1 Johani 4:18-20
1 Johani 4:18-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Murudo hamuna kutya. Asi rudo rwakakwana runodzinga kutya, nokuti kutya kune chokuita nokurangwa. Munhu anotya haana kukwaniswa murudo. Tinomuda nokuti iye akatanga kutida. Kana munhu achiti, “Ndinoda Mwari,” asingadi hama yake, murevi wenhema. Nokuti ani naani asingadi hama yake yaakaona, haagoni kuda Mwari, waasina kumboona.
1 Johani 4:18-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hakuna kutya murudo; asi rudo, rwakakwana, runodzinga kutya, nokuti kutya kunorohwa; munhu, anotya, haana kukwaniswa parudo. Isu tinoda, nokuti iye akatanga kutida. Kana munhu achiti, ndinoda Mwari, achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti asingadi hama yake yaakaona, angada seiko Mwari, waasina kumuona?
1 Johani 4:18-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pane rudo hapana kutya uye rudo rwakaperera runodzinga kutya nokuti uyo anotya anenge achitya kurangwa. Munhu anotya kurangwa rudo rwake haruna kuperera. Isu tine rudo nokuti akatanga kutida. Kana munhu achiti anoda Mwari asi achivenga mumwe wake, munyepi nokuti asingadi mumwe wake waanoona, haangakwanisi kuda Mwari waasati amboona.
1 Johani 4:18-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hakunokutya muruɗo; asi ruɗo, rwakakwana, runodziŋga kutya, nokuti kutya kunorobga; munhu, unotya, haana‐kukwaniswa paruɗo. Isu tinoɗa, nokuti iye wakataŋga kutiɗa. Kana munhu aciti, ndinoɗa Mŋari, aciʋeŋga hama yake, mureʋi wenhema; nokuti usiŋgaɗi hama yake yaakaʋona, uŋgaɗa seiko Mŋari, waasina‐kumuʋona?
1 Johani 4:18-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)