Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 16:1-34

1 Madzimambo 16:1-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jehu mwanakomana waHanani richipikisana naBhaasha richiti, “Ndakakusimudza kubva muguruva ndikakuita mutungamiri wavanhu vangu Israeri, asi wakafamba munzira dzaJerobhoamu ukaita kuti vanhu vangu Israeri vaite chivi, nokuita kuti nditsamwe nokuda kwezvivi zvavo. Naizvozvo ndava kuda kuparadza Bhaasha neimba yake, uye ndichaita kuti imba yako ifanane neimba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati. Imbwa dzichadya vose vaBhaasha vachafira muguta, uye shiri dzedenga dzichadya avo vachafira kusango.” Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaBhaasha, nesimba rake, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri? Bhaasha akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muTiza. Zvino Era, mwanakomana wake, akamutevera paumambo. Pamusoro paizvozvo, shoko raJehovha rakauyawo nokumuprofita Jehu mwanakomana waHanani kuna Bhaasha neimba yake, nokuda kwezvakaipa zvose zvaakanga aita pamberi paJehovha achimutsamwisa nezvaakaita, achifanana neimba yaJerobhoamu, uyewo nokuti akaiparadza. Mugore ramakumi maviri namatanhatu raAsa mambo weJudha, Era, mwanakomana waBhaasha akava mambo weIsraeri, uye akatonga muTiza kwamakore maviri. Zimuri, mumwe wamachinda ake, aitungamirira hafu yengoro dzake, akamumukira. Era akanga ari muTiza panguva iyoyo, achidhakwa zvake pamba paAza, murume aichengeta muzinda wamambo paTiza. Zimuri akapinda, akamubaya akamuuraya, mugore ramakumi maviri namanomwe raAsa, mambo weJudha. Ipapo akabva amutevera paumambo. Paakatanga kutonga, achangogara pachigaro choushe, akauraya mhuri yose yaBhaasha. Haana kusiya murume mumwe chete, hama kana shamwari. Saizvozvo Zimuri akaparadza mhuri yose yaBhaasha, sezvakanga zvarehwa neshoko raJehovha rakataurwa richipikisa Bhaasha nokumuprofita Jehu, nokuda kwezvivi zvose zvakanga zvaitwa naBhaasha nomwanakomana wake Era nezvaakaita kuti Israeri iite, zvokuti vakaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe, nokuda kwezvifananidzo zvavo zvisina maturo. Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaEra, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri? Mugore ramakumi maviri namanomwe raAsa, mambo weJudha, Zimuri akatonga muTiza kwamazuva manomwe. Varwi vakanga vakadzika misasa pedyo neGibhetoni, guta ravaFiristia. VaIsraeri vakanga vari kumisasa pavakanzwa kuti Zimuri akanga amukira mambo akamuuraya, vakagadza Omuri mutungamiri wehondo, kuti ave mambo weIsraeri musi iwoyo mumusasa. Zvino Omuri, navaIsraeri vose vaaiva navo, vakabva kuGibhetoni vakauya kuzokomba Tiza. Zimuri paakaona kuti guta rakanga ratorwa, akaenda kunhare yomuzinda wamambo akabva azvipisira mumuzinda. Naizvozvo akafa, nokuda kwezvivi zvaakanga aita, achiita zvakaipa pamberi paJehovha uye achifamba munzira dzaJerobhoamu nomuchivi chaakanga aita, uye nechivi chaakanga aita kuti Israeri iite. Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaZimuri, nokumukira kwake kwaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo aIsraeri? Ipapo vanhu veIsraeri vakaparadzana vakaita zvikwata zviviri; hafu ikatevera Tibhini, mwanakomana waGinati, kuti ave mambo, uye imwe hafu ikatevera Omuri. Asi vateveri vaOmuri vakakunda vateveri vaTibhini, mwanakomana waGinati. Saka Tibhini akafa, Omuri akava mambo. Mugore ramakumi matatu nerimwe raAsa, mambo weJudha, Omuri akava mambo weIsraeri, uye akatonga kwamakore gumi namaviri, matanhatu acho muTiza. Akatenga gomo reSamaria kubva kuna Shemeri namatarenda maviri esirivha uye akavaka guta pagomo iri, achiritumidza kuti Samaria, zvichibva pana Shemeri, zita rouyo aimbova muridzi wegomo. Asi Omuri akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akatadza kupfuura vose vakanga vamutangira. Akafamba munzira dzose dzaJerobhoamu mwanakomana waNebhati nomuchivi chake, chaakaita kuti Israeri iite, zvokuti vakaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe nokuda kwezvifananidzo zvavo zvisina maturo. Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaOmuri, nezvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri? Omuri akazorora namadzibaba ake akavigwa muSamaria. Uye Ahabhu mwanakomana wake akamutevera paumambo. Mugore ramakumi matatu namasere raAsa, mambo weJudha, Ahabhu, mwanakomana waOmuri, akava mambo weIsraeri, uye akatonga Israeri muSamaria kwamakore makumi maviri namaviri. Ahabhu, mwanakomana waOmuri, akaita zvakaipa pamberi paJehovha kupfuura vose vakamutangira. Akazviona zviri zvinhu zvidiki kuita zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uye pamusoro pezvo akawana Jezebheri mwanasikana waEtibhaari mambo wavaSidhoni, akatanga kushandira Bhaari uye akamunamata. Akavakira Bhaari aritari mutemberi yaBhaari yaakavaka muSamaria. Ahabhu akagadzirawo danda raAshera akaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe kupfuura zvakaita madzimambo akamutangira. Munguva yaAhabhu, Hieri wokuBheteri akavakazve Jeriko. Mwanakomana wake wedangwe, Abhiramu, akafa paakavaka hwaro hweguta, uye mwanakomana wake wegotwe Segubhi akafa paakamisa masuo aro, sezvazvakarehwa neshoko raJehovha naJoshua mwanakomana waNuni.

1 Madzimambo 16:1-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jehu mwanakomana waHanani, pamusoro paBhaasha, richiti, “Ndakakukudza ndikakubvisa paguruva, ndikakuita mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri; asi wakafamba nenzira yaJerobhoamu, wakatadzisa vanhu vangu vaIsiraeri, vakamutsa shungu dzangu nezvivi zvavo. Tarira, ndichabvisa Bhaasha neimba yake chose; ndichaita imba yako sezvandakaita imba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati. “Ani nani weimba yaBhaasha unofira muguta, uchadyiwa nembwa; ani nani unofira kusango, uchadyiwa neshiri dzokudenga.” Mamwe mabasa aBhaasha, nezvaakaita, nesimba rake, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aIsiraeri? Bhaasha akavata namadzibaba ake, akavigwa paTiriza, Era mwanakomana wake, akamutevera paushe. Shoko raJehovha rikauyawo nomuromo womuporofita Jehu mwanakomana waHanani, pamusoro paBhaasha, napamusoro peimba yake, nokuda kwezvakaipa zvose zvaakaita pamberi paJehovha, akamutsa shungu dzake pamusoro pamabasa amaoko ake, akanga akafanana neeimba yaJerobhoamu, uye nokuti wakanga amuparadza. Negore ramakumi maviri namatanhatu raAsa mambo waJudha, Era mwanakomana waBhaasha, wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paTiriza, akabata makore maviri. Ipapo muranda wake Zimiri, mukuru wehafu yengoro dzake, akamumukira; zvino iye wakanga ari paTiriza, achinwa achibatwa mumba maAriza mutariri weimba yake paTiriza. Zimiri akapinda, akamubaya, akamuuraya negore ramakumi maviri namanomwe raAsa mambo waJudha, akamutevera paushe. Zvino pakutanga kwake kubata ushe, achangogara pachigaro chake choushe, akauraya vose veimba yaBhaasha; haana kumusiyira mwana mumwe womukomana, kana mumwe wehama dzake, kana mumwe weshamwari dzake. Naizvozvo Zimiri wakaparadza imba yose yaBhaasha, sezvakanga zvarehwa naJehovha, shoko iro raakataura pamusoro paBhaasha nomuporofita Jehu, nokuda kwezvivi zvose zvaBhaasha, nezvivi zvaEra mwanakomana wake, zvavakaita, nezvavakatadzisa Isiraeri nazvo, vakamutsa shungu dzaJehovha Mwari waIsiraeri, nezvinhu zvavo zvisina maturo. Mamwe mabasa aEra, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aIsiraeri? Negore ramakumi maviri namanomwe raAsa mambo waJudha, Zimiri akabata ushe paTiriza mazuva manomwe. Zvino vanhu vakanga vari kumisasa, vachida kurwa navaGibhetoni raiva ravaFirisitia. Zvino vanhu, vakanga vari kumisasa, vakanzwa, zvichinzi, “Zimiri wamukira mambo akamuuraya; naizvozvo vaIsiraeri vose, vakanga vari kumisasa, vakagadza Omiri, mukuru wehondo, ave mambo waIsiraeri zuva iro.” Ipapo Omiri akabva paGibhetoni, akaenda navaIsiraeri vose kuzokomba Tiriza. Zvino Zimiri wakati achiona kuti guta rakundwa, akapinda munhare paimba yamambo, akapisira imba yamambo pamusoro pake, akafa; nokuda kwezvivi zvake pakuita kwake zvakaipa pamberi paJehovha, achifamba nenzira yaJerobhoamu, nomuzvivi zvake zvaakaita, achitadzisa Isiraeri nazvo. Mamwe mabasa aZimiri, nokumukira kwake mambo, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aIsiraeri? Zvino vanhu vaIsiraeri vakaparadzana, vakaita mapoka maviri; vamwe vakatevera Tibhini mwanakomana waGinati, vachida kumuita mambo wavo, asi vamwe vakatevera Omiri. Asi vanhu, vakatevera Omiri, vakakunda vanhu vakatevera Tibhini mwanakomana waGinati; naizvozvo Tibhini akafa, Omiri akabata ushe. Negore ramakumi matatu nerimwe raAsa mambo waJudha, Omiri akatanga kubata ushe hwaIsiraeri, akabata makore ane gumi namaviri; akabata ushe paTiriza makore matanhatu. Akatenga gomo reSamaria kuna Shemeri namatarenda maviri esirivha, akavaka pagomo, akatumidza zita reguta raakavaka Samaria, achitevedzera zita raShemeri, mwene wegomo. Asi Omiri wakaita zvakaipa pamberi paJehovha, akapfuura vose vakamutangira pakuita zvakaipa. Nokuti wakafamba nenzira yose yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, nomuzvivi zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, vakamutsa shungu dzaJehovha Mwari waIsiraeri nezvinhu zvavo zvakanga zvisina maturo. Mamwe mabasa aOmiri, aakaita, nesimba rakaonekwa kwaari, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aIsiraeri? Naizvozvo Omiri akavata namadzibaba ake, akavigwa paSamaria, Ahabhi mwanakomana wake, akamutevera paushe. Negore ramakumi matatu namasere raAsa mambo waJudha, Ahabhi mwanakomana waOmiri wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri; Ahabhi mwanakomana waOmiri akabata ushe hwaIsiraeri paSamaria makore makumi maviri namaviri. Ahabhi mwanakomana waOmiri akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akakunda vose vakamutangira. Chakanga chiri chinhu chiduku hacho kwaari kufamba muzvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, asi wakawana Izebheri mukunda waEtibhaari, mambo wavaZidhoni, akandoshumira Bhaari, akanamata kwaari. Akavakira Bhaari aritari muimba yaBhaari, yaakavaka paSamaria. Ahabhi akaitawo matanda okunamata nawo, Ahabhi akawedzera kumutsa shungu dzaJehovha Mwari waIsiraeri, kupfuura madzimambo ose akamutangira. Pamazuva ake Hieri muBheteri akavaka Jeriko; akafirwa nedangwe rake, Abhiramu, nguva yakaronga nheyo dzaro, uye akafirwa nomwanakomana wake worugotwe, Segubhi, panguva yaakamisa musuo; sezvazvakarehwa naJehovha nomuromo waJoshua mwanakomana waNuni.

1 Madzimambo 16:1-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Shoko raTenzi rakauya kuna Jehu mwanakomana waHanani rakananga Bhaasha richiti, “Pamusana pokuti chingo chandakukwidziridza ndichikubvisa pasi apa pavhu ndikakuita mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri, iwe wakatotevera zvako gwara raJerobhoamu ukapinza vanhu vangu vaIsiraeri muchitadzo vakandishatirisa nezvitadzo zvavo izvozvo, chinzwa, ndichanyatsotsvaira Bhaasha nevemba yake ndichiita kuti imba yake iite semba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati. Wose wokwaBhaasha anofira muguta achadyiwa nembwa, wokwake anofirawo musango achidyiwawo neshiri dzedenga.” Inga dzimwe nyaya dzezvaBhaasha nezvinhu zvaakaita nougamba hwake zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaIsiraeri. Bhaasha akazovata akaenda kwakaenda vamwe madzitateguru ake akavigwa kuTiriza. Mwanakomana wake Era ndiye akazotonga panzvimbo pake. Chakaitisawo kuti shoko raTenzi riuye kumuporofita Jehu rakananga Bhaasha nemba yake kwaiva kutadza kwaakaita kusingadiwi naTenzi achimushatirisa netwaakabata namaoko ake, achitevedzera zvaiitwa nemba yaJerobhoamu uyewo pamusana pokuiparadza kwaakaita. Mugore remakumi maviri nechitanhatu rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha, Era mwanakomana waBhaasha akatanga kutonga vokwaIsiraeri ari kuTiriza; akatonga kwamakore maviri. Asi gurukota rake rainzi Zimuri raiva mutungamiriri wechimwe chikamu chechikwata chevengoro dzehondo akamupandukira. Ari kuTiriza ikoko akati zvake achinwira-nwira iwe zvokutoraradza mumba maAriza mukuru mukuru aiona zvomumuzinda muTiriza imomo, Zimuri akapindamo akamurova akamuuraya muri mugore ramakumi maviri nechinomwe rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha ndokubva ava kutonga panzvimbo pake. Paakatanga kutonga, achangoti garei pachigaro chake choumambo, akauraya vemba yaBhaasha vose zvavo asingamusiyire kana munhurume mumwechete akadai kuhama dzake kana kushamwari dzake. Ikoku ndokuuraya kwakaita Zimuri vose vemba yaBhaasha maererano neshoko raTenzi rakauya nokumuporofita Jehu rakananga Bhaasha pamusana pezvitadzo zvaBhaasha nezvomwana wake zvavakapara zvavakapinzawo nazvo vokwaIsiraeri mukutadza vachishatirisa Tenzi, Mwari weIsiraeri uyewo nezvifananidzo zvokunamata. Inga dzimwe nyaya dzezvaEra nezvinhu zvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri. Mugore ramakumi maviri nechinomwe rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha, Zimuri akatonga kwamazuva manomwe ari muTiriza. Izvozvo hondo dzake dzakanga dzakakomba kurwisa guta ravaFirisitia reGibhetoni. Hondo idzi dzakanga dziri mumatendhe iwayo dzakanzwa kuti Zimuri akamukira mambo akamuuraya naizvozvo vokwaIsiraeri vose vakabva vatora Omuri mutungamiriri wehondo vakamugadza umambo hwokwaIsiraeri zuva iroro kumatendhe avo ikoko. Nokudaro Omuri akabva kuGibhetoni vokwaIsiraeri vose vainaye vakandokomba Tiriza vorirwisa. Pakaona Zimuri kuti guta rakurirwa akatizira mumuzinda wamambo. Akapisa imba yamambo nomoto akatsviramo akafa pamusana pezvitadzo zvake zvaakapara zvokuita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi achitevera zvake gwara raJerobhoamu, uyewo pamusana pechitadzo chake chaakaita chaakapinza nacho vokwaIsiraeri muchitadzo. Inga dzimwe nyaya dzezvaZimuri nokupanduka kwaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaIsraeri. Vanhu vokwaIsiraeri vakabva vakamukana kuita mapato maviri. Chimwe chikamu chakatevera Tibhini mwanakomana waGinati kuti vamuite mambo chimwewo chakatevera Omuri. Asi vaitevera Omuri vakakurira vaitevera Tibhini mwana waGinati, Tibhini ndokufa, Omuri ndokubva ava mambo. Mugore ramakumi matatu nechiposhi rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha, Omuri akatanga kutonga kwaIsiraeri. Akatonga kwamakore gumi namaviri. Makore matanhatu, akatonga ari kuTiriza. Akatenga kuna Shemeru chikomo cheSamaria nezviuru zvitanhatu zvemari yesirivha akavakirira chikomo ichochi norusvingo. Pamusana paShemeru, aimbova muridzi wechikomo ichi, akatumidza guta racho raakavaka zita rokuti Samaria. Omuri akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi zvokuita zvakaipa kupinda vose vakamutangira achitevera makwara ose aJerobhoamu mwana waNebhati nezvitadzo zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri muchitadzo vakashatirisa Tenzi, Mwari weIsiraeri nezvifananidzo zvavo zvokunamata. Inga dzimwe nyaya dzezvaOmuri dzezvinhu zvaakaita nougamba hwaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri. Omuri akazovata oendawo kwakaenda vamwe, madzitateguru ake, akavigwa muSamaria. Mwanakomana wake Ahabhu ndiye akazotonga panzvimbo pake. Mugore ramakumi matatu nechisere rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha, Ahabhu mwanakomana waOmuri akatanga kutonga kwaIsiraeri. Ahabhu uyu mwana waOmuri akatonga kwaIsiraeri ari muSamaria kwamakumi maviri amakore ana makore maviri. Ahabhu mwana waOmuri akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi kupinda vose vakamutangira. Akaona kutevera gwara raJerobhoamu mwanakomana waNebhati sokunge chinhu chidikidiki, akatoroora zvake Jezebhero mukunda waEtibhaari mambo wevaSidhoni, akatoenda kundonamata Bhaari achimupfugamira. Akavakira Bhaari atari mutemberi yaBhaari yaakanga amuvakira kuSamaria. Ahabhu akagadzira chimufananidzo chinomiririra Ashera, mumwe mwari wechikadzi. Ahabhu uyu akaita zvakawanda zvokushatirisa Tenzi kupinda mamwe madzimambo ose okwaIsiraeri akamutangira. Mumazuva ake Hieri wokuBhetieri akavaka Jeriko. Kuvaka ugaro hwaro akatokuripa norufu rwomwana wake mukomana wedangwe ainzi Abhiramu. Kumisawo misuo mikuru yaro akakuripa negotwe rake rechikomana sokutaura kwakaita Tenzi nomuromo waJoshuwa mwanakomana waNuni.

1 Madzimambo 16:1-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino shoko raJehova rakaȿika kunaJehu mŋanakomana waHanani, pamsoro paBaasha, riciti: Ndakakukudza ndikakubvisa paguruʋa, ndikakuita mutuŋgamiriri waʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri; asi wakafamba nenzira yaJeroboami, ukatadzisa ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, ʋakamutsa shuŋgu dzaŋgu neɀiʋi ɀaʋo. Tarira, ndicabvisa Baasha neimba yake cose; ndicaita imba yako seɀandakaita imba yaJeroboami mŋanakomana waNebati. Aninani weimba yaBaasha unofira muguta, ucadyiwa nembga; aninani unofira kusaŋgo, ucadyiwa neshiri dzokuɗeŋga. Mamŋe maɓasa aBaasha, neɀaakaita, nesimba rake, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri? Baasha akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa paTirza, Era mŋanakomana wake, akamuteʋera paʋushe. Shoko raJehova rikaʋuya ʋo nomuromo womuprofita Jehu mŋanakomana waHanani, pamsoro paBaasha, napamsoro peimba yake, nokuɗa kweɀakaipa ɀose ɀaakaita pamberi paJehova, akamutsa shuŋgu dzake pamsoro pamaɓasa amaʋoko ake, akaŋga akafanana neeimba yaJeroboami, ʋuye nokuti wakaŋga amuparadza. Negore ramakumi maʋiri namatanhatu raAsa mambo waJuda, Era mŋanakomana waBaasha, wakataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri paTirza, akaɓata makore maʋiri. Ipapo muranda wake Zimri, mukuru wehafu yeŋgoro dzake, akamumukira; ɀino iye wakaŋga ari paTirza, acinwa aciɓatwa mumba maArza, mutariri weimba yake paTirza. Zimri akapinda, akamuɓaya, akamuʋuraya negore ramakumi maʋiri namanomŋe raAsa mambo waJuda, akamuteʋera paʋushe. Ɀino pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe, acaŋgogara pacigaro cake coʋushe, akaʋuraya ʋose ʋeimba yaBaasha; haana‐kumusiyira mŋana mumŋe womukomana, kana mumŋe wehama dzake, kana mumŋe weshamŋari dzake. Naiɀoɀo Zimri wakaparadza imba yose yaBaasha, seɀakaŋga ɀarebga naJehova, shoko iro raakataura pamsoro paBaasha nomuprofita Jehu, nokuɗa kweɀiʋi ɀose ɀaBaasha, neɀiʋi ɀaEra mŋanakomana wake, ɀaʋakaita, neɀaʋakatadzisa Israeri naɀo, ʋakamutsa shuŋgu dzaJehova Mŋari waIsraeri, neɀinhu ɀaʋo ɀisinamaturo. Mamŋe maɓasa aEra, neɀose ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri? Negore ramakumi maʋiri namanomŋe raAsa mambo waJuda, Zimri akaɓata ʋushe paTirza mazuʋa manomŋe. Ɀino ʋanhu ʋakaŋga ʋari kumisasa, ʋaciɗa kurwa naʋaGibetoni raiʋa raʋaFiristia. Ɀino ʋanhu, ʋakaŋga ʋari kumisasa, ʋakanzwa, ɀicinzi: Zimri wamukira mambo akamuʋuraya; naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋose, ʋakaŋga ʋari kumisasa, ʋakagadza Omri, mukuru wehondo, aʋe mambo waIsraeri zuʋa iro. Ipapo Omri akabva paGibetoni, akaenda naʋaIsraeri ʋose kuzokomba Tirza. Ɀino Zimri wakati aciʋona kuti guta rakundwa, akapinda munhare paimba yamambo, akapisira imba yamambo pamsoro pake, akafa; nokuɗa kweɀiʋi ɀake pakuita kwake ɀakaipa pamberi paJehova, acifamba nenzira yaJeroboami, nomuɀiʋi ɀake ɀaakaita, acitadzisa Israeri naɀo. Mamŋe maɓasa aZimri, nokumukira kwake mambo, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri? Ɀino ʋanhu ʋaIsraeri ʋakaparadzana, ʋakaita mapoka maʋiri; ʋamŋe ʋakateʋera Tibni mŋanakomana waGinati, ʋaciɗa kumuita mambo waʋo, asi ʋamŋe ʋakateʋera Omri. Asi ʋanhu, ʋakateʋera Omri, ʋakakunda ʋanhu ʋakateʋera Tibni mŋanakomana waGinati; naiɀoɀo Tibni akafa, Omri akaɓata ʋushe. Negore ramakumi matatu nerimŋe raAsa mambo waJuda, Omri akataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri, akaɓata makore anegumi namaʋiri; akaɓata ʋushe paTirza makore matanhatu. Akateŋga gomo reSamaria kunaShemeri namatarenta maʋiri esirveri, akaʋaka pagomo, akatumidza zita reguta raakaʋaka Samaria, aciteʋedzera zita raShemeri, mŋene wegomo. Asi Omri wakaita ɀakaipa pamberi paJehova, akapfuʋura ʋose ʋakamutaŋgira pakuita ɀakaipa. Nokuti wakafamba nenzira yose yaJeroboami mŋanakomana waNebati, nomuɀiʋi ɀaakatadzisa Israeri naɀo, ʋakamutsa shuŋgu dzaJehova Mŋari waIsraeri neɀinhu ɀaʋo ɀakaŋga ɀisinamaturo. Mamŋe maɓasa aOmri, aakaita, nesimba rakaʋonekwa kwaari, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri? Naiɀoɀo Omri akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa paSamaria, Ahabi mŋanakomana wake, akamuteʋera paʋushe. Negore ramakumi matatu namasere raAsa mambo waJuda, Ahabi mŋanakomana waOmri wakataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri; Ahabi mŋanakomana waOmri akaɓata ʋushe bgaIsraeri paSamaria makore anamakumi maʋiri namaʋiri. Ahabi mŋanakomana waOmri akaita ɀakaipa pamberi paJehova, akakunda ʋose ʋakamutaŋgira. Cakaŋga ciri cinhu ciɗuku haco kwaari kufamba muɀiʋi ɀaJeroboami mŋanakomana waNebati, asi wakawana Izeberi mukunda waEti‐baari, mambo waʋaZidoni, akandoshumira Baari, akanamata kwaari. Akaʋakira Baari artari muimba yaBaari, yaakaʋaka paSamaria. Ahabi akaita ʋo matanda okunamata nawo, Ahabi akawedzera kumutsa shuŋgu dzaJehova Mŋari waIsraeri, kupfuʋura madzimambo ose akamutaŋgira. Pamazuʋa ake Hieri muBeteri akaʋaka Jeriko; akafirwa neɗaŋgwe rake, Abirami, ŋguʋa yaakaroŋga nheyo dzaro, ʋuye akafirwa nomŋanakomana wake worugotwe, Segubi, paŋguʋa yaakamisa masuʋo; seɀaɀakarebga naJehova nomuromo waJoshua mŋanakomana waNuni.

1 Madzimambo 16:1-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)