1 Johani 4:9-11
1 Johani 4:9-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwari akaratidza rudo rwake pakati pedu sezvizvi: Akatuma Mwanakomana wake mumwe woga munyika kuti tive noupenyu kubudikidza naye. Urwu ndirwo rudo: kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye akatida uye akatuma Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chinoyananisa zvivi zvedu. Shamwari dzinodikanwa, sezvo Mwari akatida zvakadai, isu tinofanirawo kudanana.
1 Johani 4:9-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Rudo rwaMwari rwakaratidzwa kwatiri nechinhu ichi, kuti Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa ari mumwechete, munyika, kuti tive noupenyu naye. Rudo ruri pachinhu ichi, kuti hatizisu takada Mwari, asi kuti ndiye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave rudzikinuro rwezvivi zvedu. Vadikanwi, kana Mwari akatida saizvozvo, nesuo tinofanira kudana.
1 Johani 4:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Rudo rwaMwari rwakaratidzwa pakati pedu nezvizvi zvokuti Mwari akatuma Mwanakomana wake mumwechete pasi pano kuti tiraramiswe naye. Urwu ndirwo rudo sezvarwuri izvi kwete rwokuti isu ndisu takada Mwari asi rwokuti iye ndiye akatida. Akatitumira Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chokupfupira zvitadzo zvedu. Vadikanwi, kana Mwari akatida zvakadai isuwo tinofanira kudanana.
1 Johani 4:9-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ruɗo rwaMŋari rwakaratidzwa kwatiri necinhu ici, kuti Mŋari wakatuma Mŋanakomana wake, wakaɓerekwa ari mumŋe cete, munyika, kuti tiʋe noʋupenyu naye. Ruɗo ruri pacinhu ici, kuti hatizisu takaɗa Mŋari, asi kuti ndiye wakatiɗa, akatuma Mŋanakomana wake kuti aʋe rudzikinuro rweɀiʋi ɀeɗu. Ʋaɗikanwa, kana Mŋari akatiɗa saiɀoɀo, nesu ʋo tinofanira kuɗana.
1 Johani 4:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)