyika imomo, pamwe chete namaguta ake ose amatura, namaguta engoro dzake namabhiza ake, zvose zvaakada kuvaka muJerusarema, muRebhanoni nomunyika yose yaaitonga. Vanhu vose vakanga vasara pavaAmori, vaHiti, vaPerizi, vaHivhi navaJebhusi (vanhu ava vakanga vasiri vaIsraeri), vana vavo vakanga vasara munyika, vasina kugona kuparadzwa zvachose navaIsraeri, ivava Soromoni akavaunganidza kuti vashande savaranda vake, sezvazviri kusvikira nhasi.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 9 BDSC

1 Madzimambo 9:6-21 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Asi kana mukatsauka pakunditevera, imi kana vana venyu, mukasachengeta mirairo yangu nezvandatema zvandakaisa pamberi penyu, asi mukandoshumira vamwe vamwari, mukanamata kwavari; ipapo ndichaparadza Isiraeri panyika yandakavapa; neimba iyi yandakatsaurira zita rangu, ndichairashira kure ndirege kuiona; vaIsiraeri vachava shumo nechiseko pakati pavanhu vose; uye imba iyi kunyange yakakwirira ikadai, vose vanopfuura nayo vachakanuka nokuridza muridzo, vachiti, ‘Jehovha wakaitireiko kudai nenyika ino uye neimba ino?’ Vachapindura, vachiti, ‘Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wavo, wakanga abudisa madzibaba avo munyika yeIjipiti, vakanamatira vamwe vamwari, vakanamata kwavari, nokuvashumira; saka Jehovha wakavapinza panjodzi idzi dzose.’ ” Makore ana makumi maviri akati apera, Soromoni aakavaka nawo dzimba idzi mbiri, iyo imba yaJehovha neimba yamambo; (zvino Hiramu mambo weTire wakanga atsvakira Soromoni misidhari; nemisipiresi, nendarama, nezvose zvaakanga achida), mambo Soromoni akapa Hiramu maguta ana makumi maviri panyika yeGarire. Hiramu akabva Tire kuzoona maguta aakanga apiwa naSoromoni, asi haana kumufadza. Akati, “Maguta kunyiko awa awandipa, hama yangu?” Akatumidza nyika yeKabhuri kusvikira zuva ranhasi. Hiramu akatumira mambo matarenda endarama ane zana namakumi maviri. Zvino ndiro shoko rechibharo chakarairwa namambo Soromoni, kuzovaka imba yaJehovha, neimba yake, neMiro, norusvingo rweJerusaremu, neHazori, neMegidho, neGezeri. Farao mambo weIjipiti wakanga andokunda Gezeri, akaripisa nomoto, akauraya vaKanani vakanga vagere muguta, akaripa mukunda wake, mukadzi waSoromoni. Soromoni akavaka Gezeri, neBhetihoroni rezasi, naBharati, neTamari, murenje munyika iyo, namaguta ose amatura aSoromoni, namaguta engoro dzake, namaguta avatasvi vamabhiza ake, nezvose Soromoni zvaaida kuzvivakira paJerusaremu, napaRebhanoni, napanyika yose yakanga yakabatwa naye. Kuvanhu vose vakanga vasara vavaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaHivhi navaJebhusi, vakanga vasi vana vaIsiraeri; navana vavo vakanga vasara panyika shure kwavo, ivo vana vaIsiraeri vakanga vasingagoni kuvaparadza chose, kuna ivavo Soromoni wakaraira chibharo chavaranda kusvikira nhasi.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 9 SNA2002

1 Madzimambo 9:6-21 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Asi kana mukatsauka pakunditeʋera, imi kana ʋana ʋenyu, mukasaceŋgeta mirairo yaŋgu neɀandatema ɀandakaisa pamberi penyu, asi mukandoshumira ʋamŋe ʋamŋari, mukanamata kwaʋari; ipapo ndicaparadza Israeri panyika yandakaʋapa; neimba iyi yandakatsaurira zita raŋgu, ndicairashira kure ndirege kuiʋona; ʋaIsraeri ʋacaʋa shumo neciseko pakati paʋanhu ʋose; ʋuye imba iyi kunyaŋge yakakwirira ikaɗai, ʋose ʋanopfuʋura nayo ʋacakanuka nokuridza muridzo, ʋaciti: Jehova wakaitireiko kuɗai nenyika ino, ʋuye neimba ino? Ʋacapindura, ʋaciti: Nokuti ʋakasiya Jehova Mŋari waʋo, wakaŋga aɓuɗisa madziɓaɓa aʋo munyika yeEgipita, ʋakanamatira ʋamŋe ʋamŋari, ʋakanamata kwaʋari, nokuʋashumira; saka Jehova wakaʋapinza panjodzi idzi dzose. Makore anamakumi maʋiri akati apera, Soromoni aakaʋaka nawo dzimba idzi mbiri, iyo imba yaJehova neimba yamambo; (ɀino Hirami mambo weTire wakaŋga atȿakira Soromoni misidari, nemisipresi, nendarama, neɀose ɀaakaŋga aciɗa), mambo Soromoni akapa Hirami maguta anamakumi maʋiri panyika yeGarire. Hirami akabva Tire kuzoʋona maguta aakaŋga apiwa naSoromoni, asi haana‐kumufadza. Akati: Maguta kunyiko awa awandipa, hama yaŋgu? Akaitumidza nyika yeKaburi kuȿikira zuʋa ranhasi. Hirami akatumira mambo matarenta endarama anezana namakumi maʋiri. Ɀino ndiro shoko recibaro cakarairwa namambo Soromoni, kuzoʋaka imba yaJehova, neimba yake, neMiro, noruȿiŋgo rweJerusarema, neHazori, neMegido, neGezeri. Farao mambo weEgipita wakaŋga andokunda Gezeri, akaripisa nomŋoto, akaʋuraya ʋaKanani ʋakaŋga ʋagere muguta, akaripa mukunda wake, mukadzi waSoromoni. Soromoni akaʋaka Gezeri, neBeti‐horoni rezasi, neBarati, neTamari, murenje munyika iyo, namaguta ose amatura aSoromoni, namaguta eŋgoro dzake, namaguta aʋataȿi ʋamabiza ake, neɀose Soromoni ɀaaiɗa kuɀiʋakira paJerusarema, napaRebanoni, napanyika yose yakaŋga yakaɓatwa naye. Kuʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋasara ʋaʋaAmori, naʋaHeti, naʋaPerezi, naʋaHivi, naʋaJebusi, ʋakaŋga ʋasi ʋana ʋaIsraeri; naʋana ʋaʋo ʋakaŋga ʋasara panyika shure kwaʋo, iʋo ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kuʋaparadza cose, kunaiʋaʋo Soromoni wakaraira cibaro caʋaranda kuȿikira nhasi.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 9 SUB1949

1 Madzimambo 9:6-21 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Asi kana mukazotsauka, zviye zvokunyatsoenda mutome zvenyu, vangave iyemi kana vana venyu morega zvenyu kuchengeta mitemo yangu nemirao yangu yandakakupai mava kundonamata vamwe vamwari muchivapfugamira, iniwo ndopandichaparadza vaIsiraeri panyika yandakavapa. Kanawo iyo imba iyoyi yandaeresera nezita rangu ndichaiparadza zvokusamboda kuzoionazve mumaziso angu. Isiraeri inozova tsumo yavanhu nechiseko chenyika mukati memarudzi ose. Kunyangewo imba iyoyi yakati dzu-u kureba, vapfuuri venzira vachanyatsoti kanha kunana vachishamiswa. Vachatozvimvunzawo vachiti, ‘Ko Tenzi chakaadariro nyika ino nemba iyi chii?’ Ivo vachati, ‘Pamusana pokuti vakafuratira Tenzi, Mwari wavo akaburitsa madzitateguru avo kuIjipiti ndokuti memete navamwe vamwari vovapfugamira vachivanamata. Ndokusaka Tenzi akavapinza munyatwa yose iyi.’ ” Mushure memakore makumi maviri okunge Soromoni avaka dzimba idzi dziri mbiri, imba yaTenzi nomuzinda wamambo, Hiramu mambo weTire awanisa Soromoni zvose zvaaida mapango omusidhari neemusaipurasi nendarama; mambo Soromoni akapa Hiramu maguta makumi maviri mudunhu reGarireya. Asi pakabva Hiramu kuTire achiuya kuzoona maguta aakanga apiwa naSoromoni haana kufadzwa nawo. Naizvozvo akati, “Nhai hama yangu maguta awandipa aya maguta erudzii? Ipapo kusvikira pari nhasi dunhu iroro rinonzi Kabhuru.” Hiramu akanga atumira mambo Soromoni ndarama inopfuura zviuru zvina zvemakirogiramu. Iyi ndiyo nhoroondo yebasa rechibharo chakaitwa namambo Soromoni kuitira kuti avake imba yaTenzi nomuzinda wake nechimudhuri chemavhu norusvingo rweJerusaremu, neHazori neMegidho neGezeru. Zvakanga zvaitika kuGezeru ndezvokuti Farao mambo weIjipiti akanga akwirako akarikurira ndokuripisa nemoto akauraya vaKanani vaigaramuguta imomo ndokuripa mukunda wake mudzimai waSoromoni sechipo chokuenda nacho kwaakaroorwa ndokusaka Soromoni akavakazve Gezeru. Akavakawo guta reBhetihoroni rezasi racho neBhaarati neTamari kurenje munyika yokwake uye maguta ake ose amatura namaguta engoro dzake dzehondo dzamabhiza namaguta avachairi vadzo uyewo nezvimwe zvose zvaaida kuvaka muJerusaremu nokuRebhanoni nomunyika yose yaaitonga. Vanhu vose vasiri vechiIsiraeri vakasara pakati pavaAmoni nevaHiti navaPerezi nevaHivhi nevaJebhusi, zvizukuru zvakazosara zvovapo munyika imomo mushure mavo vasina kukwanisa kutsakatiswa nevaIsiraeri, ivava ava ndivo vakapinzwa naSoromoni muuranda hwechibharo, ndozvavari nanhasi uno.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 9 SCLB

1 Madzimambo 9:6-21 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

1 Madzimambo 9 SCLBD