Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Johani 4:2-3,6 - Compare All Versions

1 Johani 4:2-3 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Aya ndiwo maziviro amungaita Mweya waMwari: mweya mumwe nomumwe unopupura kuti Jesu Kristu akauya munyama unobva kuna Mwari, asi mweya wose usingapupuri Jesu haubvi kuna Mwari. Ndiwo mweya waandikristu, wamakanzwa kuti uri kuuya uye kunyange iye zvino watova munyika.

Pakurirana nevamwe
1 Johani 4 BDSC

1 Johani 4:6 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Isu tinobva kuna Mwari, uye ani naani anoziva Mwari anotinzwa; asi ani naani asingabvi kuna Mwari haatinzwi. Izvi ndizvo zvinoita kuti tizive mweya wechokwadi nomweya wenhema.

Pakurirana nevamwe
1 Johani 4 BDSC

1 Johani 4:2-3 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Ndizvo zvamunoziva nazvo Mweya waMwari; Mweya mumwe nomumwe unopupura kuti Jesu Kristu akauya munyama, ndowaMwari. Mweya mumwe nomumwe usingapupuri Jesu, hauzi waMwari; iwo ndowaantikristu, wamakanzwa kuti anouya; nazvino atova panyika.

Pakurirana nevamwe
1 Johani 4 SNA2002

1 Johani 4:6 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Isu tiri vaMwari; anoziva Mwari, anotinzwa; asiri waMwari, haatinzwi. Ndizvo zvatinoziva nazvo Mweya wechokwadi, nomweya wokutsauka.

Pakurirana nevamwe
1 Johani 4 SNA2002

1 Johani 4:2-3 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ndiɀo ɀamunoziʋa naɀo Mŋeya waMŋari: Mŋeya mumŋe nomumŋe unopupura kuti Jesu Kristu wakaʋuya munyama, ndowaMŋari. Mŋeya mumŋe nomumŋe usiŋgapupuri Jesu, hauzi waMŋari; iwo ndowaantikristu, wamakanzwa kuti unoʋuya; naɀino watoʋa panyika.

Pakurirana nevamwe
1 Johani 4 SUB1949

I Johane 4:6 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Isu tiri ʋaMŋari; unoziʋa Mŋari, unotinzwa; usi waMŋari, haatinzwi. Ndiɀo ɀatinoziʋa naɀo Mŋeya waɀokwaɗi, nomŋeya wokutsauka.

Pakurirana nevamwe
1 Johani 4 SUB1949

1 Johani 4:2-3 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Zvamunoziva nazvo Mweya waMwari ndezvizvi: Mweya wose unopupura kuti, Jesu Kristu akauya nomuviri, ndowaMwari. Mweya wose usingapupuri izvozvi nezvaJesu, hausi waMwari. Uyu ndiwo mweya wemhandu yaKristu wamakambonzwa kuti uri kuuya iye zvino watova pasi pano.

Pakurirana nevamwe
1 Johani 4 SCLB

1 Johani 4:6 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Isu tiri vanhu vaMwari, anoziva Mwari anotiteerera, asiri waMwari haatiteereri. Izvozvi ndizvo zvinotiratidza mweya wechokwadi nomweya usiri wechokwadi.

Pakurirana nevamwe
1 Johani 4 SCLB

1 Johani 4:2-3 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Zvamunoziva nazvo Mweya waMwari ndezvizvi: Mweya wose unopupura kuti, Jesu Kristu akauya nomuviri, ndowaMwari. Mweya wose usingapupuri izvozvi nezvaJesu, hausi waMwari. Uyu ndiwo mweya wemhandu yaKristu wamakambonzwa kuti uri kuuya iye zvino watova pasi pano.

Pakurirana nevamwe
1 Johani 4 SCLBD

1 Johani 4:6 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Isu tiri vanhu vaMwari, anoziva Mwari anotiteerera, asiri waMwari haatiteereri. Izvozvi ndizvo zvinotiratidza mweya wechokwadi nomweya usiri wechokwadi.

Pakurirana nevamwe
1 Johani 4 SCLBD