Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 14:8 - Compare All Versions

1 Madzimambo 14:8 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ndakabvarura umambo kubva muimba yaDhavhidhi ndikahupa kwauri, asi hauna kuva somuranda wangu Dhavhidhi, akachengeta mirayiro yangu uye akanditevera nomwoyo wake wose, akaita zvakanaka chete pamberi pangu.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 14 BDSC

1 Madzimambo 14:8 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

ndikabvarura ushe, ndikahubvisa paimba yaDhavhidhi, ndikahupa iwe; asi iwe hauna kuva saDhavhidhi muranda wangu, waichengeta mirairo yangu, akanditevera nomwoyo wake wose, achiita zvakanaka zvoga pameso angu

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 14 SNA2002

1 Madzimambo 14:8 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

ndikabvarurawo umambo hwemba yaDhavhidhi ndichipa iwe, zvakadaro zvazvo hauna kuva somuranda wangu Dhavhidhi aichengeta mitemo yangu achinditevera nomwoyo wose achiita zvakarurama chete zvandinoda.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 14 SCLBD

1 Madzimambo 14:8 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

ndikabvarura ʋushe, ndikabgubvisa paimba yaDavidi, ndikabgupa iwe; asi iwe hauna‐kuʋa saDavidi muranda waŋgu, waiceŋgeta mirairo yaŋgu, akanditeʋera nomŋoyo wake wose, aciita ɀakanaka ɀoga pameso aŋgu

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 14 SUB1949

1 Madzimambo 14:8 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

ndikabvarurawo umambo hwemba yaDhavhidhi ndichipa iwe, zvakadaro zvazvo hauna kuva somuranda wangu Dhavhidhi aichengeta mitemo yangu achinditevera nomwoyo wose achiita zvakarurama chete zvandinoda.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 14 SCLB