1 Johani 2:28-29
1 Johani 2:28-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye zvino, vana vanodiwa, rambai muri maari, kuitira kuti paanoonekwa tive nokushinga uye tisinganyadziswi pamberi pake pakuuya kwake. Kana muchiziva kuti iye akarurama, munoziva kuti mumwe nomumwe anoita zvakarurama akaberekwa naye.
1 Johani 2:28-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino, vana vaduku, garai maari, kuti, kana achizooneswa, tive nokusatya, tirege kunyadziswawo pamberi pake pakuuya kwake. Kana muchiziva kuti iye akarurama, zivaiwo kuti mumwe nomumwe anoita zvakarurama akaberekwa naye.
1 Johani 2:28-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino vanangu, garai makabatana naye kuti kana iye ozviratidza tive nechivimbo. Tirege kunyara pakuuya kwake. Kana muchiziva kuti iye akarurama munofanira kunyatsoziva kuti munhu wose anoita zvakanaka akaberekwa naye.
1 Johani 2:28-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino, ʋana ʋaɗuku, garai maari, kuti, kana acizoʋoneswa, tiʋe nokusatya, tirege kunyadziswa ʋo pamberi pake pakuʋuya kwake. Kana muciziʋa kuti iye wakarurama, ziʋai ʋo kuti mumŋe nomumŋe unoita ɀakarurama wakaɓerekwa naye.
1 Johani 2:28-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)