Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 11:1-3 - Compare All Versions

1 Madzimambo 11:1-3 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Zvisinei, Mambo Soromoni akada vakadzi vazhinji vamamwe marudzi pamwe chete nomwanasikana waFaro, wechiMoabhu, vechiAmoni, vechiEdhomu, vechiSidhoni nevechiHiti. Vaiva vamarudzi ayo akanga anzi naJehovha kuvana vaIsraeri, “Musaroorerane navo nokuti vachapindura mwoyo yenyu ikatevera vamwari vavo.” Zvakadaro, Soromoni akanamatira kwavari murudo. Aiva navakadzi mazana manomwe, vanasikana vamadzimambo, navamwe varongo mazana matatu; vakadzi vake vakatsausa mwoyo wake.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 11 BDSC

1 Madzimambo 11:1-3 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino mambo Soromoni wakanga achida vakadzi vazhinji vatorwa pamwechete nomukunda waFarao, vakadzi vavaMoabhu, navaAmoni, navaEdhomu, navaZidhoni, navaHiti; vaiva vendudzi dzakanga dzanzi naJehovha kuvana vaIsiraeri, “Musaenda pakati pavo, naivo ngavarege kupinda pakati penyu; nokuti zvirokwazvo, vachatsautsa mwoyo yenyu mukazotevera vamwari vavo;” zvino Soromoni wakanamatira ivavo achivada. Wakanga ana vakadzi vana mazana manomwe, vakunda vamadzimambo, navarongo vana mazana matatu; vakadzi vake vakatsautsa mwoyo wake.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 11 SNA2002

1 Madzimambo 11:1-3 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mambo Soromoni akada vakadzi vakawanda kwazvo vechirudzi, kwaiti mukunda waFarao navakadzi vechiMoabhu nevechiAmoni nevechiEdhomu nevechiSidhoni nevechiHiti. Marudzi iwaya ndiwo akanga afanoyambirwa vaIsiraeri naTenzi achiti, “Hamufaniri kuroorerana navo. Chiripo chaicho ndechokuti vachakukwezverai mwoyo kuna vamwari vavo.” Asi Soromoni ndiye akaramba angoti kwati navo. Aiva navakadzi mazana manomwe vakanga vari vakunda vamadzimambo aivawo navarongo mazana matatu. Vakadzi vake ivava vakamukwezvera mwoyo kusiriiko

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 11 SCLBD

1 Madzimambo 11:1-3 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino mambo Soromoni wakaŋga aciɗa ʋakadzi ʋazhinji ʋatorwa pamŋe cete nomukunda waFarao, ʋakadzi ʋaʋaMoabi, naʋaAmoni, naʋaEdomi, naʋaZidoni, naʋaHiti; ʋaiʋa ʋendudzi dzakaŋga dzanzi naJehova kuʋana ʋaIsraeri: Musaenda pakati paʋo, naiʋo ŋgaʋarege kupinda pakati penyu; nokuti ɀirokwaɀo, ʋacatsausa mŋoyo yenyu mukazoteʋera ʋamŋari ʋaʋo; ɀino Soromoni wakanamatira iʋaʋo aciʋaɗa. Wakaŋga anaʋakadzi ʋanamazana manomŋe, ʋakunda ʋamadzimambo, naʋaroŋgo ʋanamazana matatu; ʋakadzi ʋake ʋakatsausa mŋoyo wake.

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 11 SUB1949

1 Madzimambo 11:1-3 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mambo Soromoni akada vakadzi vakawanda kwazvo vechirudzi, kwaiti mukunda waFarao navakadzi vechiMoabhu nevechiAmoni nevechiEdhomu nevechiSidhoni nevechiHiti. Marudzi iwaya ndiwo akanga afanoyambirwa vaIsiraeri naTenzi achiti, “Hamufaniri kuroorerana navo. Chiripo chaicho ndechokuti vachakukwezverai mwoyo kuna vamwari vavo.” Asi Soromoni ndiye akaramba angoti kwati navo. Aiva navakadzi mazana manomwe vakanga vari vakunda vamadzimambo aivawo navarongo mazana matatu. Vakadzi vake ivava vakamukwezvera mwoyo kusiriiko

Pakurirana nevamwe
1 Madzimambo 11 SCLB