1 Madzimambo 17:1-7
1 Madzimambo 17:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Eria muTishibhi, waigara Gireadhi, wakati kuna Ahabhi, “NaJehovha mupenyu, Mwari waIsiraeri, iye wandimire pamberi pake, hapangavi nedova kana mvura makore ano, asi kana ndareva ini.” Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, richiti, “Chibva pano, uende kurutivi rwamabvazuva, undovanda parukova Keriti, ruri pamberi paJorodhani. Unofanira kunwa mvura yorukova, uye ndakaraira makunguo kukupa zvokudya ipapo.” Naizvozvo akaenda, akaita sezvaakaudzwa naJehovha; wakandogara parukova Keriti ruri pamberi paJorodhani. Makunguo akamuvigira chingwa nenyama mangwanani, nechingwa nenyama madekwana; akanwa mvura yorukova. Zvino nguva yakati yapfuura rukova rukapwa, nokuti mvura yakanga isinganayi panyika.
1 Madzimambo 17:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Eria muTishibhi aigara muGireadhi, akati kuna Ahabhu, “NaJehovha, Mwari waIsraeri mupenyu, wandinoshumira, hakuchazova nedova kana mvura inonaya mumakore anotevera kunze kwokutenge ndareva ini.” Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Eria richiti, “Ibva pano, nanga kumabvazuva undovanda paRukova rweKeriti, kumabvazuva kweJorodhani. Uchanwa mvura yorukova urwu, uye ndarayira makunguo kuti akupe zvokudya ikoko.” Saka akaita zvaakanga audzwa naJehovha. Akaenda kuRukova rweKeriti, kumabvazuva kweJorodhani, akagarako. Makunguo akamuvigira chingwa nenyama mangwanani, nechingwa nenyama manheru, uye akanwa mvura murukova. Mushure menguva yakati, rukova rwakapwa nokuti mvura yakanga isinganayi panyika.
1 Madzimambo 17:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Eria muTishibhi, waigara Gireadhi, wakati kuna Ahabhi, “NaJehovha mupenyu, Mwari waIsiraeri, iye wandimire pamberi pake, hapangavi nedova kana mvura makore ano, asi kana ndareva ini.” Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, richiti, “Chibva pano, uende kurutivi rwamabvazuva, undovanda parukova Keriti, ruri pamberi paJorodhani. Unofanira kunwa mvura yorukova, uye ndakaraira makunguo kukupa zvokudya ipapo.” Naizvozvo akaenda, akaita sezvaakaudzwa naJehovha; wakandogara parukova Keriti ruri pamberi paJorodhani. Makunguo akamuvigira chingwa nenyama mangwanani, nechingwa nenyama madekwana; akanwa mvura yorukova. Zvino nguva yakati yapfuura rukova rukapwa, nokuti mvura yakanga isinganayi panyika.
1 Madzimambo 17:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mumwe mugari wokuTishibhi kuGireadhi anonzi Eriya akati kuna Ahabhu, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu, Mwari weIsiraeri wandinonamata kuti hakuchaita dova kana kunaya zvako makore ano kusatoti ndataura.” Shoko raTenzi rakauya kwaari rikati, “Chibva pano unange kumabvazuva unohwanda kukakova keKeriti kumabvazuva kweJorodhani. Mukakova ikako ndimo mauchanwa mvura. Ndaudza makunguwo kuti apote achikupa chokudya ikoko.” Saizvozvo akaenda akaita sokutaura kwakanga kwaitwa naTenzi. Akandogarawo kukakova keKeriti kari kumabvazuva kwaJorodhani. Makunguwo aimuigira chingwa nenyama kumangwanani, kumauro achimuigirawo chingwa, achinwa mvura mukakova kacho. Kwakati perei chinguva kakova aka kakabva kapwa nokuti munyika umu makanga musisanayi mvura.
1 Madzimambo 17:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Eria muTishbi, waigara Gireadi, wakati kunaAhabi: NaJehova mupenyu, Mŋari waIsraeri, iye wandimire pamberi pake, hapaŋgaʋi neɗoʋa kana mvura makore ano, asi kana ndareʋa ini. Ɀino shoko raJehova rikaȿika kwaari, riciti: Cibva pano, uende kurutiʋi rwamabvazuʋa, undoʋanda parukoʋa Keriti, ruri pamberi paJoridani. Unofanira kunwa mvura yorukoʋa, ʋuye ndakaraira makuŋguʋu kukupa ɀokudya ipapo. Naiɀoɀo akaenda, akaita seɀaakaʋudzwa naJehova; nokuti wakandogara parukoʋa Keriti ruri pamberi paJoridani. Makuŋguʋu akamuʋigira ciŋgwa nenyama maŋgwanani, neciŋgwa nenyama maɗekwana; akanwa mvura yorukoʋa. Ɀino ŋguʋa yakati yapfuʋura rukoʋa rukapxa, nokuti mvura yakaŋga isiŋgani panyika.
1 Madzimambo 17:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)