Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Johani 4:7-9 - Compare All Versions

1 Johani 4:7-9 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Shamwari dzinodikanwa, ngatidananei, nokuti rudo runobva kuna Mwari. Mumwe nomumwe anoda akaberekwa naMwari uye anoziva Mwari. Ani naani asingadi haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo. Mwari akaratidza rudo rwake pakati pedu sezvizvi: Akatuma Mwanakomana wake mumwe woga munyika kuti tive noupenyu kubudikidza naye.

Pakurirana nevamwe
1 Johani 4 BDSC

1 Johani 4:7-9 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Vadikanwi, ngatidane; nokuti rudo runobva kuna Mwari; mumwe nomumwe, anoda, akaberekwa naMwari, anoziva Mwari. Asingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo. Rudo rwaMwari rwakaratidzwa kwatiri nechinhu ichi, kuti Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa ari mumwechete, munyika, kuti tive noupenyu naye.

Pakurirana nevamwe
1 Johani 4 SNA2002

1 Johani 4:7-9 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Vadikanwi ngatidananei nokuti rudo runobva kuna Mwari. Munhu wose ano rudo akaberekwa naMwari uye anoziva Mwari. Asina rudo haazivi Mwari nokuti Mwari rudo. Rudo rwaMwari rwakaratidzwa pakati pedu nezvizvi zvokuti Mwari akatuma Mwanakomana wake mumwechete pasi pano kuti tiraramiswe naye.

Pakurirana nevamwe
1 Johani 4 SCLBD

1 Johani 4:7-9 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ʋaɗikanwa, ŋgatiɗane; nokuti ruɗo runobva kunaMŋari; mumŋe nomumŋe, unoɗa, wakaɓerekwa naMŋari, unoziʋa Mŋari. Usiŋgaɗi, haaziʋi Mŋari, nokuti Mŋari ruɗo. Ruɗo rwaMŋari rwakaratidzwa kwatiri necinhu ici, kuti Mŋari wakatuma Mŋanakomana wake, wakaɓerekwa ari mumŋe cete, munyika, kuti tiʋe noʋupenyu naye.

Pakurirana nevamwe
1 Johani 4 SUB1949

1 Johani 4:7-9 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Vadikanwi ngatidananei nokuti rudo runobva kuna Mwari. Munhu wose ano rudo akaberekwa naMwari uye anoziva Mwari. Asina rudo haazivi Mwari nokuti Mwari rudo. Rudo rwaMwari rwakaratidzwa pakati pedu nezvizvi zvokuti Mwari akatuma Mwanakomana wake mumwechete pasi pano kuti tiraramiswe naye.

Pakurirana nevamwe
1 Johani 4 SCLB