1 Johani 2:12-14
1 Johani 2:12-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinokunyorerai, vana vangu vandinoda, nokuti zvivi zvenyu zvakaregererwa nokuda kwezita rake. Ndinokunyorerai, madzibaba, nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai, imi majaya, nokuti makakunda iye akaipa. Ndinokunyorerai, vana vanodikanwa, nokuti makaziva Baba. Ndinokunyorerai, madzibaba, nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai, imi majaya, nokuti mune simba, shoko raMwari rinogara mamuri, uye makakunda iye akaipa.
1 Johani 2:12-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinokunyorerai, vana vaduku, nokuti makaregererwa zvivi nokuda kwezita rake. Ndinokunyorerai, madzibaba, nokuti munoziva iye akanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai majaya, nokuti makakunda wakaipa. Ndakunyorerai, vana vaduku, nokuti munoziva Baba. Ndakunyorerai, madzibaba, nokuti munoziva iye akanga aripo kubva pakutanga. Ndakunyorerai, majaya, nokuti mune simba, neshoko raMwari rinogara mamuri, makakunda wakaipa.
1 Johani 2:12-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndiri kukunyorerai vanangu, nokuti zvitadzo zvenyu zvakaregererwa muzita rake. Ndiri kukunyorerai imi madzibaba nokuti munomuziva iye akanga aripo kubvira pakutanga. Ndiri kukunyorerai imi vechiduku nokuti makakunda muipi. Ndiri kukunyorerai imi vana nokuti munoziva baba. Ndiri kukunyorerai imi madzibaba nokuti munoziva iye akanga ari pakutanga. Ndiri kukunyorerai imi vechidiki nokuti makasimba uye nokuti izwi raMwari rinogara mamuri uyezve nokuti makakunda muipi.
1 Johani 2:12-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinokunyorerai, ʋana ʋaɗuku, nokuti makakaŋganwirwa ɀiʋi nokuɗa kwezita rake. Ndinokunyorerai, madziɓaɓa, nokuti munoziʋa iye wakaŋga ari’po kubva pakutaŋga. Ndinokunyorerai, majaya, nokuti makakunda wakaipa. Ndakunyorerai, ʋana ʋaɗuku, nokuti munoziʋa Ƃaɓa. Ndakunyorerai, madziɓaɓa, nokuti munoziʋa iye wakaŋga ari’po kubva pakutaŋga. Ndakunyorerai, majaya, nokuti munesimba, neshoko raMŋari rinogara mamuri, makakunda wakaipa.
1 Johani 2:12-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)