1 Johani 2:27-28
1 Johani 2:27-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana murimi, kuzodzwa kwamakagamuchira kubva kwaari kunogara mamuri, uye hamutsvaki mumwe munhu kuti akudzidzisei. Asi sezvo kuzodza kwake kuchikudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose uye sezvo kuzodza ikoko kuri kwechokwadi, kwete kwenhema, sezvakwakakudzidzisai, garai maari. Uye zvino, vana vanodiwa, rambai muri maari, kuitira kuti paanoonekwa tive nokushinga uye tisinganyadziswi pamberi pake pakuuya kwake.
1 Johani 2:27-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kana murimi, kuzodzwa kwamakagamuchira kwaari kunogara mamuri, hamufaniri kuti mudzidziswe nomunhu; asi kuzodza kwake, sezvakunokudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose, kuri kwechokwadi, chisati chiri nhema, sezvakwakakudzidzisai, garai maari. Zvino, vana vaduku, garai maari, kuti, kana achizooneswa, tive nokusatya, tirege kunyadziswawo pamberi pake pakuuya kwake.
1 Johani 2:27-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mweya Mutsvene wamakazodzwa naye, anoramba ari mamuri. Hazvichisina basa kwamuri kuti muve neanokudzidzisai, nokuti iye wamakazodzwa naye anokudzidzisai uye ndewechokwadi ari pachokwadi haarevi nhema sokukudzidzisai kwaakakuitai, rambai muinaye. Zvino vanangu, garai makabatana naye kuti kana iye ozviratidza tive nechivimbo. Tirege kunyara pakuuya kwake.
1 Johani 2:27-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana muri’mi, kuzodzwa kwamakagamucira kwaari kunogara mamuri, hamufaniri kuti mudzidziswe nomunhu; asi kuzodza kwake, seɀakunokudzidzisai pamsoro peɀinhu ɀose, kuri kwaɀokwaɗi, dzisati dziri nhema, seɀakwakakudzidzisai, garai maari. Ɀino, ʋana ʋaɗuku, garai maari, kuti, kana acizoʋoneswa, tiʋe nokusatya, tirege kunyadziswa ʋo pamberi pake pakuʋuya kwake.
1 Johani 2:27-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)