1 Madzimambo 13:16-18
1 Madzimambo 13:16-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Munhu waMwari akati, “Handigoni kudzoka nemi, zvakare handigoni kudya chingwa kana kunwa mvura nemi panzvimbo ino. Ndakaudzwa neshoko raJehovha kuti, ‘Haufaniri kudya chingwa kana kunwa mvura ikoko kana kudzoka nenzira yaunenge wauya nayo.’ ” Muprofita akanga ava harahwa akapindura akati, “Neniwo ndiri muprofita sezvawakaita. Zvino mutumwa ati kwandiri neshoko raJehovha, ‘Dzoka naye kumba kwako kuitira kuti adye chingwa uye anwe mvura.’ ” Asi akanga achimunyepera.
1 Madzimambo 13:16-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Iye akati, “Handingagoni kudzoka nemi kana kupinda kwamuri, handingadyi zvokudya, kana kunwa mvura nemi pano; nokuti ndakarairwa neshoko raJehovha, akati, ‘Usadya zvokudya, kana kunwa mvurapo kana kudzoka nenzira yawaenda nayo.’ ” Ipapo akati kwaari, “Neniwo ndiri muporofita sewe; zvino mutumwa wakandiudza shoko raJehovha, akati, ‘Dzoka naye kumba kwako, adye zvokudya nokunwa mvura.’ ” Akareva nhema kwaari.
1 Madzimambo 13:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Iye ndokuti, “Handikwanisi kudzokera nemi kana kuenda nemi kunyange kudya chokudya kana kunwa mvura zvayo nemi kuno uku nokuti ndakanzi neshoko raTenzi ndisadye chokudya kana kunwa zvako mvura yeko kana kudzokera nenzira yandakambofamba nayo pakuuya.” Vakamuti, “Ini ndiri muporofitawo semi. Mutumwa anditaurirawo shoko raTenzi achiti, ‘Dzokera naye kumba kwako kuti adye chokudya amwewo mvura,’ ” asi akanga achimunyepera zvake.
1 Madzimambo 13:16-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iye akati: Handiŋgagoni kudzoka nemi, kana kupinda kwamuri, handiŋgadyi ɀokudya, kana kunwa mvura nemi pano; nokuti ndakarairwa neshoko raJehova, akati: Usadya ɀokudya, kana kunwa mvura’po, kana kudzoka nenzira yawaenda nayo. Ipapo akati kwaari: Neni ʋo ndiri muprofita sewe; ɀino mutumŋa wakandiʋudza shoko raJehova, akati: Dzoka naye kumba kwako, adye ɀokudya nokunwa mvura. Akareʋa nhema kwaari.
1 Madzimambo 13:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)