Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 7:1-51

1 Madzimambo 7:1-51 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvisinei, zvakatorera Soromoni makore gumi namatatu kuti apedze kuvaka muzinda wake. Akavaka Muzinda weSango reRebhanoni wakanga wakareba makubhiti zana, upamhi hwawo huri makubhiti makumi mashanu, namakubhiti makumi matatu pakukwirira kwawo mudenga, akaivaka pamusoro pemitsara mina yembiru dzemisidhari namatanda emisidhari akavezwa pamusoro pembiru. Wakanga une denga remisidhari rakanga riri pamusoro pamatanda akanga akagadzikwa pamusoro pembiru yamatanda makumi mana namashanu, gumi namashanu mumutsara mumwe chete. Mawindo awo akanga ari pamusoro, ari matatu, akatarisana. Makonhi ose namagwatidziro zvaiva namativi mana; akanga ari nechemberi ari matatu matatu, akatarisana. Akaita imba yembiru yakanga yakareba makubhiti makumi mashanu iine upamhi hwamakubhiti makumi matatu. Pamberi payo paiva nebiravira, pamberi parowo paine mbiru nedenga rakarembera. Akavakawo imba yechigaro chokutonga, Imba Yokururamisira, umo maaizotongera nyaya, uye akaifukidza nemisidhari kubva pasi kusvikira kumusoro. Muzinda wake waaizogara necheseri, wakanga wakavakwa zvimwe chetezvo. Soromoni akavakirawo mwanasikana waFaro, uyo waakanga awana, muzinda wakafanana nouyu. Dzimba dzose idzi, kubva kunze kusvikira kuchivanze chikuru, nokubva pahwaro kusvikira paberevere, dzakanga dziri dzamatombo anokosha, akavezwa zvakaenzanirana, uye akachekwa nejeko kunze nomukati. Hwaro hwakanga hwakavakwa namatombo makuru anokosha, mamwe akareba makubhiti gumi, mamwe makubhiti masere. Pamusoro paiva namatombo anokosha, akavezwa zvakaenzanirana, namatanda emisidhari. Chivanze chikuru chaiva chakapoteredzwa norusvingo rwakanga rune mitsara mitatu yamatombo akavezwa nomutsara mumwe chete wamatanda omusidhari akanyatsovezwa, zvimwe chetezvo zvakanga zvakaita chivanze chomukati chetemberi yaJehovha nebiravira rayo. Zvino Mambo Soromoni akatuma vanhu kundotora Hiramu kuTire. Hiramu aiva mwanakomana wechirikadzi yorudzi rwaNafutari, baba vake vari veTire, mupfuri wendarira. Hiramu akanga azere nounyanzvi, uye aino ruzivo rwezvamabasa ose endarira. Akauya kuna Mambo Soromoni akaita basa rose raakapiwa. Akavaka mbiru mbiri dzendarira, imwe neimwe yakanga yakareba makubhiti gumi namasere, uye yaipoteredzwa netambo yakareba makubhiti gumi namaviri pakuyera. Akaitawo misoro yembiru yendarira yakanyungurutswa miviri, yokugadzika pamusoro pembiru, musoro mumwe nomumwe wakanga wakareba makubhiti mashanu pakukwirira kwawo. Mimbure yengetani dzakarukwa yaiva yakashongedza misoro yaiva pamusoro pembiru, minomwe pamusoro pomumwe nomumwe. Akaitawo matamba mumitsara miviri yakapoteredza mumbure mumwe nomumwe kuti ishongedze misoro yaiva pamusoro pembiru. Akaita zvimwe chetezvo pamusoro pomumwe nomumwe. Misoro yaiva pamusoro pembiru pabiravira yakanga yakaumbwa samaruva amahapa, yakareba makubhiti mana pakukwirira kwayo. Pamusoro pemisoro yembiru mbiri idzi, nechapamusoro pedumbu rakanga riri parutivi pomumbure, paiva namatamba mazana maviri mumitsara yakapoteredza. Akamisa mbiru pabiravira retemberi. Mbiru yezasi akaitumidza zita rokuti Jakini uye yokumusoro akaitumidza kuti Bhoazi. Pamusoro pembiru paiva nezvishongo zvakafanana namaruva amahapa. Saizvozvo basa rapambiru rakapera. Akaita Gungwa reNdarira yakanyauswa, redenderedzwa rakanga rine upamhi hwamakubhiti gumi pamuromo, uye rakareba makubhiti mashanu pakukwirira kwaro. Zvaitora tambo yakareba makubhiti makumi matatu kuti iripoteredze pakuyera. Pasi pomuromo waro pakanga pane mapfundo akapoteredza, ari gumi pakubhiti, achipoteredza gungwa. Mapfundo aya akaumbwa akanga ari mumitsara miviri, pamwe chete neGungwa. Gungwa rakanga rimire pahando gumi nembiri, nhatu dzakatarisa kumusoro, nhatu kumadokero, nhatu zasi nenhatu kumabvazuva. Gungwa rakanga rigere pamusoro padzo, uye shure kwadzo kwakanga kwakatarisa pakati. Ukobvu hwaro hwaikwana upamhi hwechanza chomunhu, uye muromo waro wakanga wakafanana nomuromo wekapu, seruva ramahapa. Mukati maro maikwana mabhati zviuru zviviri. Akaitawo zvigadziko gumi zvendarira zvaiva namavhiri endarira gumi; chimwe nechimwe chakanga chakareba makubhiti mana, upamhi huri makubhiti mana nokukwirira kwacho kuri makubhiti matatu. Zvigadziko izvi zvakanga zvakaitwa seizvi: pakati pembiru dzezvigadziko paiva namagwatidziro mumativi. Pamagwatidziro aya pakati pembiru paiva neshumba, hando namakerubhi, uyewo napambiru. Pamusoro napasi peshumba nehando paiva nezvishongo zvamaruva zvendarira. Chigadziko chimwe nechimwe chaiva namavhiri mana endarira ane maekesero endarira, uye imwe neimwe yaiva nedhishi rakanga riri pamusoro pezvitsigiro zvina, zvakaumbwa zviine zvishongo zvamaruva kurutivi rumwe norumwe. Nechomukati mechigadziko maiva negomba rakanga riri redenderedzwa rakadzika zvinosvika kubhiti rimwe chete. Gomba iri rakanga riri redenderedzwa, uye nechigadziko charo raikwana kubhiti nehafu. Pamuromo paro paiva nezvinyorwa. Magwatidziro akanga ane mativi akaenzana, asiri edenderedzwa. Mavhiri mana aiva pasi pamagwatidziro, uye maekesero amavhiri aiva akabatana netafura. Vhiri rimwe nerimwe raiva noupamhi hwekubhiti rimwe chete nehafu. Mavhiri akanga akagadzirwa sokugadzirwa kwamavhiri engoro dzamabhiza; maekesero, marimu, zvipokisi namahabhu zvose zvaiva zvakagadzirwa nendarira. Chigadziko chimwe nechimwe chaiva nemibato mina, pakona imwe neimwe, uye yaibudikira kubva pachigadziko. Pamusoro pechigadziko paiva nechitenderere chakanga chakadzika zvinosvika hafu yekubhiti. Zvitsigiro namagwatidziro zvakanga zvakanamatidzwa pamusoro pechigadziko. Akaveza makerubhi, shumba nemiti yemichindwe pazvitsigiro namagwatidziro, napose paigona kuvezwa, nezvishongo zvamaruva kumativi ose. Aya ndiwo magadziriro aakaita zvigadziko gumi. Zvose zvakanga zvakafanana pakuumbwa kwazvo, zvakaenzana pakukura napamaumbirwo. Ipapo akaita madhishi endarira gumi, rimwe nerimwe richipinda mabhati makumi mana uye rakafara makubhiti mana, dhishi rimwe chete richizoiswa pachigadziko chimwe nechimwe chezvigadziko gumi. Akaisa zvigadziko zvishanu zasi kwetemberi, zvishanu kumusoro. Akaisa Gungwa kurutivi rwezasi, zasi kwakadziva kumabvazuva kwetemberi. Hiramu akaitawo poto, foshoro namadhishi. Saka Hiramu akapedza basa rose raakaitira Mambo Soromoni mutemberi yaJehovha: mbiru mbiri; misoro miviri yedenderedzwa pamusoro pembiru; mimbure miviri yakarukwa yaishongedza misoro miviri yedenderedzwa yaiva pamusoro pembiru; matamba mazana mana emimbure miviri (mitsara miviri yamatamba pamumbure mumwe chete, kuti ishongedze misoro yedenderedzwa yaiva pamusoro pembiru); zvigadziko gumi namadhishi azvo gumi; Gungwa nehando gumi nembiri pasi paro; poto, foshoro namadhishi. Zvinhu zvose izvi zvakaitirwa Mambo Soromoni mutemberi maJehovha naHiramu zvaiva zvendarira yakabwinyiswa. Mambo akaita kuti zviumbwe nevhu rokuumba pabani reJorodhani pakati peSukoti neZaretani. Soromoni haana kuyera zvinhu zvose izvi nokuti zvakanga zvakawanda kwazvo; uremu hwendarira hahuna kuzivikanwa. Soromoni akaitawo midziyo yose yaiva mutemberi maJehovha: aritari yegoridhe; tafura yegoridhe yaiva nechingwa choKuratidza, pamusoro payo; zvigadziko zvemwenje zvegoridhe rakaisvonaka (zvishanu kurudyi nezvishanu kuruboshwe pamberi penzvimbo tsvene yomukati); maruva, mwenje nembato, zvegoridhe; makapu, zvidzimiso zvemwenje, madhishi, madhishi ezvinonhuhwira nezvaenga zvomoto, zvegoridhe rakaisvonaka; zvibato zvamakonhi ekamuri yomukatikati memba, Nzvimbo Tsvene-tsvene, namakonhi eimba huru, zvakanga zviri zvegoridhe. Zvino basa rose rakaitwa naMambo Soromoni patemberi yaJehovha parakapera, Soromoni akauyisa zvinhu zvakanga zvakumikidzwa nababa vake Dhavhidhi, midziyo yesirivha negoridhe, akazvichengeta mumatura epfuma yetemberi yaJehovha.

1 Madzimambo 7:1-51 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Soromoni wakapedza makore gumi namatatu pakuvaka imba yake, akapedza imba yake yose. Nokuti wakavaka imba nemiti yamatondo eRebhanoni; yakanga yakasvika makubhiti ane zana pakureba kwayo, namakubhiti makumi mashanu paupamhi hwayo, namakubhiti makumi matatu pakukwirira kwayo; akaivaka pamusoro pemitsara mina yembiru dzemisidhari, namatanda emisidhari pamusoro pembiru. Yakanga yakafukidzwa namatanda emisidhari kumusoro, pamusoro pamakamuri aiva namakumi mana namashanu pamusoro pembiru, makamuri ane gumi namashanu pamusara mumwe. Kwakanga kunemisara mitatu yamawindo, windo rimwe rakatarisana nerimwe windo, pamitsara mitatu yakaturikidzana. Magonhi ose namagwatidziro zvaiva namativi mana akaenzana; windo rimwe rakanga rakatarisana nerimwe windo, pamitsara mitatu yakaturikidzana. Akaita biravira rembiru; rakanga rakasvika makubhiti makumi mashanu pakureba kwaro, namakubhiti makumi matatu paupamhi hwaro, nebiravira pamberi padzo, nedzimwe mbiru namatanda makobvu pamberi padzo. Akaitawo biravira rechigaro chake choushe, paangatonga mhaka, iro biravira rokutonga; iro rakanga rakafukidzwa namapuranga omusidhari kubva paguva kusvikira padenga. Neimba yake yokugara, kuno rumwe ruvazhe mukati mebiravira, yakanga yakaitwa saizvozvo. Akaitirawo mukunda waFarao imba, (waakanga awana iye Soromoni,) yakanga yakafanana nebiravira iro. Idzi dzose dzakanga dzakavakwa namabwe anokosha, ari mabwe akavezwa, akaenzaniswa zvakanaka, akachekwa namajeko mukati nokunze, kubva panheyo kusvikira kumusoro, nokunzewo kusvikira kuruvazhe rukuru. Nheyo dzakanga dzakavakwa namabwe anokosha, mabwe makuru, mabwe akasvika makubhiti ane gumi, namabwe akasvika makubhiti masere. Kumusoro kwakanga kuna mabwe anokosha, mabwe akavezwa, akaenzaniswa zvakanaka, namapuranga omusidhari. Ruvazhe rukuru rwakanga rwakapoteredza, rwakanga rune misara mitatu yamabwe akavezwa, nomusara mumwe wamatanda omusidhari; rwakanga rwakafanana noruvazhe rwomukati rweimba yaJehovha, nebiravira reimba. Zvino mambo Soromoni akatuma vanhu kundotora Hiramu paTire. Iye wakanga ari mwanakomana wechirikadzi yorudzi rwaNafitari; baba vake vaiva munhu weTire, mupfuri wendarira; iye wakanga akangwara kwazvo ane njere noumhizha kubata mabasa ose endarira. Akauya kuna mambo Soromoni, akabata mabasa ake ose. Nokuti wakaumba mbiru mbiri dzendarira, imwe neimwe yakasvika makubhiti ane gumi namasere pakureba; uye pakuyera rwonzi rwakasvika makubhiti ane gumi namaviri rwakapoteredza mbiru imwe neimwe. Akaumbawo misoro miviri yendarira yakanyauswa, kuti iiswe pamusoro pembiru; musoro mumwe wakasvika makubhiti mashanu pakureba, nomumwe musoro makubhiti mashanuwo pakureba. Misoro, yaiva pamusoro pembiru, yakanga ine mimbure yakarukwa yendarira, nezvishongo zvamaketani; minomwe yomusoro mumwe, neminomwe yomumwe musorozve. Akaitawo matamba; kwakanga kune misara miviri yakapoteredza pamusoro pomumbure mumwe, kufukidza misoro yakanga iri pamusoro pembiru; akaitira mumwe musoro saizvozvo. Misoro, yaiva pamusoro pembiru pabiravira, yakanga ina maruva amahapa akavezwa, akasvika makubhiti mana. Kumusoro kwakanga kune misorowo pamusoro pembiru mbiri, pedyo nedumbu rakanga riri parutivi rwomumbure wakarukwa; namatamba akanga ana mazana maviri, akaita mitsara yakapoteredza pamusoro pomumwe musoro. Zvino akamisa mbiru pabiravira retemberi, akamisa mbiru yorudyi, akatumidza zita rayo Jakini; akamisa mbiru yoruboshwe, akatumidza zita rayo Bhoazi. Pamusoro pembiru pakanga pane zvishongo zvamaruva amahapa; naizvozvo basa rapambiru rakapera. Zvino akaita dziva rendarira yakanyauswa, rakasvika makubhiti ane gumi paupamhi pamuromo, rakatenderera; kukwirira kwaro kwakasvika makubhiti mashanu; uye pakuyera rwonzi rwakasvika makubhiti makumi matatu rwakaripoteredza. Pasi pomuromo waro pakanga panamafundo akaripoteredza, akanga ane gumi pakubhiti rimwe nerimwe, aipoteredza dziva; mafundo akaita misara miviri, akaumbwa pamwechete naro. Rakanga rimire pamusoro penzombe gumi nembiri, nhatu dzakanga dzakatarira kurutivi rwokumusoro, nhatu kurutivi rwamavirazuva, nhatu kurutivi rwezasi, uye nhatu kurutivi rwamabvazuva; dziva rakanga rakagadzwa pamusoro padzo, idzo dzakafuratirana. Ukobvu hwaro hwaiva soupamhi hwechanza, uye muromo waro wakanga wakafanana nomuromo wembiya, seruva rehapa; mukati maro maipinda mabhati ane zviuru zviviri. Akaitawo zvingoro zvine gumi zvendarira; chingoro chimwe nechimwe chaisvika makubhiti mana pakureba, namakubhiti mana paupamhi, namakubhiti matatu pakukwirira. Zvingoro zvakanga zvakaitwa kudai: Zvaiva noukomba, ukomba uhwo hwakakombwa nemidengerero. Paukomba uhwo pakati pemidengerero paiva neshumba, nenzombe, namakerubhi; pamusoro pemidengerero pakanga pakadarowo; pasi peshumba nenzombe paiva nezvishongo zvakarembera. Chingoro chimwe nechimwe chaiva namakumbo mana endarira nezvokumonerekerapo zvendarira; makumbo acho mana aiva nezvitsigiro; zvitsigiro izvo zvakanga zvakaumbirwa pasi pomudziyo wokushambidzira, nezvishongo kurutivi rumwe norumwe. Muromo wawo pakati pomusoro nokumusoro kwawo wakasvika kubhiti rimwe; muromo wawo wakanga wakatenderera, wakafanana nechigadziko, kubhiti rimwe nehafu; pamuromo wawo paiva nezvakanyorwa, asi ukomba hwawo hwaiva namativi mana akaenzana, zvisina kutenderera. Makumbo mana akanga ari pasi poukomba, uye zvokubatisa makumbo zvaiva pangoro; gumbo rimwe nerimwe rakasvika kubhiti rimwe nehafu pakukwirira kwaro. Makumbo akanga akafanana namakumbo engoro; zvokubatisa makumbo, namafero, namasipoki, namaneivi zvakanga zvakaumbwa zvose. Paiva nezvitsigiro zvina pamakona mana echingoro chimwe nechimwe; zvitsigiro zvaiva zvimwe nengoro imene. Pamusoro pechingoro paiva nechitenderere chakasvika hafu yekubhiti pakukwirira uye pamusoro pengoro zvitsigiro zvayo nohukomba kwayo zvaiva zvimwe. Panhivi dzezvitsigiro zvayo, uye paukomba hwayo akaveza makerubhi neshumba, nemiti yemichindwe pazvakaringana, nezvishongo kunhivi dzose. Akaita zvingoro zvine gumi saizvozvo; zvose zvakanga zvakafanana pakuumbwa nokuenzana, nomufananidzo mumwe. Akaita midziyo yokushambidzira ine gumi; mudziyo mumwe nomumwe waipinda mabhati makumi mana emvura; mudziyo mumwe nomumwe wakasvika makubhiti mana; pangoro dzose gumi pakanga pane mudziyo pangoro imwe neimwe. Akaisa zvingoro, zvishanu kurutivi rworudyi rweimba, uye zvishanu kurutivi rworuboshwe rweimba; akagadzika dziva kurutivi rworudyi rweimba kumabvazuva nechezasi. Hiramu akaita midziyo yokushambidzira, nefoshoro, nembiya. Naizvozvo Hiramu akapedza mabasa ose aakaitira Soromoni paimba yaJehovha; zvaiti: Mbiru mbiri, nembiya mbiri dzemisoro miviri, yaiva pamisoro yembiru; uye mimbure miviri yokufukidza nayo mbiya mbiri dzemisoro miviri yaiva pamusoro pembiru; namatamba ana mazana mana emimbure miviri, misara miviri yamatamba pamumbure mumwe nomumwe, kufukidza mbiya mbiri yemisoro yaiva pamusoro pembiru; nezvingoro zvine gumi, nemidziyo yokushambidzira ine gumi pamusoro pezvingoro; nedziva rimwe, nenzombe gumi nembiri pasi pedziva; nehari, nefoshoro, nembiya; nhumbi idzi dzose dzakaitirwa mambo Soromoni naHiramu mumba maJehovha, dzakanga dzakaitwa nendarira yakahwinyiswa. Mambo akadziumba pabani raJorodhani, pakati peSukoti neZaretani, paiva nevhu rokuumba. Soromoni haana kuyera nhumbi dzose, nokuti dzaiva zhinji kwazvo; vakanga vasingagoni kuverenga kurema kwendarira. Soromoni akaita nhumbi dzose dzaiva mumba maJehovha, dzaiti: Aritari yendarama, netafura yendarama paiva nezvingwa zvokuratidza; nemwenje yendarama yakaisvonaka, mishanu kurutivi rworudyi, nemishanu kurutivi rworubhoshwe, pamberi pangataura Jehovha; namaruva, nemwenje, nembato dzendarama; nemikombe, nembato dzemwenje, nembiya, nezvirongo, nezvaenga zvomoto zvendarama yakaisvonaka; nezvibato zvamagonhi zvendarama, zvamagonhi eimba yomukati, iyo nzvimbo tsvenetsvene, nezvamagonhi eimba, iyo temberi. Naizvozvo basa rose, rakaitwa namambo Soromoni paimba yaJehovha, rakapera. Soromoni akaisawo nhumbi dzakanga dzatsaurirwa Mwari naDhavhidhi baba vake, sirivha, nendarama, nemidziyo, akadziisa padzimba dzokuchengeta pfuma dzeimba yaJehovha.

1 Madzimambo 7:1-51 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Soromoni akazvivakirawo muzinda wake. Akaita makore gumi namatatu achiuvaka akaupedza kuuvaka wose. Akavaka imba yainzi Imbayesangorerebhanoni. Urefu hwayo hwaiita makumi mana emamita anamamita mana, upamhi hwayo mamita makumi maviri ane maviri kureba kwayo kuenda mudenga ina mamita gumi namatatu ane masendimita makumi mashanu. Yaiva yakavakwa nemitsara mina yemhanda dzomuti womusidhari, mapango omusidhari akatandarikwa pamhanda idzi. Dzimba dziya dzaiva pamusoro pemhanda makumi mana ane shanu, mumutsara woga woga muine mhanda gumi neshanu, dzakanga dzakawarikwa mapango omusidhari. Yaive nemitsara mitatu yamafuremu emahwindo, mahwindo acho akatarisana ari pamba yenhurikidzwa ine nhurikidzwa nhatu. Magwatidziro emisuo yose akanga aina mativi mana akaenzana, mafuremu ose amahwindowo akanga aine mativi mana akaenzana. Mahwindo acho akanga akatarisana ari pamba yenhurikidzwa ine nhurikidzwa nhatu. Akavakawo zimba rainzi Imba yemhanda. Urefu hwayo hwaiita mamita makumi maviri namaviri, upamhi hwayo huri gumi ramamita rina mamita matatu ana masendimita makumi mashanu. Kumusuo kwayo, usati wapindamo, yaiva nakamba kepamusuo kane berere. Akavaka rimwe zimba mainzi muDare maaitongera, ndomaiva muDare imomo. Yakanga yakanzi chechetere nomusidhari kubvira pauriri hwayo kusvikira panoperera chengo. Dzimbahwe, imba yake chaiyo yokugara, yaiva munzvimbo yeseri kwezimba reDare yakanga iine muvakirwo mumwechetewo. Soromoni akavakirawo mukunda waFarao waakaroora, imba yakafanana nezimba irori. Dzose idzodzi dzakanga dzakavakwa namabwe anokosha aiva akavezwa nomwero wakatemwa achiita zvokunyatsochekwa nasaha amatombo kunze nomukati, kubvira paugaro hwemba iyoyo kusvikira kunoperera chengo, kubvirawo kunze kusvikira munhandare huru. Ugaro hwemba iyi hwakanga huri kwemazibwe makuru kwazvo, mamwe aiva nemamita matatu ana masendimita makumi mashanu kureba mamwe aine mamita mana. Pamusoro pahwo paiva namabwe anokosha akaita zvokuvezwa zviri pamwero Wakatemwa, painewo mapango omusidhari. Nhandare huru yaiva nechengo chemitsara mitatu yamabwe akavezwa kuitenderera, nomutsara mumwechete wamapango omusidhari. Ndozvakanga zvakaitawo nhandare yomukati yemba yaTenzi nekamba kapamusuo. Mambo Soromoni akatumira shoko kundodaidza Hiramu kuTire, akabva auya. Akanga ari mwanakomana wechirikadzi yedzinza rokwaNafutari. Baba vake vaiva munhu wokuTire webasa rendarira. Vaiva munhu azere noungwaru nokunzwisisa noumhizha hwebasa rose zvaro rendarira. Hiramu akauya kuna Soromoni akasvikomuitira basa rake rose. Akagadzira misimboti miviri yendarira. Mumwechete waiva mamita masere kureba uri mamita matatu ane masendimita makumi matatu kufuta uine mhango pakati kukobvuka kwawo kuine upamhi hweminwe mina. Musimboti wechipiri wakanga wakangofananawo nawo. Akagadzirawo zvepamusoro payo zviviri zvendarira achiita zvokuinyungurutsa, zvokushongedza pamusoro pemisimboti iyoyo. Kukwira mudenga, urefu hwezvepamusoro zvacho chimwe nechimwe hwaiva mamita maviri ane masendimita makumi maviri. Akagadzirazve necheni mambure maviri anenge sefa okushongedza nawo zvepamusoro pemisimboti iyi achiti pamusimboti uyu mhaswa nomwe, pamusimboti uyu mhaswa nomwe. Saizvozvo akagadzirira misimboti iyi mitsara miviri yezvinenge michero yamapomegiraneti kutenderera mambure acho achishongedza zvimwechetezvo zvepamusoro pemusimboti iyi yose iri miviri. Zvepamusoro zvacho zvakanga zviri pamusoro pemisimboti iyi yaiva pamberi pekamba kapamusuo zvaiva zvakaitwa samaruva amahapa zvichiita mita rimwechete rina makumi masere amasendimita kureba. Pane zvinhu zviya zvepamusoro pemisimboti iyi uyewo napamwe pakanga pakafutumara kuitenderera; munyasi memambure aye aye paiva namapomegiraneti mazana maviri akanga ari mumitsara miviri kuitenderera ndozvakanga zvakaita zvinhu zviye zvepamusoro pacho zvose zviri zviviri. Akamisa misimboti iyoyi pamberi pekamba kepamusuo weTemberi. Akamisapo musimboti nechokumaodzanyemba kwepo akautumidza zita rokuti Jakini, akamisawopo musimboti nechokuchamhembe akautumidza zita rokuti Bhoazi. Pamusoro pemisimboti yacho iyi paiva pakaitwa samaruva ejongwe. Saizvozvo basa rokugadzira misimboti rakabva rapera. Akagadzira zibhavhu ziguruguru kwazvo noutare hwaakaita zvokunyungurutsa. Rakanga rakatenderera richiita mamita mana ana masendimita mana kubva pamuromo kuyambuka kune mumwe muromo. Udzamu hwaro hwaiita mamita maviri ana masendimita makumi maviri, upamhi hwaro huchiita mamita mana ana masendimita makumi mana. Kuritenderedza rose raiita mamita gumi nematatu ana masendimita makumi maviri. Nechepasi pomupendero waro pakanga pakaitwa zvinenge mapudzi zviri makumi maviri pamita yoga yoga. Zvainge mapudzi izvi zvakanga zvakaita zvokuumbirwa pazibhavhu iri pamwechete naro parakagadzirwa zviri mumitsara miviri. Rakanga rakagara pahandira gumi nembiri, nhatu dzacho dzakaringira kuchamhembe, dzimwe nhatu dzakaringa kumadokero dzimwe dzacho nhatu dzakaringira kumaodzanyemba, dzimwewo nhatu dzakaringa kumabvazuva, shure kwadzo dzose kwakanga kuri nechomukati, zibhavhu iri riri pamusana padzo. Ukobvu hwaro hwakanga hwakaita sechanza. Mupendero waro wakanga wakaita somupendero wekapu, seruva ramahapa. Zibhavu iri raipinda mazana maviri amadhiramu ane madhiramu makumi matanhatu namaviri emvura. Hiramu akagadzirawo nendarama mitumbi yengoro gumi. Mutumbi woga woga wakanga uchiita mita rimwechete rina masendimita makumi masere kureba, upamhi hwacho huchiitawo mita rimwechete rina masendimita makumi masere urefu hwacho kuenda mudenga hwaiva mita rimwechete rina masendimita makumi matatu. Magadziriro akanga akaitwa mitumbi yengoro idzi ndaaya: yaiva namapanga okumisa endarira. Pakati pamapango iwayo pakaiswa marata endarira. Pamarata iwayo akanga akaiswa pakati pamapango okumisa acho, pakanga pakaitwa mifananidzo yeshumba neyehandira neyezvimwe zvisikwa zvinonzi makerubhu. Pamusoro pamapango okumisa pari pamusoro nepasiwo peshumba nehandira dziye paiva nounyerekete hwomurongorongo wamaruva. Ngoro imwe neimwe yaiva namavhiri mana nemitanda yendarira. Ngoro yoga yoga yaiva nebhavhu. Mumakona ayo maiva nezvokutsigira bhavhu. Zvokutsigira nazvo izvi pazvakaitwa noutare hwokunyungurutsa zvakaumbwa zviine tumirongorongowo twazvo twamaruva mativi ose. Muromo wemaraigadzikirwa waiva uchiita masendimita makumi mashanu udzamu. Muromo iwoyo wakanga wakatenderera sezvainge zvakangoitawo pasi pechigadzikiro ichi. Kubvira pamuromo wacho kusvikira pasi pagaro racho paiita masendimita makumi manomwe ana mashanu. Kumuromo kwacho kwakanga kwakanyatsonyorwapo zvimwe zvokushongedza. Marata aya engoro akanga aina mativi mana akaenzana aiva asiri madenderedzwa. Mavhiri mana aya akanga ari nechepasi pamarata aya. Mitanda yacho yemavhiri adzo yaiva yakabatanidzwa nemitumbi yengoro idzi. Upamhi hwevhiri rimwechete hwaiva huchiita masendimita makumi manomwe namashanu. Mavhiri iwayo akanga akagadzirwa semavhiri engoro dzehondo. Mitanda yacho namavhiri acho nezvipokisi zvawo namadura acho zvaiva zvakaumbwa noutare hwokunyungurutsa. Makanga muine zvokutsigira zvina mumakona mana engoro imwe neimwe. Zvokutsigira izvozvi zvaiva zvakabatana nengoro idzi. Pamusoro pengoro yoga yoga paiva nebhande rakaitenderera richiita masendimita makumi maviri ana maviri kureba. Pamusoro pengoro mbariro dzayo namarata ayo zvakanga zvakangobatana kuita chinhu chimwechete nayo. Pakapamhama pembariro napamarata napose paiwanika kanzvimbo, akaita mifananidzo yemakerubhu neyeshumba neyemiti yemirara nounyerekete hwomurongorogo wamaruva kuitenderera. Ndomugadziriro waakaita ngoro idzi dziri gumi. Dzose idzodzi dzakaforomwa muforoma dzimwechetedzo dziine mwero mumwechete dzakangoitawo zvimwechetezvo. Akagadzirawo mabhavhu gumi endarira. Bhavhu rimwe nerimwe raipinda madhiramu mashanu emvura. Bhavhu roga roga raiita mita rimwechete rina masendimita makumi masere upamhi. Dziri gumi kudaro, ngoro yoga yoga yaiva nebhavhu rayo. Akandomisa ngoro shanu kumaodzanyemba kwemba yacho iyi, akandomisawo dzimwe shanu kuchamhembe kwemba iyoyo, akaisawo zibhavhu ziguruguru riye kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kwemba iyoyo. Hiramu akagadzirawo mapoto nefoshoro namadhishi. Saizvozvo Hiramu uyu akapedza basa rose ramambo Soromoni repamba paTenzi. Akagadzira misimboti miviri nezvinhu zviviri zvaiva zvakafutumara zvapamisoro yemisimboti iyi, kwouya mambure maviri okushongedza pazvinhu zviya zvaiva pamisoro yemisimboti iyi uye zvainge michero yemapomegiraneti mazana mana zvokuisa pamambure aya maviri, mumbure woga woga uine mitsara miviri yemapomegiraneti zvokushongedza pazvinhu zviya zviviri zvakafutumara zvepamisoro pemisimboti, kwouyawo ngoro gumi namabhavhu adzo gumi, kwozouya zibhavhu ziguruguru riye nehandira gumi nembiri dzaiva pasi paro. Mapoto nefoshoro namadhishi, midziyo yose iyi yomumba maTenzi yakagadzirirwa mambo Soromoni naHiramu yakanga iri yendarira yakanyatsokwenenzverwa. Mambo akaforomera izvozvi mubani romuna Jorodhani panzvimbo yomunyakwe iri pakati peSukoti neZaretani. Soromoni haana kuera kurema kwemidziyo iyoyi pamusana pokuti yakanga yakawanda zvikuru kwazvo nezvo hapana akazokwanisa kuwana kuti ndarira yacho yairema zvakadii. Soromoni akagadzira midziyo yose yaive mumba yaTenzi yaiti: atari yendarama, neteburu yendarama yechingwa chokuisa pana Mwari, kwouya zvigadzikiro zvemwenje zvendarama chaiyo yakanakisisa, zvaiti zvishanu kurutivi rwokumaodzanyemba zvimwe zvishanuwo kuchamhembe tisati tapinda munzvimbo inoera yomukatikati, kwouyawo maruva namarambi nembato dzendarama, kwoti makomichi nezvigero namadhishi namabisiro orusenzi namagwati okutapisa moto zvendarama chaiyo yakanakisisa, kwotiwo mahinjisi endarama amagonhi omukatikati memba iyoyi, omunzvimbo inoeresesa uyewo namahinjisi emagonhi emba yacho chaiyo, eTemberi. Sokudaro basa rose rakaitwa namambo Soromoni remba yaTenzi rakapera, Soromoniwo akuya nezvinhu zvababa vake Dhavhidhi zvakanga zvakapirwa kuna Mwari zvaiti sirivha nendarama nemidziyo, akazvirongedza mumatura emba yaTenzi.

1 Madzimambo 7:1-51 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Soromoni wakepedza makore anegumi namatatu pakuʋaka imba yake, akapedza imba yake yose. Nokuti wakaʋaka imba nemiti yamatondo eRebanoni; yakaŋgaya kaȿika makubiti anezana pakureɓa kwayo, namakubiti makumi mashanu paʋupamhi bgayo, namakubiti makumi matatu pakukwirira kwayo; akaiʋaka pamsoro pemisara minna yembiru dzemisidari, namatanda emisidari pamsoro pembiru. Yakaŋga yakafukidzwa namatanda emisidari kumsoro, pamsoro pamakamuri aiʋa namakumi manna namashanu pamsoro pembiru, makamuri anegumi namashanu pamusara mumŋe. Kwakaŋga kunemisara mitatu yamawindi, windi rimŋe rakatarisana nerimŋe windi, pamisara mitatu yakaturikidzana. Magonhi ose namagwatidziro ɀaiʋa namatiʋi manna akaenzana; windi rimŋe rakaŋga rakatarisana nerimŋe windi, pamisara mitatu yakaturikidzana. Akaita ɓiraʋira rembiru; rakaŋga rakaȿika makubiti makumi mashanu pakureɓa kwaro, namakubiti makumi matatu paʋupamhi bgaro, neɓiraʋira pamberi padzo, nedzimŋe mbiru namatanda makobvu pamberi padzo. Akaita ʋo ɓiraʋira recigaro cake coʋushe, paaŋgatoŋga mhaka, iro ɓiraʋira rokutoŋga; iro rakaŋga rakafukidzwa namapuraŋga omusidari kubva paguʋa kuȿikira paɗeŋga. Neimba yake yokugara, kunorumŋe ruʋazhe mukati meɓiraʋira, yakaŋga yakaitwa saiɀoɀo. Akaitira ʋo mukunda waFarao imba, (waakaŋga awana iye Soromoni,) yakaŋga yakafanana neɓiraʋira iro. Idzi dzose dzakaŋga dzakaʋakwa namabge anokosha, ari mabge akaʋezwa, akaenzaniswa ɀakanaka, akacekwa namajeko mukati nokunze, kubva panheyo kuȿikira kumsoro, nokunze ʋo kuȿikira kuruʋazhe rukuru. Nheyo dzakaŋga dzakaʋakwa namabge anokosha, mabge makuru, mabge akaȿika makubiti anegumi, namabge akaȿika makubiti masere. Kumsoro kwakaŋga kunamabge anokosha, mabge akaʋezwa, akaenzaniswa ɀakanaka, namapuraŋga omusidari. Ruʋazhe rukuru rwakaŋga rwakapoteredza, rwakaŋga runemisara mitatu yamabge akaʋezwa, nomusara mumŋe wamatanda omusidari; rwakaŋga rwakafanana noruʋazhe rwomukati rweimba yaJehova, neɓiraʋira reimba. Ɀino mambo Soromoni akatuma ʋanhu kundotora Hirami paTire. Iye wakaŋga ari mŋanakomana wecirikadzi yorudzi rwaNaftari; ɓaɓa ʋake ʋaiʋa munhu weTire, mupfuri wendarira; iye wakaŋga akaŋgwara kwaɀo anenjere noʋumhizha kuɓata maɓasa ose endarira. Akaʋuya kunamambo Soromoni, akaɓata maɓasa ake ose. Nokuti wakaʋumba mbiru mbiri dzendarira, imŋe neimŋe yakaȿika makubiti anegumi namasere pakureɓa; ʋuye pakuyera rwonzi rwakaȿika makubiti anegumi namaʋiri rwakapoteredza mbiru imŋe neimŋe. Akaʋumba ʋo misoro miʋiri yendarira yakanyauswa, kuti iiswe pamsoro pembiru; musoro mumŋe wakaȿika makubiti mashanu pakureɓa, nomumŋe musoro makubiti mashanu ʋo pakureɓa. Misoro, yaiʋa pamsoro pembiru, yakaŋga inemimbure yakarukwa yendarira, neɀishoŋgo ɀamaketani; minomŋe yomusoro mumŋe, neminomŋe yomumŋe musoro ɀe. Akaita ʋo matamba; kwakaŋga kunemisara miʋiri yakapoteredza pamsoro pomumbure mumŋe, kufukidza misoro yakaŋga iri pamsoro pembiru; akaitira mumŋe musoro saiɀoɀo. Misoro, yaiʋa pamsoro pembiru paɓiraʋira, yakaŋga inamaruʋa amahapa akaʋezwa, akaȿika makubiti manna. Kumsoro kwakaŋga kunemisoro ʋo pamsoro pembiru mbiri, pedyo neɗumbu rakaŋga riri parutiʋi rwomumbure wakarukwa; namatamba akaŋga anamazana maʋiri, akaita misara yakapoteredza pamsoro pomumŋe musoro. Ɀino akamisa mbiru paɓiraʋira retembere, akamisa mbiru yorudyi, akatumidza zita rayo Jakini; akamisa mbiru yoruɓoshwe, akatumidza zita rayo Boazi. Pamsoro pembiru pakaŋga paneɀishoŋgo ɀamaruʋa amahapa; naiɀoɀo ɓasa rapambiru rakapera. Ɀino akaita dziʋa rendarira yakanyauswa, rakaȿika makubiti anegumi paʋupamhi pamuromo, rakatenderera; kukwirira kwaro kwakaȿika makubiti mashanu; ʋuye pakuyera rwonzi rwakaȿika makubiti makumi matatu rwakaripoteredza. Pasi pomuromo waro pakaŋga panamafundo akaripoteredza, akaŋga anegumi pakubiti rimŋe nerimŋe, aipoteredza dziʋa; mafundo akaita misara miʋiri, akaʋumbga pamŋe cete naro. Rakaŋga rimire pamsoro penzombe gumi nembiri, nhatu dzakaŋga dzakatarira kurutiʋi rwokumsoro, nhatu kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, nhatu kurutiʋi rwezasi, ʋuye nhatu kurutiʋi rwamabvazuʋa; dziʋa rakaŋga rakagadzwa pamsoro padzo, idzo dzakafuratirana. Ʋukobvu bgaro bgaiʋa soʋupamhi bgecanza, ʋuye muromo waro wakaŋga wakafanana nomuromo wembiya, seruʋa rehapa; mukati maro maipinda mabati aneɀuru ɀiʋiri. Akaita ʋo ɀiŋgoro ɀinegumi ɀendarira; ciŋgoro cimŋe necimŋe caiȿika makubiti manna pakureɓa, namakubiti manna paʋupamhi, namakubiti matatu pakukwirira. Ɀiŋgoro ɀakaŋga ɀakaitwa kuɗai: Ɀaiʋa noʋukomba, ʋukomba ubgo bgakakombga nemiɗeŋgerero. Paʋukomba ubgo pakati pemiɗeŋgerero paiʋa neshumba, nenzombe, namakerubi; pamsoro pemiɗeŋgerero pakaŋga pakaɗaro ʋo; pasi peshumba nenzombe paiʋa neɀishoŋgo ɀakarembera. Ciŋgoro cimŋe necimŋe caiʋa namakumbo manna endarira neɀokumonerekera’po ɀendarira; makumbo aco manna aiʋa neɀitsigiro; ɀitsigiro iɀo ɀakaŋga ɀakaʋumbirwa pasi pomudziyo wokushambidzira, neɀishoŋgo kurutiʋi rumŋe norumŋe. Muromo wawo pakati pomusoro nokumsoro kwawo wakaȿika kubiti rimŋe; muromo wawo wakaŋga wakatenderera, wakafanana necigadziko, kubiti rimŋe nehafu; pamuromo wawo paiʋa neɀakanyorwa, asi ʋukomba bgawo bgaiʋa namatiʋi manna akaenzana, ɀisina‐kutenderera. Makumbo manna akaŋga ari pasi poʋukomba, ʋuye ɀokuɓatisa makumbo ɀaiʋa paŋgoro; gumbo rimŋe nerimŋe rakaȿika kubiti rimŋe nehafu pakukwirira kwaro. Makumbo akaŋga akafanana namakumbo eŋgoro; ɀokuɓatisa makumbo, namafero, namasipoki, namaneivi ɀakaŋga ɀakaʋumbga ɀose. Paiʋa neɀitsigiro ɀinna pamakona manna eciŋgoro cimŋe necimŋe; ɀitsigiro ɀaiʋa ɀimŋe neŋgoro imene. Pamsoro peciŋgoro paiʋa necitenderere cakaȿika hafu yekubiti pakukwirira, ʋuye pamsoro peŋgoro ɀitsigiro ɀayo noʋukomba bgayo ɀaiʋa ɀimŋe. Panhiʋi dzeɀitsigiro ɀayo, ʋuye paʋukomba bgayo akaʋeza makerubi neshumba, nemiti yemicindwe paɀakariŋgana, neɀishoŋgo kunhiʋi dzose. Akaita ɀiŋgoro ɀinegumi saiɀoɀo; ɀose ɀakaŋga ɀakafanana pakuʋumbga nokuenzana, nomufananidzo mumŋe. Akaita midziyo yokushambidzira inegumi; mudziyo mumŋe nomumŋe waipinda mabati makumi manna emʋura; mudziyo mumŋe nomumŋe wakaȿika makubiti manna; paŋgoro dzose gumi pakaŋga panomudziyo paŋgoro imŋe neimŋe. Akaisa ɀiŋgoro, ɀishanu kurutiʋi rworudyi rweimba, ʋuye ɀishanu kurutiʋi rworuɓoshwe rweimba; akagadzika dziʋa kurutiʋi rworudyi rweimba kumabvazuʋa necezasi. Hirami akaita midziyo yokushambidzira, nefoshoro, nembiya. Naiɀoɀo Hirami akapedza maɓasa ose aakaitira Soromoni paimba yaJehova; ɀaiti: Mbiru mbiri, nembiya mbiri dzemisoro miʋiri, yaiʋa pamisoro yembiru; ʋuye mimbure miʋiri yokufukidza nayo mbiya mbiri dzemisoro miʋiri yaiʋa pamsoro pembiru; namatamba anamazana manna emi mbure miʋiri, misara miʋiri yamatamba pamumbure mumŋe nomumŋe, kufukidza mbiya mbiri yemisoro yaiʋa pamsoro pembiru; neɀiŋgoro ɀinegumi, nemidziyo yokushambidzira inegumi pamsoro peɀiŋgoro; nedziʋa rimŋe, nenzombe gumi nembiri pasi pedziʋa; nehari, nefoshoro, nembiya; nhumbi idzi dzose dzakaitirwa mambo Soromoni naHirami mumba maJehova, dzakaŋga dzakaitwa nendarira yakabginyiswa. Mambo akadziʋumba paɓani raJoridani, pakati peSukoti neZaretani, paiʋa nevu rokuʋumba. Soromoni haana‐kuyera nhumbi dzose, nokuti dzaiʋa zhinji kwaɀo; ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kuʋereŋga kurema kwendarira. Soromoni akaita nhumbi dzose dzaiʋa mumba maJehova, dzaiti: Artari yendarama, netafura yendarama paiʋa neɀiŋgwa ɀokuratidza; nemŋenje yendarama yakaiȿo‐naka, mishanu kurutiʋi rworudyi, nemishanu kurutiʋi rworuɓoshwe, pamberi papaŋgataura Jehova; namaruʋa, nemŋenje, nembato dzendarama; nemikombe, nembato dzemŋenje, nembiya, neɀiroŋgo, neɀaeŋga ɀomŋoto ɀendarama yakaiȿo‐naka; neɀiɓato ɀamagonhi ɀendarama, ɀamagonhi eimba yomukati, iyo nɀimbo tȿene‐tȿene, neɀamagonhi eimba, iyo tembere. Naiɀoɀo ɓasa rose, rakaitwa namambo Soromoni paimba yaJehova, rakapera. Soromoni akaisa ʋo nhumbi dzakaŋga dzatsaurirwa Mŋari naDavidi ɓaɓa ʋake, sirveri, nendarama, nemidziyo, akadziisa padzimba dzokuceŋgeta fuma dzeimba yaJehova.

1 Madzimambo 7:1-51 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)