Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 9:1-28

1 Madzimambo 9:1-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino Soromoni akati apedza kuvaka temberi yaJehovha nomuzinda wamambo nezvose zvaaida kuvaka, Jehovha akazviratidza kwaari kechipiri, sezvaakazviratidza kwaari paGibheoni. Jehovha akati kwaari: “Ndanzwa munyengetero wako nechikumbiro chako chawaita pamberi pangu; temberi iyi yawavaka ndaiita tsvene, nokuisa Zita rangu mairi nokusingaperi. Meso angu nomwoyo wangu zvichavamo nguva dzose. “Zvino iwe, kana ukafamba pamberi pangu nomwoyo wakanaka nokururama, sezvakaitwa naDhavhidhi baba vako, uye ukaita zvose zvandinorayira uye ukatevera mitemo nemirayiro yangu, ndichasimbisa chigaro chako choushe pamusoro peIsraeri nokusingaperi sezvandakavimbisa Dhavhidhi baba vako pandakati, ‘Hapangashayikwi munhu anokutevera pachigaro choushe chaIsraeri.’ “Asi kana mukarega kunditevera, imi kana vana venyu, uye mukarega kuchengeta mirayiro yangu nemitemo yangu yandakaisa pamberi penyu, asi mukaenda kundoshumira vamwe vamwari uye mukavanamata, ipapo ndichaparadza Israeri panyika yandakavapa ndigofuratira temberi iyi yandaita tsvene nokuda kweZita rangu. Ipapo Israeri ichazova chirevo nechiseko pakati pamarudzi ose avanhu. Kunyange zvazvo temberi iyi ichishamisa kwazvo iye zvino, avo vachazopfuura napairi vachazoshamiswa vagoshora vachiti, ‘Jehovha aitirei chinhu chakadai kunyika iyi nokutemberi iyi?’ Vanhu vachapindura vachiti, ‘Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wavo akabudisa madzibaba avo muIjipiti, uye vakanamatira vamwe vamwari, vachivanamata nokuvashandira, ndokusaka Jehovha akauyisa dambudziko guru rakadai pavari.’ ” Makore makumi maviri akati apera, panguva yakavakwa dzimba idzi mbiri naSoromoni, temberi yaJehovha nomuzinda wamambo, Mambo Soromoni akapa Hiramu mambo weTire maguta makumi maviri muGarirea, nokuti Hiramu akanga amupa misidhari, misipuresi negoridhe, zvose zvaaida. Asi Hiramu paakabva kuTire akaenda kundoona maguta aya aakanga apiwa naSoromoni, haana kufadzwa nawo. Akabvunza akati, “Maguta erudzii aya awandipa, hama yangu?” Naizvozvo akaatumidza zita rokuti Nyika yeKabhuru, rinova ndiro zita rawo nanhasi. Zvino Hiramu akanga atumira mambo matarenda zana namakumi maviri egoridhe. Heino nhoroondo yechibharo chakashandiswa naMambo Soromoni pakuvaka temberi yaJehovha, muzinda wake, Miro, rusvingo rweJerusarema neHazori, Megidho neGezeri. Faro mambo weIjipiti akanga arwisa uye akatora Gezeri. Akanga aripisa nomoto. Akauraya vaKenani vaigara mariri akaripa kumwanasikana wake, mukadzi waSoromoni sechipo pakuwanikwa kwake. Uye Soromoni akavaka Gezeri patsva. Akavaka Bheti Horoni yeZasi, Bhaarati, neTadhimori murenje, munyika imomo, pamwe chete namaguta ake ose amatura, namaguta engoro dzake namabhiza ake, zvose zvaakada kuvaka muJerusarema, muRebhanoni nomunyika yose yaaitonga. Vanhu vose vakanga vasara pavaAmori, vaHiti, vaPerizi, vaHivhi navaJebhusi (vanhu ava vakanga vasiri vaIsraeri), vana vavo vakanga vasara munyika, vasina kugona kuparadzwa zvachose navaIsraeri, ivava Soromoni akavaunganidza kuti vashande savaranda vake, sezvazviri kusvikira nhasi. Asi Soromoni haana kuita varanda pakati pavaIsraeri; ndivo vaiva mauto ake, makurukota ake ehurumende, machinda ake, vatungamiri vake vamauto, varayiri vezvengoro navachairi vengoro. Ndivozve vaiva machinda makuru aiona nezvamabasa aiitwa naSoromoni, vatariri mazana mashanu namakumi mashanu vaitungamirira vanhu vaiita basa. Mushure mokunge mwanasikana waFaro abva kuGuta raDhavhidhi akauya kumuzinda wake waakanga avakirwa naSoromoni, Soromoni akavaka Miro. Katatu pagore Soromoni akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa paaritari yaakanga avakira Jehovha, akapisa zvinonhuhwira pamwe chete nazvo pamberi paJehovha. Saizvozvo akapedza nezvetemberi. Mambo Soromoni akavakawo zvikepe paEzioni Gebheri, iri pedyo neEroti muEdhomu, pamahombekombe eGungwa Dzvuku. Uye Hiramu akatuma varanda vake, vafambisi vezvikepe vaiziva gungwa kuti vazoshandisa zvikepe pamwe chete navaranda vaSoromoni. Vakaenda kuOfiri, vakandodzokako namazana mana namakumi maviri amatarenda egoridhe, ayo avakandopa Mambo Soromoni.

1 Madzimambo 9:1-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Soromoni wakati apedza kuvaka imba yaJehovha, neimba yamambo, nezvose Soromoni zvaakanga achida kuita, Jehovha akazviratidza kuna Soromoni rwechipiri, sezvaakazviratidza kwaari paGibheoni. Jehovha akati kwaari, “Ndakanzwa kunyengetera kwako nokukumbira kwako kwawakaita pamberi pangu; ndakatsaura imba iyi yawakavaka, kuti ndiise zita rangupo nokusingaperi; meso angu nomwoyo wangu zvichavapo nguva dzose. Kana uriwe, kana ukafamba pamberi pangu sababa vako Dhavhidhi nomwoyo usinganyengeri, nokururama, ukaita zvose zvandakakuraira ukachengeta zvandatema nezvandatonga, ipapo ini ndichasimbisa chigaro chako choushe pakati paIsiraeri nokusingaperi, sezvandakapikira baba vako Dhavhidhi, ndichiti, ‘Haungashaiwi munhu uchagara pachigaro choushe chaIsiraeri.’ Asi kana mukatsauka pakunditevera, imi kana vana venyu, mukasachengeta mirairo yangu nezvandatema zvandakaisa pamberi penyu, asi mukandoshumira vamwe vamwari, mukanamata kwavari; ipapo ndichaparadza Isiraeri panyika yandakavapa; neimba iyi yandakatsaurira zita rangu, ndichairashira kure ndirege kuiona; vaIsiraeri vachava shumo nechiseko pakati pavanhu vose; uye imba iyi kunyange yakakwirira ikadai, vose vanopfuura nayo vachakanuka nokuridza muridzo, vachiti, ‘Jehovha wakaitireiko kudai nenyika ino uye neimba ino?’ Vachapindura, vachiti, ‘Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wavo, wakanga abudisa madzibaba avo munyika yeIjipiti, vakanamatira vamwe vamwari, vakanamata kwavari, nokuvashumira; saka Jehovha wakavapinza panjodzi idzi dzose.’ ” Makore ana makumi maviri akati apera, Soromoni aakavaka nawo dzimba idzi mbiri, iyo imba yaJehovha neimba yamambo; (zvino Hiramu mambo weTire wakanga atsvakira Soromoni misidhari; nemisipiresi, nendarama, nezvose zvaakanga achida), mambo Soromoni akapa Hiramu maguta ana makumi maviri panyika yeGarire. Hiramu akabva Tire kuzoona maguta aakanga apiwa naSoromoni, asi haana kumufadza. Akati, “Maguta kunyiko awa awandipa, hama yangu?” Akatumidza nyika yeKabhuri kusvikira zuva ranhasi. Hiramu akatumira mambo matarenda endarama ane zana namakumi maviri. Zvino ndiro shoko rechibharo chakarairwa namambo Soromoni, kuzovaka imba yaJehovha, neimba yake, neMiro, norusvingo rweJerusaremu, neHazori, neMegidho, neGezeri. Farao mambo weIjipiti wakanga andokunda Gezeri, akaripisa nomoto, akauraya vaKanani vakanga vagere muguta, akaripa mukunda wake, mukadzi waSoromoni. Soromoni akavaka Gezeri, neBhetihoroni rezasi, naBharati, neTamari, murenje munyika iyo, namaguta ose amatura aSoromoni, namaguta engoro dzake, namaguta avatasvi vamabhiza ake, nezvose Soromoni zvaaida kuzvivakira paJerusaremu, napaRebhanoni, napanyika yose yakanga yakabatwa naye. Kuvanhu vose vakanga vasara vavaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaHivhi navaJebhusi, vakanga vasi vana vaIsiraeri; navana vavo vakanga vasara panyika shure kwavo, ivo vana vaIsiraeri vakanga vasingagoni kuvaparadza chose, kuna ivavo Soromoni wakaraira chibharo chavaranda kusvikira nhasi. Asi Soromoni haana kuita varanda pakati pavana vaIsiraeri, asi ivo vaiva varwi vake, navabatiri vake, namachinda ake, navakuru vake, navarairi vengoro dzake, navatasvi vamabhiza ake. Ndivo vaiva vatariri vakuru vamabasa aSoromoni, vaiva namazana mashanu namakumi mashanu, vairairira vanhu vaibata basa. Zvino mukunda waFarao wakabva kuguta raDhavhidhi, akaenda kuimba yake, yaakanga avakirwa naSoromoni; ipapo akavaka Miro. Katatu pagore Soromoni waibayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa pamusoro pearitari yaakanga avakira Jehovha, akapisa zvinonhuwira pamwechete nazvo paaritari yakanga iri pamberi paJehovha. Naizvozvo akapedza imba. Mambo Soromoni wakavakawo zvikepe zvizhinji paEzionigebheri, pedyo neEroti, pamhenderekedzo yeGungwa Dzvuku, panyika yaEdhomu. Hiramu akatuma nezvikepe izvo varanda vake, vaiva vafambisi vezvikepe vaiziva gungwa kwazvo, pamwechete navaranda vaSoromoni. Vakasvika Ofiri, vakatorapo ndarama yakasvika matarenda ana mazana mana namakumi maviri vakauya nayo kuna mambo Soromoni.

1 Madzimambo 9:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Soromoni paakapedza kuvaka imba yaTenzi nomuzinda wamambo nezvose zvaaida kuvaka, Tenzi akazviratidza kuna Soromoni rwechipiri sokuzviratidza kwaakamboita kuGibheoni. Tenzi akati kwaari, “Munamato wako wawakaita nechichemo chako chawakasvitsa kwandiri ndazvinzwa. Imba iyi yawakavaka ndaiita kuti ive imba inoera uye ndaisa zita rangu pairi nokusingaperi ziso rangu harichabva pairi, uyewo mwoyo wangu ucharamba uri pairi. Chako iwe dai zvako ukangofamba nemandakatema sezvaiita baba vako Dhavhidhi wakatendeseka uri pachokwadi uchiita naimomo mandakati uite uchichengeta mirao nezvirevo zvangu kana wadaro ndichaita kuti umambo hwako hwokwaIsiraeri hudzike midzi narini wose. Sokutsidzira kwandakaita baba vako Dhavhidhi ndichiti, ‘Hazvichafa zvakamboitika kuti ini ndishaye munhu womumba mako wokuzogara pachigaro choumambo.’ Asi kana mukazotsauka, zviye zvokunyatsoenda mutome zvenyu, vangave iyemi kana vana venyu morega zvenyu kuchengeta mitemo yangu nemirao yangu yandakakupai mava kundonamata vamwe vamwari muchivapfugamira, iniwo ndopandichaparadza vaIsiraeri panyika yandakavapa. Kanawo iyo imba iyoyi yandaeresera nezita rangu ndichaiparadza zvokusamboda kuzoionazve mumaziso angu. Isiraeri inozova tsumo yavanhu nechiseko chenyika mukati memarudzi ose. Kunyangewo imba iyoyi yakati dzu-u kureba, vapfuuri venzira vachanyatsoti kanha kunana vachishamiswa. Vachatozvimvunzawo vachiti, ‘Ko Tenzi chakaadariro nyika ino nemba iyi chii?’ Ivo vachati, ‘Pamusana pokuti vakafuratira Tenzi, Mwari wavo akaburitsa madzitateguru avo kuIjipiti ndokuti memete navamwe vamwari vovapfugamira vachivanamata. Ndokusaka Tenzi akavapinza munyatwa yose iyi.’ ” Mushure memakore makumi maviri okunge Soromoni avaka dzimba idzi dziri mbiri, imba yaTenzi nomuzinda wamambo, Hiramu mambo weTire awanisa Soromoni zvose zvaaida mapango omusidhari neemusaipurasi nendarama; mambo Soromoni akapa Hiramu maguta makumi maviri mudunhu reGarireya. Asi pakabva Hiramu kuTire achiuya kuzoona maguta aakanga apiwa naSoromoni haana kufadzwa nawo. Naizvozvo akati, “Nhai hama yangu maguta awandipa aya maguta erudzii? Ipapo kusvikira pari nhasi dunhu iroro rinonzi Kabhuru.” Hiramu akanga atumira mambo Soromoni ndarama inopfuura zviuru zvina zvemakirogiramu. Iyi ndiyo nhoroondo yebasa rechibharo chakaitwa namambo Soromoni kuitira kuti avake imba yaTenzi nomuzinda wake nechimudhuri chemavhu norusvingo rweJerusaremu, neHazori neMegidho neGezeru. Zvakanga zvaitika kuGezeru ndezvokuti Farao mambo weIjipiti akanga akwirako akarikurira ndokuripisa nemoto akauraya vaKanani vaigaramuguta imomo ndokuripa mukunda wake mudzimai waSoromoni sechipo chokuenda nacho kwaakaroorwa ndokusaka Soromoni akavakazve Gezeru. Akavakawo guta reBhetihoroni rezasi racho neBhaarati neTamari kurenje munyika yokwake uye maguta ake ose amatura namaguta engoro dzake dzehondo dzamabhiza namaguta avachairi vadzo uyewo nezvimwe zvose zvaaida kuvaka muJerusaremu nokuRebhanoni nomunyika yose yaaitonga. Vanhu vose vasiri vechiIsiraeri vakasara pakati pavaAmoni nevaHiti navaPerezi nevaHivhi nevaJebhusi, zvizukuru zvakazosara zvovapo munyika imomo mushure mavo vasina kukwanisa kutsakatiswa nevaIsiraeri, ivava ava ndivo vakapinzwa naSoromoni muuranda hwechibharo, ndozvavari nanhasi uno. Asi vechiIsiraeri Soromoni haana kuvaita varanda. Ndovaiva varwi vehondo namakurukota ake navatungamiriri vehondo navakuru vakuru vehondo navakuru vakuru vemungoro dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo. Ivava ava ndivo makurukota makuru aitungamirira basa raSoromoni iri, vari mazana mashanu ane makumi mashanu avanhu vokuona kuti vanhu vechirudzi ava vari kuita basa racho zvakadii. Soromoni akatozovaka chimudhuri chamavhu chacho, mukunda waFarao atobva kuguta raDhavhidhi akwira kuenda kumba yake yaakanga avakirwa naSoromoni. Soromoni aigaropira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana katatu pagore paatari yaakavakira Tenzi achipirawo rusenzi kuna Tenzi. Ndokupedza kwaakaita kuvaka imba yaTenzi. Mambo Soromoni akagadzira chitsama chengarava kuEzionigebheru pedyo nokuEroti kumahombekombe kwe Gungwadzvuku kunyika yeEdhomu. Hiramu akatumirawo nengarava idzi machinda ake akanga ari vanhu vomugungwa, nyanzvi dzezvokufamba mugungwa kuenda pamwechete namachinda aSoromoni. Vakaenda kuOfiri vakandounza ndarama inorema makirogiramu anopfuura zviuru gumi nezvina. Izvozvi izvi vakauya nazvo kuna mambo Soromoni.

1 Madzimambo 9:1-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Soromoni wakati apedza kuʋaka imba yaJehova, neimba yamambo, neɀose Soromoni ɀaakaŋga aciɗa kuita, Jehova akaɀiratidza kunaSoromoni rwecipiri, seɀaakaɀiratidza kwaari paGibeoni. Jehova akati kwaari: Ndakanzwa kunyeŋgetera kwako nokukumbira kwako kwawakaita pamberi paŋgu; ndakatsaura imba iyi yawakaʋaka, kuti ndiise zita raŋgu’po nokusiŋgaperi; meso aŋgu nomŋoyo waŋgu ɀicaʋa’po ŋguʋa dzose. Kana uri’we, kana ukafamba pamberi paŋgu saɓaɓa ʋako Davidi nomŋoyo usiŋganyeŋgeri, nokururama, ukaita ɀose ɀandakakuraira, ukaceŋgeta ɀandatema neɀandatoŋga, ipapo ini ndicasimbisa cigaro cako coʋushe pakati paIsraeri nokusiŋgaperi, seɀandakapikira ɓaɓa ʋako Davidi, ndiciti: Hauŋgashaiwi munhu ucagara pacigaro coʋushe caIsraeri. Asi kana mukatsauka pakunditeʋera, imi kana ʋana ʋenyu, mukasaceŋgeta mirairo yaŋgu neɀandatema ɀandakaisa pamberi penyu, asi mukandoshumira ʋamŋe ʋamŋari, mukanamata kwaʋari; ipapo ndicaparadza Israeri panyika yandakaʋapa; neimba iyi yandakatsaurira zita raŋgu, ndicairashira kure ndirege kuiʋona; ʋaIsraeri ʋacaʋa shumo neciseko pakati paʋanhu ʋose; ʋuye imba iyi kunyaŋge yakakwirira ikaɗai, ʋose ʋanopfuʋura nayo ʋacakanuka nokuridza muridzo, ʋaciti: Jehova wakaitireiko kuɗai nenyika ino, ʋuye neimba ino? Ʋacapindura, ʋaciti: Nokuti ʋakasiya Jehova Mŋari waʋo, wakaŋga aɓuɗisa madziɓaɓa aʋo munyika yeEgipita, ʋakanamatira ʋamŋe ʋamŋari, ʋakanamata kwaʋari, nokuʋashumira; saka Jehova wakaʋapinza panjodzi idzi dzose. Makore anamakumi maʋiri akati apera, Soromoni aakaʋaka nawo dzimba idzi mbiri, iyo imba yaJehova neimba yamambo; (ɀino Hirami mambo weTire wakaŋga atȿakira Soromoni misidari, nemisipresi, nendarama, neɀose ɀaakaŋga aciɗa), mambo Soromoni akapa Hirami maguta anamakumi maʋiri panyika yeGarire. Hirami akabva Tire kuzoʋona maguta aakaŋga apiwa naSoromoni, asi haana‐kumufadza. Akati: Maguta kunyiko awa awandipa, hama yaŋgu? Akaitumidza nyika yeKaburi kuȿikira zuʋa ranhasi. Hirami akatumira mambo matarenta endarama anezana namakumi maʋiri. Ɀino ndiro shoko recibaro cakarairwa namambo Soromoni, kuzoʋaka imba yaJehova, neimba yake, neMiro, noruȿiŋgo rweJerusarema, neHazori, neMegido, neGezeri. Farao mambo weEgipita wakaŋga andokunda Gezeri, akaripisa nomŋoto, akaʋuraya ʋaKanani ʋakaŋga ʋagere muguta, akaripa mukunda wake, mukadzi waSoromoni. Soromoni akaʋaka Gezeri, neBeti‐horoni rezasi, neBarati, neTamari, murenje munyika iyo, namaguta ose amatura aSoromoni, namaguta eŋgoro dzake, namaguta aʋataȿi ʋamabiza ake, neɀose Soromoni ɀaaiɗa kuɀiʋakira paJerusarema, napaRebanoni, napanyika yose yakaŋga yakaɓatwa naye. Kuʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋasara ʋaʋaAmori, naʋaHeti, naʋaPerezi, naʋaHivi, naʋaJebusi, ʋakaŋga ʋasi ʋana ʋaIsraeri; naʋana ʋaʋo ʋakaŋga ʋasara panyika shure kwaʋo, iʋo ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kuʋaparadza cose, kunaiʋaʋo Soromoni wakaraira cibaro caʋaranda kuȿikira nhasi. Asi Soromoni haana‐kuita ʋaranda pakati paʋana ʋaIsraeri, asi iʋo ʋaiʋa ʋarwi ʋake, naʋaɓatiri ʋake, namacinda ake, naʋakuru ʋake, naʋarairi ʋeŋgoro dzake, naʋataȿi ʋamabiza ake. Ndiʋo ʋaiʋa ʋatariri ʋakuru ʋamaɓasa aSoromoni, ʋaiʋa namazana mashanu namakumi mashanu, ʋairairira ʋanhu ʋaiɓate‐ɓasa. Ɀino mukunda waFarao wakabva kuguta raDavidi, akaenda kuimba yake, yaakaŋga aʋakirwa naSoromoni; ipapo akaʋaka Miro. Katatu pagore Soromoni waiɓayira ɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa pamsoro peartari yaakaŋga aʋakira Jehova, akapisa ɀinonhuwira pamŋe cete naɀo paartari yakaŋga iri pamberi paJehova. Naiɀoɀo akapedza imba. Mambo Soromoni wakaʋaka ʋo ɀikepe ɀizhinji paEzioni‐geberi, pedyo neEroti, pamhenderekedzo yeGuŋgwa Dɀuku, panyika yaEdomi. Hirami akatuma neɀikepe iɀo ʋaranda ʋake, ʋaiʋa ʋafambisi ʋeɀikepe ʋaiziʋa guŋgwa kwaɀo, pamŋe cete naʋaranda ʋaSoromoni. Ʋakaȿika Ofiri, ʋakatora’po ndarama yakaȿika matarenta anamazana manna namakumi maʋiri, ʋakaʋuya nayo kunamambo Soromoni.

1 Madzimambo 9:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)