1 Madzimambo 3:12 - Compare All Versions
1 Madzimambo 3:12 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ndichaita zvawakumbira. Ndichakupa mwoyo wakachenjera unonzwisisa, zvokuti hakuna kumbova nomumwe akafanana newe uye hakuchazova nomumwe akafanana newe mushure mako.
1 Madzimambo 3:12 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
tarira, ndaita sezvawataura; tarira ndakupa mwoyo wakangwara, unonzwisisa; naizvozvo hakuna kumbova nomumwe wakafanana newe, kana shure kwako hakungazovi nomunhu ungafanana newe.
1 Madzimambo 3:12 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
chinzwa zvawakumbira ndozvandava kukuitira. Ndinokupa ungwaru nomwoyo unonzwisisa zvokuti hapana kumboita mumwe akaita sewe kana kuzovazve nomumwe akaita sewe.
1 Madzimambo 3:12 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
tarira, ndaita seɀawataura; tarira, ndakupa mŋoyo wakaŋgwara, unonzwisisa; naiɀoɀo hakuna‐kumboʋa nomumŋe wakafanana newe, kana shure kwako hakuŋgazoʋi nomunhu uŋgafanana newe.
1 Madzimambo 3:12 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
chinzwa zvawakumbira ndozvandava kukuitira. Ndinokupa ungwaru nomwoyo unonzwisisa zvokuti hapana kumboita mumwe akaita sewe kana kuzovazve nomumwe akaita sewe.