1 Johani 3:8 - Compare All Versions
1 Johani 3:8 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uyo anoita zvakaipa ndowadhiabhori, nokuti dhiabhori akanga achingotadza kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari akaonekwa nokuda kwaizvozvi kuti aparadze basa radhiabhori.
1 Johani 3:8 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uyo, anoita zvivi, ndowaDhiabhori, nokuti Dhiabhori anoita zvivi kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari akaoneswa nemhaka iyi kuti aparadze mabasa aDhiabhori.
1 Johani 3:8 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Munhu anoita chitadzo, ndowaSatani nokuti Satani aingotadzira Mwari kubvira pakutanga. Chikonzero chakaita kuti Mwanakomana waMwari azviratidze ndechichi chokuti aparadze mabasa aSatani.
1 Johani 3:8 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Uyo, unoita ɀiʋi, ndowaDiaborosi, nokuti Diaborosi unoita ɀiʋi kubva pakutaŋga. Mŋanakomana waMŋari wakaʋoneswa nemhaka iyi kuti aparadze maɓasa aDiaborosi.
1 Johani 3:8 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu anoita chitadzo, ndowaSatani nokuti Satani aingotadzira Mwari kubvira pakutanga. Chikonzero chakaita kuti Mwanakomana waMwari azviratidze ndechichi chokuti aparadze mabasa aSatani.