Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 3:6 - Compare All Versions

1 Madzimambo 3:6 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Soromoni akapindura akati, “Makaratidza muranda wenyu, baba vangu Dhavhidhi, tsitsi dzenyu huru nokuti akanga akavimbika kwamuri uye akarurama uye akachena mumwoyo. Muchiri kumuratidza unyoro hwenyu hukuru uye mamupa mwanakomana kuti agare pachigaro chake chokutonga iye nhasi.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 3 BDSC

1 Madzimambo 3:6 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Soromoni akati, “Makaitira muranda wenyu Dhavhidhi, baba vangu, unyoro hukuru, zvaakafamba pamberi penyu nezvokwadi, nokururama, nomwoyo wakanaka kwamuri; mukamuchengeterawo unyoro uhu hukuru, zvamakamupa mwanakomana kugara pachigaro chake choushe, sezvazvakaita nhasi.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 3 SNA2002

1 Madzimambo 3:6 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Soromoni akati, “Makaitira baba wangu Dhavhidhi muranda wenyu mwoyochena mukuru kwazvo pamusana pokuti vaiva munhu akatendeka kwamuri akarurama ari pachokwadi mwoyo wake uri kwamuri. Mwoyochena wenyu mukuru kwazvo makaramba uinaye mukamupawo mwanakomana wokugara pachigaro choumambo nhasi uno.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 3 SCLBD

1 Madzimambo 3:6 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Soromoni akati: Makaitira muranda wenyu Davidi, ɓaɓa ʋaŋgu, ʋunyoro bgukuru, ɀaakafamba pamberi penyu neɀokwaɗi, nokururama, nomŋoyo wakanaka kwamuri; mukamuceŋgetera ʋo ʋunyoro ubgu bgukuru, ɀamakamupa mŋanakomana kugara pacigaro cake coʋushe, seɀaɀakaita nhasi.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 3 SUB1949

1 Madzimambo 3:6 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Soromoni akati, “Makaitira baba wangu Dhavhidhi muranda wenyu mwoyochena mukuru kwazvo pamusana pokuti vaiva munhu akatendeka kwamuri akarurama ari pachokwadi mwoyo wake uri kwamuri. Mwoyochena wenyu mukuru kwazvo makaramba uinaye mukamupawo mwanakomana wokugara pachigaro choumambo nhasi uno.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 3 SCLB