1 Madzimambo 14:9 - Compare All Versions
1 Madzimambo 14:9 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iwe wakaita zvakaipa kupfuura vose vakararama iwe usati wavapo. Wakazviitira vamwe vamwari, zviumbwa zvakaitwa nesimbi; waita kuti nditsamwe uye ukandirasira shure kwako.
1 Madzimambo 14:9 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi iwe wakaita zvakaipa kupfuura vose vakakutangira, ukandozviitira vamwe vamwari nemifananidzo yakaumbwa, kuti unditsamwise; ukandirashira shure kwomusana wako.
1 Madzimambo 14:9 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Asi iwe wakaita zvakaipa kupfuura vamwe vose vakakutangira. Wakatetereka ukandozvigadzirira vamwe vamwari nezvifananidzo zvakaumbwa noutare kutondishatirisa zvako uchindipa gotsi.
1 Madzimambo 14:9 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
asi iwe wakaita ɀakaipa kupfuʋura ʋose ʋakakutaŋgira, ukandoɀiitira ʋamŋe ʋamŋari nemifananidzo yakaʋumbga, kuti unditsamŋise; ukandirashira shure kwomusana wako.
1 Madzimambo 14:9 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi iwe wakaita zvakaipa kupfuura vamwe vose vakakutangira. Wakatetereka ukandozvigadzirira vamwe vamwari nezvifananidzo zvakaumbwa noutare kutondishatirisa zvako uchindipa gotsi.