1 Madzimambo 21:1-29
1 Madzimambo 21:1-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kwapera nguva yakati, pane imwe nyaya yakaitika pamusoro pomunda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri. Munda wemizambiringa uyu waiva muJezireeri, pedyo nomuzinda waAhabhu mambo weSamaria. Ahabhu akati kuna Nabhoti, “Ndipe munda wako wemizambiringa kuti ndiuite bindu romuriwo, sezvo uri pedyo nomuzinda wangu. Ini ndichatsinhanhisa nokukupa munda wemizambiringa uri nani, kana kuti, kana uchida, ndichakuripa mari inoenderana nomutengo wawo.” Asi Nabhoti akapindura akati, “Jehovha ngaazvirambidze kuti ndikupei nhaka yamadzibaba angu.” Saka Ahabhu akaenda kumba akasuwa uye akashatirwa nokuti Nabhoti muJezireeri akanga ati, “Handisi kuzokupai nhaka yamadzibaba angu.” Akarara pamubhedha wake akazvidya mwoyo, akaramba kudya. Jezebheri, mukadzi wake, akapindamo akamubvunza akati, “Sei makasuwa kudai? Sei musiri kudya?” Akamupindura akati, “Nokuti ndati kuna Nabhoti muJezireeri, ‘Nditengesere munda wako wemizambiringa; kana kuti, kana uchida, ndichakupa mumwe munda wemizambiringa kune imwe nzvimbo kuti, utsive uyu.’ Asi iye ati, ‘Handisi kuzokupai munda wangu wemizambiringa.’ ” Jezebheri, mukadzi wake akati, “Izvi ndizvo here zvamunoita samambo weIsraeri? Simukai mudye! Faranukai. Ndichakuwanirai munda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri.” Naizvozvo akanyora matsamba muzita raAhabhu, akadhinda chidhindo chake padziri, akadzitumira kuvakuru nokumachinda aaigara nawo muguta raNabhoti. Mumatsamba aya akanyora akati: “Daidzirai zuva rokutsanya mugogadzika Nabhoti panzvimbo yakakwirira pakati pavanhu. Asi gadzai nhubu mbiri pakatarisana naye uye mugoita kuti dzipupure dzichiti akatuka Mwari namambo. Ipapo mutorei muende naye kunze mugomutaka namabwe kusvikira afa.” Saka vakuru namachinda vaigara muguta raNabhoti vakaita sezvakanga zvarayirwa naJezebheri mumatsamba aakanga avanyorera. Vakadaidzira zuva rokutsanya ndokugadzika Nabhoti panzvimbo yakakwirira pakati pavanhu. Ipapo nhubu mbiri dzakauya dzikagara dzakatarisana naye dzikapomera Nabhoti mhosva pamberi pavanhu, dzichiti, “Nabhoti akatuka Mwari namambo.” Naizvozvo vakamutora vakaenda naye kunze kweguta vakamutaka namabwe kusvikira afa. Ipapo vakatumira shoko kuna Jezebheri vachiti, “Nabhoti atakwa namabwe uye afa.” Jezebheri paakangonzwa chete kuti Nabhoti akanga atakwa namabwe akafa, akati kuna Ahabhu, “Simukai muende mundotora munda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri waakaramba kukutengeserai. Haachisiri mupenyu, asi afa.” Ahabhu paakanzwa kuti Nabhoti akanga afa, akasimuka akaenda kundotora munda wemizambiringa waNabhoti. Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Eria muTishibhi richiti, “Buruka pasi undosangana naAhabhu mambo weIsraeri, uyo ari kutonga muSamaria. Iye zvino ari mumunda wemizambiringa waNabhoti, waaenda kundotora. Uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Hauna here kuuraya munhu ukamutorera zvinhu zvake?’ Ipapo uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Panzvimbo yakananzvwa ropa raNabhoti nembwa, imbwa dzichananzva ropa rakowo ipapo, hongu, rako!’ ” Ahabhu akati kuna Eria, “Saka wandiwanaka, muvengi wangu!” Akapindura akati, “Ndakuwana nokuti wazvitengesa kuti uite zvakaipa pamberi paJehovha. ‘Ndichauyisa dambudziko guru pamusoro pako. Ndichaparadza vana vako ndigouraya murume wose weimba yaAhabhu muIsraeri, muranda neasiri muranda. Ndichaita kuti imba yako ifanane neyaJerobhoamu mwanakomana waNebhati neyaBhaasha mwanakomana waAhija, nokuti waita kuti ndishatirwe uye waita kuti Israeri iite chivi.’ “Zvino kana ari Jezebheriwo, Jehovha anoti: ‘Imbwa dzichadya Jezebheri pamasvingo eJezireeri.’ “Imbwa dzichadya avo vaAhabhu vachafira muguta, uye shiri dzedenga dzichadya avo vachafira musango.” Hapana kumbova nomunhu akaita saAhabhu, akazvitengesa kuti aite zvakaipa pamberi paJehovha, achikurudzirwa naJezebheri mukadzi wake. Akaita zvinonyangadza kwazvo nokutevera zvifananidzo, sezvakanga zvaitwa navaAmori, avo vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri. Ahabhu paakanzwa mashoko aya, akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga akatsanya. Akapfeka masaga akafamba achizvininipisa. Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Eria muTishibhi richiti, “Waona here kuti Ahabhu azvininipisa sei pamberi pangu? Nokuti azvininipisa, handichauyisa dambudziko guru iri mumazuva ake, asi ndichariuyisa paimba yake mumazuva omwanakomana wake.”
1 Madzimambo 21:1-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino shure kwaizvozvo Nabhoti muJezereri wakanga anomunda wemidzambiringa, waiva paJezereri pedyo neimba youshe yaAhabhi mambo weSamaria. Zvino Ahabhi akataura naNabhoti, akati, “Ndipe munda wako wemidzambiringa, ndiuite munda wemiriwo, nokuti uri pedyo neimba yangu; ini ndigokupa mumwe munda wemidzambiringa unokunda uyu; zvimwe, kana uchida, ndingakupa mari yakaringana mutengo wawo.” Ipapo Nabhoti akati kuna Ahabhi, “Jehovha ngaandidzivise, ndirege kukupai nhaka yamadzibaba angu.” Ipapo Ahabhi akapinda mumba make, awora mwoyo, ane shungu, nokuda kweshoko raakanga audzwa naNabhoti muJezereri; nokuti iye wakanga ati, “Handingakupiyi nhaka yamadzibaba angu.” Akavata panhoo yake, akatendeudza chiso chake, akaramba kudya. Zvino Izebheri mukadzi wake akaenda kwaari, akati, “Mwoyo wenyu une shungu neiko, zvamusingadi kudya?” Iye akati kwaari, “Nokuti ndakataura naNabhoti muJezereri, ndikati kwaari, ‘Ndipe munda wako wemidzambiringa, ndiutenge nemari; asi kana uchida hako, ndichakupa mumwe munda wemidzambiringa panzvimbo yawo,’ iye akapindura, akati, ‘Handingakupiyi munda wangu wemidzambiringa.’ ” Zvino Izebheri makadzi wake akati kwaari, “Ko hamuzimi munobata ushe pakati paIsiraeri here? Mukai, mudye, mwoyo wenyu ufare, nokuti ini ndichakupai munda wemidzambiringa waNabhoti muJezereri.” Naizvozvo akanyora n’wadhi nezita raAhabhi, akadzisimbisa nechisimbiso chake, akatuma nwadhi idzo kuvakuru, nokumachinda, vaiva muguta rake, vakanga vagere naNabhoti. Akanyora pan’wadhi idzo, achiti, “Tarirai musi wokuzvinyima zvokudya nawo, mukudze Nabhoti pakati pavanhu. Mugoraira vanhu vaviri vakaisvoipa vamire pamberi pake, vamupupurire, vachiti, ‘Iwe wakatuka Mwari namambo.’ Ipapo muende naye kunze kweguta, mumutake namabwe, afe.” Ipapo varume veguta rake, ivo vakuru namachinda, vakanga vagere muguta rake, vakaita sezvakarairwa naIzebheri, sezvakanyorwa pan’wadhi dzavakanga vatumirwa naye. Vakatara zuva rokuzvinyima zvokudya, vakakudza Nabhoti pakati pavanhu. Zvino varume vaviri vakaisvoipa vakapinda, vakandogara pamberi pake; varume ava vakaisvoipa vakamupupurira, iye Nabhoti, pamberi pavanhu, vakati, “Nabhoti wakatuka Mwari namambo.” Zvino vakabuda naye paguta, vakamutaka namabwe, akafa. Ipapo vakatuma shoko kuna Izebheri, vakati, “Nabhoti watakwa namabwe, wafa.” Zvino Izebheri wakati achinzwa kuti Nabhoti watakwa namabwe, wafa, Izebheri akati kunaAhabhi, “Simukai, mundozvitorera munda wemidzambiringa waNabhoti muJezereri, uyo waakadeya kuramba kukupai, nguva yamakada kumupa mari, nokuti Nabhoti haachiri mupenyu, asi wafa.” Zvino Ahabhi wakati achinzwa kuti Nabhoti wafa, akasimuka, akaburuka kumunda wemidzambiringa waNabhoti muJezereri, kundozvitorera iwo. Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Eria muTishibhi, richiti, “Simuka, buruka undosangana naAhabhi mambo waIsiraeri, unogara Samaria; uchamuwana ari mumunda wemidzambiringa waNabhoti, kwaaburukira kundozvitorera iwo. “Umuudze, uti, ‘Zvanzi naJehovha, Wauraya, zvino watorawo here?’ Zvino umuudzewo, uti, ‘Zvanzi naJehovha, Apo pakananzva imbwa ropa raNabhoti, ndipo padzichananzva ropa rakowo.’ ” Ahabhi akati kuna Eria, “Wandiwana, iwe muvengi wangu here?” Akapindura, akati, “Ndakuwana; nokuti wazvitengesa kuti uite zvakaipa pamberi paJehovha. Tarira, ndichauyisa zvakaipa pamusoro pako, ndichakutsvaira chose, ubve, ndichaparadza vanakomana vose vaAhabhi, vaduku navakuru kuvaIsiraeri. Imba yako ndichaiita seimba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, neimba yaBhaasha mwanakomana waAhija, nemhaka yokuti wakanditsamwisa iwe, ukatadzisa Isiraeri. Uye Jehovha akataura pamusoro paIzebheri, akati, ‘Imbwa dzichadya Izebheri parusvingo rweJezereri.’ Ani naani waAhabhi, unofira muguta, uchadyiwa nembwa, Ani naani, unofira kusango, uchadyiwa neshiri dzekudenga.” (Asi hakuna munhu wakafanana naAhabhi, wakazvitengesa kuti aite zvakaipa pamberi paJehovha, achikurudzirwa naIzebheri mukadzi wake. Akaita zvakanyangadza kwazvo, nokuti wakatevera zvifananidzo netsika dzose dzavaAmori, ivo vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri). Zvino Ahabhi wakati achinzwa mashoko iwayo, akabvarura nguo dzake, akasimira magumbu pamuviri wake, akazvinyima zvokudya, akavata pasi namagumbu, akanatsofamba. Zvino shoko raJehovha rikasvika kuna Eria muTishibhi, richiti, “Unoona here kuti Ahabhi unozvininipisa pamberi pangu? Zvaanozvininipisa pamberi pangu, handingauyisi zvakaipa izvo pamazuva ake; asi pamazuva omwanakomana wake ndichauyisa zvakaipa izvo pamusoro peimba yake.”
1 Madzimambo 21:1-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure maizvozvi chakazoitikawo ndechokuti, mumwe murume womuJezirieri ainzi Nabhoti aiva nomunda wemagirepisi muJezirieri imomo wakanga wakaganhurana nomuzinda waAhabhu mambo weSamaria. Ahabhu akazoti kuna Nabhoti uyu, “Munda wako zvauri pedyo nomuzinda wangu, dai wandipa munda iwoyo ndachiuita munda wangu womuriwo ndigokupa mumwe munda wemagirepisi wakapinda iwoyu kunaka, kana wada ndokupa iri mari yokuutenga.” Asi Nabhoti ndokuti kuna Ahabhu, “Tenzi ngaandibatsire. Hazvingamboitika kuti ndikupei nhaka yamadzibaba angu.” Ahabhu akapinda mumuzinda make atsamwa ashatirwa pamusana pemhinduro yaakapiwa naNabhoti wokuJezirieri nokuti akanga ati, “Hazvingamboitika kuti ndikupei nhaka yamadzibaba angu.” Ndokubva andoti pamubhedha wake bhi-i kurara akatarisa rutivi ndokuramwa zvokudya. Asi mukadzi wake Jezebhero akaenda paari akamuti, “Ko kutsamwa kudai zvaita sei? Kubva matoramwa chokudya!” Ahabhu akamupindura achiti, “Ndataura ini naNabhoti uyu womuJezirieri muno. Ndokumuti nditengesere munda wako nemari. Kana kuti ndokupa mumwe munda wemagirepisi kana uchida. Nabhoti anditi, ‘Handikupei munda wangu.’ ” Mudzimai wake Jezebhero akamuti “Muchiri kutonga Isiraeri iyemi? Timukirei zvedu apa mudye zvokudya, mwoyo wenyu usununguke. Ndichakupai ini munda wemagirepisi iwoyo waNabhoti womuJezirieri muno.” Ipapo mukadzi uyu akanyora tsamba muzita raAhabhu ndokudzidhindha nechidhindho chake iye Ahabhu. Akatumira tsamba idzodzo kuvakuru vakuru nokune vokumba huru vakanga vagere kumwechete naNabhoti muguta rokwako. Mutsamba idzodzi akanyora kuti, “Itii vanhu vatsanye muti Nabhoti agare mberi kwevanhu, mugarisewo mamwewo madzenga maviri pakadarowo apo akatarisana naye amupomere mhosva achiti, ‘Nabhoti akashora Mwari akashorawo mambo. Munozobuda naye kunze momutema namabwe afe.’ ” Varume vomuguta rokwake navakuru vakuru nevokumba huru vaigara muguta rokwake iri vakaita sokutaurirwa kwavakanga vaitwa naJezebhero. Saizvozvowo sokunyorwa kwazvakanga zvakaita mutsamba dzavakatumirwa nomukadzi uyu, vakati vanhu vatsanye vakagarisa Nabhoti mberi kwevanhu. Madzenga maviri aya akapinda akagara akatarisana naye. Madzenga aya akapomera Nabhoti mhosva vanhu vachinzwa achiti, “Nabhoti akashonha Mwari, akashora mambo.” Ndokubva vamuburitsa kunze kweguta vakamutema namabwe akafa. Vakavatumira shoko kuna Jezebhero rokuti, “Nabhoti atemwa namatombo afa.” Jezebhero akati achinzwa kuti Nabhoti akatemwa namabwe akafa, Jezebhero akati kuna Ahabhu, “Chisimukai zvenyu mundotora munda wemagirepisi waNabhoti womuJezirieri muno waakaramba kukupai kukutengeserai nemari.” Ahabhu paakangonzwa kuti Nabhoti afa, akasimuka ndokudzika kumunda uya waNabhoti womuJezirieri imomo kundoukambira. Shoko raTenzi rakauya kuna Eriya wokuTishibhi richiti, “Simuka udzike undosangana naAhabhu mambo wokwaIsiraeri ari kuSamaria. Kutaura kuno ari mumunda waNabhoti waaenda kundokambira. Unofanira kumuudza kuti zvanzi naTenzi, ‘Waurayaka munhu iwe ukakambira munda wake?’ Umutaurire kuti zvanzi naTenzi, ‘Panzvimbo iyoyo pananzwa ropa raNabhoti nembwa, imbwa dzichananzwawo ropa rako.’ ” Ahabhu akati kuna Eriya, “Heya muvengi wangu wandiwana panoka iwe!” Iye akapindura achiti, “Heeka ndakuwanikidzai, matozvitengesaka izvozvi nokuita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. Chinzwa, ndava kutoita kuti iwe uwirwe nenhamo ndikutsakatise ndipedze muIsiraeri nokuuraya munhurume wose womumba mako iwe Ahabhu, muranda kana asiri muranda. Imba yako ndichaiita hwemba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati uye hwemba yaBhaasha mwanakomana waAhiya pamusana pokundivirutsa nehasha kwawakaita uyewo nokuparisa kwawakaita Isiraeri chitadzo.” Tenzi akataurawo nezvaJezebhero achiti, “Imbwa dzichadya Jezebhero munharaunda yomuJezirieri muno. Munhu ari wose zvake wokwaAhabhu anofira muguta, achadyiwa nembwa; nouyowo anofira musango, achadyiwa neshiri dzedenga.” Hakuna mumwe munhu akambozvitengesa nokuita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi saAhabhu achirunzirwa nomukadzi wake Jezebhero. Akaita zvinosemesa kwazvo zvokuteveredza zvifananidzo zvokunamata sezvaimboitwa nevaAmori vaya vanyakudzingirwa vaIsiraeri naTenzi. Pakanzwa Ahabhu mazwi aya, akabvarura hanzu dzake akapfeka pamuviri masaga ndokutsanya orara zvino akapfeka masaga ongomhemhaira kufamba akati una una kuzvirereka. Shoko raTenzi rakauya kuna Eriya wokuTishibhi richiti, “Waonawo here kuzvirereka kwandava kuitirwa naAhabhu? Pamusana pokuzvirereka uku kwaaita kwandiri, nhamo iya handichaiunza pamazuva oupenyu hwake, asi ndichaunza nhamo yacho mumba make pamazuva emwanakomana wake.”
1 Madzimambo 21:1-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino shure kwaiɀoɀo Naboti muJezreeri wakaŋga anomunda wemizambiriŋga, waiʋa paJezreeri, pedyo neimba yoʋushe yaAhabi mambo weSamaria. Ɀino Ahabi akataura naNaboti, akati: Ndipe munda wako wemizambiriŋga, ndiuite munda wemiriʋo, nokuti uri pedyo neimba yaŋgu; ini ndigokupa mumŋe munda wemizambiriŋga unokunda uyu; ɀimŋe, kana uciɗa, ndiŋgakupa mari yakariŋgana muteŋgo wawo. Ipapo Naboti akati kunaAhabi: Jehova ŋgaandidziʋise, ndirege kukupai nhaka yamadziɓaɓa aŋgu. Ipapo Ahabi akapinda mumba make, aʋora mŋoyo, aneshuŋgu, nokuɗa kweshoko raakaŋga aʋudzwa naNaboti muJezreeri; nokuti iye wakaŋga ati: Handiŋgakupiyi nhaka yamadziɓaɓa aŋgu. Akaʋata panhoʋo yake, akatendeʋudza ciso cake, akaramba kudya. Ɀino Izeberi mukadzi wake akaenda kwaari, akati: Mŋoyo wenyu uneshuŋgu neiko, ɀamusiŋgaɗi kudya? Iye akati kwaari: Nokuti ndakataura naNaboti muJezreeri, ndikati kwaari: Ndipe munda wako wemizambiriŋga, ndiuteŋge nemari; asi kana uciɗa hako, ndicakupa mumŋe munda wemizambiriŋga panɀimbo yawo, iye akapindura, akati: Handiŋgakupiyi munda waŋgu wemizambiriŋga. Ɀino Izeberi mukadzi wake akati kwaari: Ko hamuzi’mi munoɓata ʋushe pakati paIsraeri here? Mukai, mudye, mŋoyo wenyu ufare, nokuti ini ndicakupai munda wemizambiriŋga waNaboti muJezreeri. Naiɀoɀo akanyora ŋwadi nezita raAhabi, akadzisimbisa necisimbiso cake, akatuma ŋwadi idzo kuʋakuru, nokumacinda, ʋaiʋa muguta rake, ʋakaŋga ʋagere naNaboti. Akanyora paŋwadi idzo, aciti: Tarai musi wokuɀinyima ɀokudya nawo, mukudze Naboti pakati paʋanhu. Mugoraira ʋanhu ʋaʋiri ʋakaiȿo‐ipa ʋamire pamberi pake, ʋamupupurire, ʋaciti: Iwe wakatuka Mŋari namambo. Ipapo muende naye kunze kweguta, mumutake namabge, afe. Ipapo ʋarume ʋeguta rake, iʋo ʋakuru namacinda, ʋakaŋga ʋagere muguta rake, ʋakaita seɀaʋakarairwa naIzeberi, seɀakanyorwa paŋwadi dzaʋakaŋga ʋatumirwa naye. Ʋakatara zuʋa rokuɀinyima ɀokudya, ʋakakudza Naboti pakati paʋanhu. Ɀino ʋarume ʋaʋiri ʋakaiȿo‐ipa ʋakapinda, ʋakandogara pamberi pake; ʋarume aʋa ʋakaiȿo‐ipa ʋakamupupurira, iye Naboti, pamberi paʋanhu, ʋakati: Naboti wakatuka Mŋari namambo. Ɀino ʋakaɓuɗa naye paguta, ʋakamutaka namabge, akafa. Ipapo ʋakatuma shoko kunaIzeberi, ʋakati: Naboti watakwa namabge, wafa. Ɀino Izeberi wakati acinzwa kuti Naboti watakwa namabge, wafa, Izeberi akati kunaAhabi: Simukai, mundoɀitorera munda wemizambiriŋga waNaboti muJezreeri, uyo waakaɗeya kuramba kukupai, ŋguʋa yamakaɗa kumupa mari, nokuti Naboti haaciri mupenyu, asi wafa. Ɀino Ahabi wakati acinzwa kuti Naboti wafa, Ahabi akasimuka, akaɓuruka kumunda wemizambiriŋga waNaboti muJezreeri, kundoɀitorera iwo. Ɀino shoko raJehova rakaȿika kunaEria muTishbi, riciti: Simuka, ɓuruka undosoŋgana naAhabi mambo waIsraeri, unogara Samaria; ucamuwana ari mumunda wemizambiriŋga waNaboti, kwaaɓurukira kundoɀitorera iwo. Umuʋudze, uti: Ɀanzi naJehova: Waʋuraya, ɀino watora ʋo here? Ɀino umuʋudze ʋo, uti: Ɀanzi naJehova: Apo pakananɀa imbga ropa raNaboti, ndipo padzicananɀa ropa rako ʋo. Ahabi akati kunaEria: Wandiwana, iwe muʋeŋgi waŋgu, here? Akapindura, akati: Ndakuwana; nokuti waɀiteŋgesa kuti uite ɀakaipa pamberi paJehova. Tarira, ndicaʋuyisa ɀakaipa pamsoro pako, ndicakutȿaira cose, ubve, ndicaparadza ʋanakomana ʋose ʋaAhabi, ʋaɗuku naʋakuru kuʋaIsraeri. Imba yako ndicaiita seimba yaJeroboami mŋanakomana waNebati, neimba yaBaasha mŋanakomana waAhija, nemhaka yokuti wakanditsamŋisa iwe, ukatadzisa Israeri. Ʋuye Jehova akataura pamsoro paIzeberi, akati: Imbga dzicadya Izeberi paruȿiŋgo rweJezreeri. Aninani waAhabi, unofira muguta, ucadyiwa nembga, aninani, unofira kusaŋgo, ucadyiwa neshiri dzokuɗeŋga. (Asi hakunomunhu wakafanana naAhabi, wakaɀiteŋgesa kuti aite ɀakaipa pamberi paJehova, acikurudzirwa naIzeberi mukadzi wake. Akaita ɀakanyaŋgadza kwaɀo, nokuti wakateʋera ɀifananidzo netsika dzose dzaʋaAmori, iʋo ʋakaŋga ʋadziŋgwa naJehova pamberi paʋana ʋaIsraeri). Ɀino Ahabi wakati acinzwa mashoko iwayo, akabvarura ŋguʋo dzake, akasimira magumbu pamuʋiri wake, akaɀinyima ɀokudya, akaʋata pasi namagumbu, akanatso‐famba. Ɀino shoko reJehova rikaȿika kunaEria muTishbi, riciti: Unoʋona here kuti Ahabi unoɀininipisa pamberi paŋgu? Ɀaanoɀininipisa pamberi paŋgu, handiŋgaʋuyisi ɀakaipa iɀo pamazuʋa ake; asi pamazuʋa omŋanakomana wake ndicaʋuyisa ɀakaipa iɀo pamsoro peimba yake.
1 Madzimambo 21:1-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)