1 Johani 4:1-6
1 Johani 4:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shamwari dzinodikanwa, musatenda mweya yose yose, asi edzai mweya kuti muone kana ichibva kuna Mwari, nokuti vaprofita vazhinji venhema vakapinda munyika. Aya ndiwo maziviro amungaita Mweya waMwari: mweya mumwe nomumwe unopupura kuti Jesu Kristu akauya munyama unobva kuna Mwari, asi mweya wose usingapupuri Jesu haubvi kuna Mwari. Ndiwo mweya waandikristu, wamakanzwa kuti uri kuuya uye kunyange iye zvino watova munyika. Imi, vana vanodikanwa, munobva kuna Mwari uye makavakunda, nokuti ari mamuri mukuru kuna iye ari munyika. Ivo ndevenyika, naizvozvo vanotaura sevenyika, uye nyika inovanzwa. Isu tinobva kuna Mwari, uye ani naani anoziva Mwari anotinzwa; asi ani naani asingabvi kuna Mwari haatinzwi. Izvi ndizvo zvinoita kuti tizive mweya wechokwadi nomweya wenhema.
1 Johani 4:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vadikanwi, musatenda mweya yose, asi muedze mweya, kuti muone kana yakabva kuna Mwari; nokuti vaporofita vazhinji venhema vakabudira munyika. Ndizvo zvamunoziva nazvo Mweya waMwari; Mweya mumwe nomumwe unopupura kuti Jesu Kristu akauya munyama, ndowaMwari. Mweya mumwe nomumwe usingapupuri Jesu, hauzi waMwari; iwo ndowaantikristu, wamakanzwa kuti anouya; nazvino atova panyika. Vana vaduku, imi, muri vaMwari, makavakunda, nokuti uyo, ari mamuri, mukuru kuna iye, uri munyika. Ivo ndovenyika, naizvozvo vanotaura savenyika, nenyika inovanzwa. Isu tiri vaMwari; anoziva Mwari, anotinzwa; asiri waMwari, haatinzwi. Ndizvo zvatinoziva nazvo Mweya wechokwadi, nomweya wokutsauka.
1 Johani 4:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vadikanwi regai kungotenda mweya wose wose, asi edzai mweya iyoyo muone kuti inobva kuna Mwari here nokuti vaporofita venhema vazhinji vapararira nenyika. Zvamunoziva nazvo Mweya waMwari ndezvizvi: Mweya wose unopupura kuti, Jesu Kristu akauya nomuviri, ndowaMwari. Mweya wose usingapupuri izvozvi nezvaJesu, hausi waMwari. Uyu ndiwo mweya wemhandu yaKristu wamakambonzwa kuti uri kuuya iye zvino watova pasi pano. Vanangu imi muri vanhu vaMwari, imi makatovakurira Nokuti iye ari mamuri mukuru kupinda satani ari pasi pano. Ivo ndevepasi pano naizvozvo zvavanotaura ndezvapasi pano uye nyika inovateerera. Isu tiri vanhu vaMwari, anoziva Mwari anotiteerera, asiri waMwari haatiteereri. Izvozvi ndizvo zvinotiratidza mweya wechokwadi nomweya usiri wechokwadi.
1 Johani 4:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋaɗikanwa, musatenda mŋeya yose, asi muidze mŋeya, kuti muʋone kana yakabva kunaMŋari; nokuti ʋaprofita ʋazhinji ʋenhema ʋakaɓuɗira munyika. Ndiɀo ɀamunoziʋa naɀo Mŋeya waMŋari: Mŋeya mumŋe nomumŋe unopupura kuti Jesu Kristu wakaʋuya munyama, ndowaMŋari. Mŋeya mumŋe nomumŋe usiŋgapupuri Jesu, hauzi waMŋari; iwo ndowaantikristu, wamakanzwa kuti unoʋuya; naɀino watoʋa panyika. Ʋana ʋaɗuku, imi, muri ʋaMŋari, makaʋakunda, nokuti uyo, uri mamuri, mukuru kunaiye, uri munyika. Iʋo ndoʋenyika, naiɀoɀo ʋanotaura saʋenyika, nenyika inoʋanzwa. Isu tiri ʋaMŋari; unoziʋa Mŋari, unotinzwa; usi waMŋari, haatinzwi. Ndiɀo ɀatinoziʋa naɀo Mŋeya waɀokwaɗi, nomŋeya wokutsauka.
1 Johani 4:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)