Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Johani 1:4-9 - Compare All Versions

1 Johani 1:4-9 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Tiri kunyora izvi kuti mufaro wedu uzadziswe. Iyi ndiyo mharidzo yatakanzwa kwaari uye yatinoparidza kwamuri kuti: Mwari ndiye chiedza; maari hamuna rima zvachose. Kana tichiti tinowadzana naye asi tichifamba murima, tinoreva nhema uye hatigari muchokwadi. Asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari muchiedza, tinowadzana nomumwe nomumwe wedu, uye ropa raJesu, Mwanakomana wake, rinotinatsa pazvivi zvose. Kana tichiti hatina chivi, tinozvinyengera uye chokwadi hachizi matiri. Kana tichireurura zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama, uye achatikanganwira zvivi zvedu agotinatsa pakusarurama kwose.

Pakurirana nevamwe
1 Johani 1 BDSC

1 Johani 1:4-9 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvinhu izvi tinokunyorerai, kuti mufaro wedu uzadziswe. Heyi mharidzo yatakanzwa kwaari, yatinokuparidziraiwo, kuti Mwari chiedza, hamuna rima maari. Kana tichiti, tinoyanana naye, tichifamba murima, tinoreva nhema, hatiite chokwadi; asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari muchiedza, tinoyanana isu; neropa raJesu Kristu, Mwanakomana wake, rinotinatsa pazvivi zvose. Kana tichiti, hatina zvivi, tinozvinyengera, chokwadi chisiri matiri. Kana tichizvireurura zvivi zvedu, iye akatendeka akarurama, nokudaro anotiregerera zvivi zvedu, nokutinatsa pakusakarurama kwose.

Pakurirana nevamwe
1 Johani 1 SNA2002

1 Johani 1:4-9 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀinhu iɀi tinokunyorerai, kuti mufaro weɗu uzadziswe. Heyi mharidzo yatakanzwa kwaari, yatinokuparidzirai ʋo, kuti Mŋari ciedza, hamunerima maari. Kana ticiti, tinoyanana naye, ticifamba murima, tinoreʋa nhema, hatiiti ɀokwaɗi; asi kana ticifamba muciedza, saiye ari paciedza, tinoyanana isu; neropa raJesu Kristu, Mŋanakomana wake, rinotinatsa paɀiʋi ɀose. Kana ticiti, hatineɀiʋi, tinoɀinyeŋgera, ɀokwaɗi haizi matiri. Kana ticiɀireʋurura ɀiʋi ɀeɗu, iye wakatendeka wakarurama, nokuɗaro kuti unotikaŋganwira ɀiʋi ɀeɗu, nokutinatsa pakusakarurama kwose.

Pakurirana nevamwe
1 Johani 1 SUB1949

1 Johani 1:4-9 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Tiri kunyora izvi kuti rufaro rwedu rwuzare. Iri ndiro shoko ratakanzwa kwaari ratinokuparidzaiwo rokuti, Mwari chiedza uye kuti maari hamuna kana rima zvaro. Kana tikati tino ukama hwakanaka naye isu tichifamba murima tinoreva nhema uye tisingatevedzi chokwadi. Asi tikafamba muchiedza saiye ari muchiedza, tine ukama hwakanaka pakati pedu uye ropa raJesu Mwanakomana wake rinotisuka kuzvitadzo zvose. Kana tikati hatisi vatadzi tinozvinyengedza uye chokwadi hachisi matiri. Tikareurura zvitadzo zvedu iye anotendeka uye akarurama, anotiregerera zvitadzo zvedu achitichenesa kuunyangadzi hwose.

Pakurirana nevamwe
1 Johani 1 SCLB

1 Johani 1:4-9 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Tiri kunyora izvi kuti rufaro rwedu rwuzare. Iri ndiro shoko ratakanzwa kwaari ratinokuparidzaiwo rokuti, Mwari chiedza uye kuti maari hamuna kana rima zvaro. Kana tikati tino ukama hwakanaka naye isu tichifamba murima tinoreva nhema uye tisingatevedzi chokwadi. Asi tikafamba muchiedza saiye ari muchiedza, tine ukama hwakanaka pakati pedu uye ropa raJesu Mwanakomana wake rinotisuka kuzvitadzo zvose. Kana tikati hatisi vatadzi tinozvinyengedza uye chokwadi hachisi matiri. Tikareurura zvitadzo zvedu iye anotendeka uye akarurama, anotiregerera zvitadzo zvedu achitichenesa kuunyangadzi hwose.

Pakurirana nevamwe
1 Johani 1 SCLBD