1 VaKorinde 8:1-13
1 VaKorinde 8:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino, pamusoro pezvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo: Tinoziva kuti tose tino ruzivo. Ruzivo runouyisa kuzvikudza, asi rudo runovaka. Munhu anofunga kuti anoziva chinhu achigere kuziva zvaanofanira kuziva. Asi munhu anoda Mwari anozivikanwa naMwari. Saka naizvozvo, pamusoro pokudya zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo: Tinoziva kuti chifananidzo hachizi chinhu zvachose panyika uye kuti hakuna Mwari, asi iye mumwe chete. Nokuti kunyange dai varipo vanonzi vamwari, kungava kudenga kana panyika (sezvavaripo zvirokwazvo “vamwari” vazhinji uye na“madzishe” mazhinji), asi isu tina Mwari mumwe chete, ivo Baba, zvinhu zvose zvakabva kwavari uye ndivo vatinoraramira; uye tina She mumwe chete, Jesu Kristu, zvinhu zvose zvakavapo kubudikidza naye, uye nesu tinorarama kubudikidza naye. Asi havasi vose vanoziva izvi. Vamwe vanhu vachakabatwa nezvifananidzo zvokuti kana vachidya zvakadai vanodya vachiti zvakabayirwa kuzvifananidzo, uye sezvo hana yavo isati yasimba, inoshatiswa. Asi, zvokudya hazvingatisvitsi pedyo naMwari; hatina kuipa kana tisina kudya uye hatinatswi kana tadya. Asi chenjerai, kuti simba renyu iri rirege kuva chigumbuso kuna vasina simba. Nokuti kana mumwe asina simba achikuona iwe uno ruzivo urwu uchidya uri mutemberi yechifananidzo, ko, hana yaiye asina simba haingatsungiswi kuti adye izvo zvakabayirwa kuzvifananidzo here? Naizvozvo, hama iyi isina simba, iyo yakafirwa naKristu ichaparadzwa nokuziva kwako. Kana mukatadzira hama dzenyu zvakadai uye muchikuvadza hana dzavo dzisina simba, munotadzira Kristu. Naizvozvo, kana zvandinodya zvichigumbusa hama yangu handichazodyizve nyama, kuti ndirege kuzomugumbusa.

1 VaKorinde 8:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino, pamusoro pezvakabayirwa zvifananidzo, tinoziva kuti tose tinako kuziva. Kuziva kunouyisa kuzvikudza, asi rudo runosimbisa. Kana munhu achiti, “Ndinoziva chinhu,” agere kutongoziva sezvaakafanira kuziva. Asi kana munhu achida Mwari, iye anozikanwa naye. Zvino kana kuri kudya zvinhu zvakabayirwa zvifananidzo, tinoziva kuti chifananidzo hachizi chinhu panyika, uye kuti hakuna mumwe Mwari, asi iye mumwechete. Nokuti kunyange varipo vanonzi “Vamwari,” kana kudenga kana panyika; sezvavaripo “Vamwari vazhinji, namadzishe mazhinji;” asi isu tinongova naMwari mumwe bedzi, ndivo baba; zvinhu zvose zvinobva kwaari, nesu tiripo nokuda kwake; uye Ishe mumwe, Jesu Kristu; zvinhu zvose zviripo naye, nesu tiripo naye. Asi vose havana kuziva ikoko; nokuti vamwe, vakarovera chifananidzo kusvikira zvino, vanodya vachiti zvakabayirwa zvifananidzo; hana yavo zvaisina simba, inoshatiswa. Zvino zvokudya hazvingatisvitsi kuna Mwari; nokuti kana tisingadyi, hatiipiswi, kana tichidya, hatinatswi. Asi chenjerai, kuti simba renyu iri rirege kuva chigumbuso kuna vasina simba. Nokuti kana mumwe achikuona iwe, unako kuziva, ugere pakudya mutemberi yechifananidzo, ko hana yaiyeye asina simba haingatsungiswi, kuti adye izvo zvakabayirwa zvifananidzo here? Nokuti nokuziva kwako uyo asina simba anoparadzwa, iri hama yakafirwawo naKristu. Zvino kana muchitadzira hama saizvozvo, muchirwadzisa hana yavo isina simba munotadzira Kristu. Saka kana zvokudya zvichigumbusa hama yangu, handingatongodyi nyama nokusingaperi, kuti ndirege kugumbusa hama yangu.
1 VaKorinde 8:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Panyaya yechokudya chakapirwa kuna vamwari vasirivo tinoziva kuti tose tine ruzivo nazvo. Ruzivo runotutumadza munhu asi rudo ndirwo runovaka munhu. Kana munhu achiti ndinoziva, haazivi sokuziva kwaanofanira kuita. Asi kana munhu achida Mwari, anozivikanwawo naye. Saizvozvo pane zvechokudya chakapirwa kunavamwari vasirivo, tinoziva kuti pasi pano chinonzi mwari asiri iye hakuna uye kuti hakuna mumwe mwari kusiya mumwechete. Kunyange variko zvavo vanonzi vamwari kudenga kana panyika varikowo zvechokwadi vanonzi vamwari vakawanda navanonzi vanatenzi vakawanda. Asi kwatiri isu, kunongova naMwari mumwechete Baba kwakabva zvinhu zvose. Ndiyewo watakasikirwa naTenzi mumwechete Jesu Kristu. Zvinhu zvose zvakasikwa nemaari iye kana iyesu takasikwa nemaari. Asi havasi vose vano ruzivo irworwo asi vamwe nokutojairirana navamwari vasirivo, vanodya chokudya ichocho sokunge chakapirwa zvechokwadi kunamwari asiriye. Zvino pamusana pehana dzavo nhete vanobva vasvibiswa. Asi chokudya hachisvitsi munhu pedyo naMwari. Hapana chatinorasikirwa nacho kana tikarega zvedu kudya uyewo hapana chatinowana kana tikadya. Asi chenjerai kuti rusununguko rwenyu irworwo rurege kuva chigumburo kuna vasina kusimba. Ndinodaro nokuti munhu akakuona iwe uno ruzivo uri pakudya mutemberi yavamwari vasiri ivo haazokurudzirwa here kana ari uya wehana nhete kuti adye chokudya chakapirwa kuna vamwari vasiri ivo? Saizvozvo noruzivo rwako, munhu uyu wehana nhete anoparadzwa, hama yakatofirwa naKristu. Nezvo nokutadzira hama dzako kudaro uchikuvadza hana dzadzo kana dziri nhete uri kutotadzira Kristu. Naizvozvo kana chokudya chichikonzera kuti hama yangu iputsike handimbofa ndakadya nyama kuti ndirege kukonzera hama yangu kuputsika.
1 VaKorinde 8:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino, pamsoro peɀakaɓayirwa ɀifananidzo, tinoziʋa kuti tose tinako kuziʋa. Kuziʋa kunoʋuyisa kuɀikudza, asi ruɗo runosimbisa. Kana munhu aciti, ndinoziʋa cinhu, ugere kutoŋgoziʋa seɀaakafanira kuziʋa. Asi kana munhu aciɗa Mŋari, iye unozikanwa naye. Ɀino kana kuri kudya ɀinhu ɀakaɓayirwa ɀifananidzo, tinoziʋa kuti cifananidzo hacizi cinhu panyika, ʋuye kuti hakunaMŋari, asi iye mumŋe cete. Nokuti kunyaŋge ʋari’po ʋanonzi ʋamŋari, kana kuɗeŋga kana panyika; seɀaʋari’po ʋamŋari ʋazhinji, namadzishe mazhinji; asi isu tinoŋgoʋa naMŋari mumŋe ɓedzi, ndiʋo Ƃaɓa; ɀinhu ɀose ɀinobva kwaari, nesu tiri’po nokuɗa kwake; ʋuye Ishe mumŋe, Jesu Kristu; ɀinhu ɀose ɀiri’po naye, nesu tiri’po naye. Asi ʋose haʋano‐kuziʋa ikoko; nokuti ʋamŋe, ʋakaroʋera cifananidzo kuȿikira ɀino, ʋanodya ʋaciti ɀakaɓayirwa ɀifananidzo; hana yaʋo ɀaisinesimba, inoshatiswa. Ɀino ɀokudya haɀiŋgatiȿitsi kunaMŋari; nokuti kana tisiŋgadyi, hatiipiswi, kana ticidya, hatinatswi. Asi cenjerai, kuti simba renyu iri rirege kuʋa cigumbuso kunaʋasinesimba. Nokuti kana mumŋe acikuʋona iwe, unako kuziʋa, ugere pakudya mutembere yecifananidzo, ko hana yaiyeye usinesimba haiŋgatsuŋgiswi, kuti adye iɀo ɀakaɓayirwa ɀifananidzo here? Nokuti nokuziʋa kwako uyo usinesimba unoparadzwa, iri hama yakafirwa ʋo naKristu. Ɀino kana mucitadzira hama saiɀoɀo, mucirwadzisa hana yaʋo isinesimba, munotadzira Kristu. Saka kana ɀokudya ɀicigumbusa hama yaŋgu, handiŋgatoŋgodyi nyama nokusiŋgaperi, kuti ndirege kugumbusa hama yaŋgu.
1 VaKorinde 8:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)