1 Madzimambo 3:11 - Compare All Versions
1 Madzimambo 3:11 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo Jehovha akati kwaari, “Sezvo wakumbira chinhu ichi ukasazvikumbirira upenyu hurefu kana upfumi, ukasakumbira kuti vavengi vako vaurayiwe, asi wakumbira kunzwisisa pakutonga zvakarurama
1 Madzimambo 3:11 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Mwari akati kwaari, “Zvawakumbira chinhu ichi, ukasazvikumbirira upenyu hwamazuva mazhinji, kana kuzvikumbirira pfuma, kana kukumbira kuti vavengi vako vafe; asi wakazvikumbirira kungwara, kuti unzwisise kutamba mhaka
1 Madzimambo 3:11 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Mwari akati kwaari, “Pamusana pokuti wakumbira izvi ukarega kuzvikumbirira upenyu urefu kana upfumi kana kukumbira kuti vavengi vako vafe, ukazvikumbirira kunzwisisa kuti uwane matongero
1 Madzimambo 3:11 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ipapo Mŋari akati kwaari: Ɀawakumbira cinhu ici, ukasaɀikumbirira ʋupenyu bgamazuʋa mazhinji, kana kuɀikumbirira fuma, kana kukumbira kuti ʋaʋeŋgi ʋako ʋafe; asi wakaɀikumbirira kuŋgwara, kuti unzwisise kutamba mhaka
1 Madzimambo 3:11 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari akati kwaari, “Pamusana pokuti wakumbira izvi ukarega kuzvikumbirira upenyu urefu kana upfumi kana kukumbira kuti vavengi vako vafe, ukazvikumbirira kunzwisisa kuti uwane matongero